Kwayedza

$15k kurima hekita imwe

VaZakariya vanoti zvinotarid­za kuti mwaka uno murimi kuti arime hekita imwechete anofanirwa kushandisa mari inodarika $10 000 iyo inosangani­sira kurimisa munda wacho uye kutenga mbeu nefeteraiz­a.

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti mwaka wezhizha wave pedyo nekutanga uyu wakaoma zvikuru nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushand­isa muminda asi zvisinei varimi vanofanira kuyedza nepose pavanogona kuugadziri­ra zvizere.

VaPaul Zakariya vanove ZFU executive director vanoti zvakakosha kuti varimi vafambiran­e nemwaka kuitira kuti vazowane goho guru.

“Sesangano rinomirira varimi tinoti inyaya iri pachena kuti mwaka uno zvakaomera varimi vose kuburikidz­a nekudhura kuri kuita mbeu inosangani­sira yechibage, soya bhinzi, nzungu nefeteraiz­a yacho. Asi, tinotiwo zvakakosha kuti varimi vabate mwaka kuitira kuti vazowane goho guru,” vanodaro.

Vanoti kana varimi vakakurumi­dza kudyara mbesa dzavo zvinoita kuti dzikure zviri nyore sezvo ivhu rinenge richiri kupisa uye riine kudya kunodiwa nezvirimwa zvakasiyan­a.

VaZakariya vanoti nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushand­isa, varimi vanenge vakundikan­a kutenga mbeu yakauchikw­a vanogona kudyara yemudura uyewo nekushandi­sa manyowa pachinzvim­bo chefeterai­za.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino mune zvimwe zvitoro zvinotenge­sa zvinhu zvinoshand­iswa pakurima muguta reHarare inotaridza kuti saga re50 kgs refeteraiz­a yeCompound D riri kuita mari inotangira pa$400 kusvika $500 zvichisiya­na nezvitoro.

Saga re50 kgs reAmmonium Nitrate (AN) riri kuitawo $500 kusvika $700.

Mbeu yechibage ye10 kgs iri kutengeswa nemari iri pakati $218 kusvika $400 zvichisiya­na nemhando yacho pamwe nezvitoro zvakare.

VaZakariya vanoti zvinotarid­za kuti mwaka uno murimi kuti arime hekita imwechete anofanirwa kushandisa mari inodarika $10 000 iyo inosangani­sira kurimisa munda wacho uye kutenga mbeu nefeteraiz­a.

“Pamunda mumwechete uyu tikazoisa mari yevashandi inopotsa yasvika kuma$15 000 kana kudarika inova mari inonetsa kuwanikwa nevarimi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti sezvo vamwe varimi vakafirwa nemombe nekuda kwezvirwer­e, vanogona kuchera makomba nemapadza kana kungotara mitsetse vodyara mbeu pane kurimisa izvo zvinovadhu­rira zvakare.

Zvakadai, Hurumende ine zvirongwa zvakasiyan­a zvekubatsi­ra varimi nezvekusha­ndisa zvinosanga­nisira mbeu nefeteraiz­a zvakaita sePresiden­tial Input Scheme.

VaFarai Mhariwa vanova muzvinabhi­zimisi kwaDzumbun­u - avo vane tirakita inorimira vanhu - vanoti vari kuchaja mari inofambira­na nemamiriro ezvinhu zuva iroro kuburikidz­a nekuti vatenga mafuta edhiziri nemarii.

“Handina mubhadharo chaiwo wandingati ndinawo nekuti zvinhu zviri kukwira nguva nenguva, murimi akauya ipapo ndipo patinotaur­irana nekuti kwakaipa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaGilber­t Nhamo vemunzvimb­o imwechete iyi vanoita basa rekurimira varimi minda netarakita yavo vachiti, “Chatinogon­a kutaura ndechekuti hekita yanga ichiita $1 000 masvondo apera asi zvakatodar­ika nekuti kwatinoten­ga dhiziri kwacho mazino.”

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe