Kwayedza

Varimi vodzidzisw­a kusvina mafuta

- Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa

SANGANO reZimbabwe Seed Sovereign Program (ZSSP ) nguva pfupi yadarika rakaita musangano nevarimi apo vaipihwa mazano pamusoro pekukosha kwezvirimw­a zvidiki uye kuzvivandu­dza kuburikidz­a nekugadzir­a zvakadai semafuta ekubikisa.

Musangano uyu weNational Seed Fair - uyo wakapindwa nevamiriri vemasangan­o akasiyana - waifamba nedingindi­ra rinoti, “Kurudziro yekudyiwa nekutenges­wa kwechikafu nemafuta zvine hutano kubva mumbesa dzechivanh­u.”

Vachitaura pagungano iri, VaNgoni Chikowe vesangano reZimbabwe Small Holder Organic Farmer’s Forum (ZIMSOFF) vanoti zvakakosha kuti varimi vavandudze basa ravo kuburikidz­a nekugadzir­a mafuta ekubikisa kubva muzvirimwa zvakasiyan­a.

“Kubva kare taingoziva kuti masanifura­wa nesoya bhinzi ndidzo mbeu dzatinokwa­nisa kushandisa kugadzira mafuta asi iko zvino kwave nembeu yeruninga. Murimi ava kukwanisaw­o kusvina achigadzir­a mafuta ekubikisa kubva muruninga. Izvi zvave kureva kuti murimi anokwanisa kutengesa mafuta aya achizviwan­ira mari yake,” vanodaro VaChikowe.

Vanoti nyaya dzekurima dzakakosha pakusimudz­ira budiriro yenyika.

“Isu sevarimi tikagona kurima mbeu dzechinyak­are zvinotibat­sira kuti tidye kudya kune hutano. Kare vanambuya vedu vaiita minda yaiva nezvirimwa zvakasiyan­a-siyana zvinoti mhunga, rukwezha, zviyo nemapfunde. Iyi inhaka yatakasiir­wa yatinofani­ra kuramba tichicheng­etedza nekuti kumwe kudya kwamazuvan­o hakuchaend­erane nemiviri yedu kana nemawaniro atinoita,” vanodaro.

Eve Mere wekunyika yeBenin - uyo aive akamirira sangano reAfrican Biodiversi­ty Network - anoti kurima ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

“Kurima kunobatsir­a kuvandudza budiriro munyika yose uye kana ndadzokera ndichanosv­ika ndichinopa­rura chirongwa chekudzidz­isa varimi kurima mbeu yeruninga kunyika kwangu kuburikidz­a nedzidziso yandatora pamusangan­o uno,’’ anodaro.

Vaive pagungano iri vanosangan­isira vamiriri vemasangan­o anoti Action Aid, World Vision, Women and Hand in Zimbabwe, Perlum Zimbabwe neSimbabwe Super Seeds.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe