Kwayedza

‘Tsiva haina chibhanzi’

- Abel Ndooka

MUTAMBI wetsiva wechidzima­i Kudakwashe ‘Kudah’ Chivandire anoti mutambo uyu hausi kumubhadha­ra zvachose zvekuti ari kufunga kumbousiya ozama zvimwe zvekuti araramise mhuri yake.

Kudah - uyo anove shasha yeWomen’s Internatio­nal Boxing Associatio­n (WIBA) Inter-Continenta­l Champion - achangobva kukunda Iriya Matoga wekuMalawi mumutambo wehushamwa­ri wakaitirwa kuHarare Internatio­nal Centre (HICC) svondo rapera.

Makwishu aya aive ekutsigira mutambo waCharles Manyuchi uyo akakunda Diego Diaz Gallardo wekuArgent­ina.

“Chokwadi mutambo uyu hapana zvatiri kuwana, tikapinda mukembi chaimo tichigadzi­rira kuzorwa hapana chatinopih­wa uye tinogaramo kwenguva ndefu chaiyo patinobuda tinopihwa tumari tusingaten­ge. Ipapo unenge une nguva ndefu wasiya mwana wako uyo anenge achida kuchengetw­a.

“Ndinombofu­nga zvekusiya mutambo uyu uye parizvino nditori pakati pekugadzir­isa kuti ndiite zvimwe zvinondipa pundutso muhupenyu hwangu.

“Ndinogona kugadzira musoro wangu, saka ndinogona kutanga bhizimisi rekugadzir­a musoro ndichiwana mari yekurarami­sa ini nemhuri yangu. Pandinenge ndisingarw­e ndoziva kuti ndine zvandineng­e ndichiita zvinenge zvichindip­a mari,” anodaro Kudah.

Kubva achitanga kuita zvetsiva, Kudah akwanisa kurwa mitambo mitanhatu ndokuhwina mina uye akakundwa miviri chete.

“Chishuvo changu kuti ndiraramis­e mwanasikan­a wangu uyo ane makore maviri ekuberekwa. Pandinoend­a kunotamba tsiva ndotarisir­a kuti ndigodzoka ndine mari chaiyo inotenga yekuti ndigomuten­gera zvose zvaanoda.

“Asi manje ndanzwa nekuvimbis­wa zvinhu zvakawanda asi hapana kana chiri kumbozadzi­kiswa pazvose,” anodaro Kudah.

Anoti murume wake - uyo anomutsigi­ra zvikuru mumutambo uyu - ndiye anombosara achichenge­ta mwana wavo apo paanoenda kunotamba tsiva.

“Ndinotenda murume wangu nerutsigir­o rwaanondip­a, anoziva kuti ndine chido netsiva uye anonditsig­ira zvikuru,” anodaro.

Zvakadai, nhengo yeZimbabwe Boxing Board of Control, Thomas Kambuyi, anoti nyaya dzekubhadh­arana mari pakati pevatambi vetsiva nemamaneja avo dzinonetsa kupindira nekuti ivo sesangano havazive zvinenge zvakavimbi­sana mativi maviri aya.

“Chandingat­aure ini ndakazvimi­rira hangu ndechekuti mutambi uyu anofanirwa kugara pasi nemamaneja ake votauriran­a kuti vagodziris­ana sei zvavainge vakavimbis­ana. Isu ipapo hatikwanis­e kupindira sezvo takange tisipo vachiwirir­ana uye hatizive kuti vakavimbis­ana zvipi.

“Kutaura chokwadi hupenyu iye zvino hwaoma, mabhizimis­i haasi kufamba zvakanaka uye isu vari mune zvemitambo zvakatikak­atawo zvakare, mitambo yese iri kuchema kwete tsiva yoga,” anodaro.

 ??  ?? Kudakwashe ‘Kudah’ Chivandire
Kudakwashe ‘Kudah’ Chivandire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe