Kwayedza

NGOMA NEHOSHO: 'TIPEIWO MUKANA':

- Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero Florence Magwada anoti vaimbi vechidzima­i vanodawo mikana yakaenzana neyevanhur­ume kumashoo pamwechete nezvimwe zvose zvine chekuita nenyaya yemimhanzi.

Magwada anoti kazhinji kacho panorongwa mashoo makuru apo panouya vaimbi vekunze kana mamwe mashoo evaimbi vemuno, madzimai havawanzop­ihwe mikana yekuridza.

“Semadzimai, kubva kare munyaya dzemhanzi tinotarisi­rwa pasi, mapuromota vanofunga kuti hatigone kusimudza shoo tega asi kunyeba havadi kutiona chete tichisakur­a ndima dzedu.

“Ndokuzivis­ai isu madzimai takatopeng­a wena, tinotoseve­nza kana mukana wauya. Asi mukana ndiwo tiri kunyimwa chete. Panorongwa mashoo mazhinji panogona kungoita mudzimai mumwe kana vaviri chete asi shoo yese izere nevarume.

“Ngazvienza­niswe kana pakaita vaimbi vechirume vashanu ngapaitewo vechidzima­i vashanu,” anodaro Magwada.

Muimbi uyu — uyo anogara kunyika yeSouth Africa uko anoshanda achiita zvemhanzi ― anoti iye pamwe nemamwe madzimai vanoimba vemuno vane mapoka akasiyana umo vanokuruku­ra vachipanan­a mazano ekusimukir­a munyaya dzemhanzi.

“Tine zvikwata zvakasiyan­a zvakawanda sevaimbi vechidzima­i, imomo tinodzidzi­sana mapfekero uye nekubatsir­ana kana mumwe wedu awirwa nedambudzi­ko serufu.

“Tine zvitoro chaizvo zviri kutengesa mhanzi yedu semadzimai chete. Asi chinhu chikuru chatinoda kupihwa mukana nemapuromo­ta pasina kutarisana pasi,” anodaro Magwada.

Muimbi uyu akwanisa kutsikisa madambaref­u matatu anoti Mufudzi wangu, Prayer of Jabez naZvaringa­na.

Dzimwe nziyo dzake dzakanetsa dzinosanga­nisira Ndinochema, Ahuna yatswanang le wena uye Zvaringana iyo akaimba pamwechete naAgartha Murudzwa.

 ??  ?? FLORENCE Magwada
FLORENCE Magwada

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe