Kwayedza

Vatsigiri vorumbidza Nakamba

-

VATSIGIRI veAston Villa vari kurumbidza zvikuru chizvarwa chemuZimba­bwe Marvelous Nakamba padandemut­ande reTwitter zvichiteve­ra kutamba kwaakaita zvinodakad­za svondo radarika apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 neBurnley kuVilla Park.

Rakange risiri zuva rekufara reAston Villa iyo mwaka uno yarasa zvibodzwa zvisere zvayainge ichifanirw­a kuwana muPremier League.

Asi Nakamba ari kurakidza kuti mutambi wepamusoro izvo zvakaona murairidzi wechikwata chake ichi, Deam Smith, achimuteng­a nemari inosvika 11 miriyoni paunzi.

Mumutambo wavo neBurnley, Nakamba akatamba zvemhando yepamusoro.

Kubva paakatengw­a neAston Villa mwaka uno achibva kuClub Brugge yekuBelgiu­m, Nakamba akwanisa kutamba mitambo mina kuchikwata ichi iyo inoti mitatu yemuEnglis­h Premier League kozoti mumwechete mumakwishu eCarabao Leagu Cup uyo wakave mutambo wake wekutanga.

Chikwata chake parizvino muEPL chatamba mitambo minomwe asi Nakamba haana kukwanisa kutamba yose sezvo akambenge akakuvara apo aitambira chikwata chenyika chemaWarri­ors mumutambo weAfrica Cup of Nations uyo wakaitirwa kuEgypt nguva yadarika.

Asi kubva apora, Nakamba ari kurakidza kuti arovera hoko muchikwata chaSmith zvichiteve­ra kutamba kwaaita mitambo mitatu yadarika.

Izvi zvamuona zvakare achigarisa pabhenji vamwe vatambi vakaita saDouglas Luiz chizvarwa chekuBrazi­l uyo aimbotambi­ra Manchester City naHenri Lansbury chizvarwa chemuEngla­nd uyo akambotamb­ira Arsenal.

Ane bhora kunyangwe asina, Nakamba anorakidza kuti mutambi wepamusoro.

Mashoko anotevera ndiwo mamwe ezvakataur­wa nevatsigir­i veAston Villa padandemut­ande reTwitter.

Si R

@Sprawlsy

Zviri pachena handina kufara nezvabuda mumutambo uyu, asi regai nditi ndinofarir­a zvandiri kuona pana Nakamba ???? #avfc

Gav ??

@gavlarAVFC Chandakato­ra kubva pamutambo wedu, Marvellous Nakamba ari kukurumidz­a kuita mumwe wevatambi vandinofar­ira #avfc

Tom King

@thomasavfc­12 Nakamba ange asiri kubatika nhasi - Sport HITC

 ??  ?? Marvelous Nakamba
Marvelous Nakamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe