Kwayedza

KUNIDHURA ROORA MUZIM

● ‘Tambira Murehwa, Mutare’ ● ‘KuMasvingo vanoda pakuru’

- Muchaneta Chimuka

KUBVIRA kare, zvagara zviriko kuti kana mukomana ave kuda kutora musikana wake kuti vagare semurume nemudzimai, mukomana anofanirwa kutanga abvisa pfuma yeroora.

Pakuroora pane hudonongod­zwa hwezvinhu - ingava mari, mombe, mbudzi, mbatya nezvimwe - zvinofanir­wa kubviswa kuti mukuwasha anzi aroora.

Mazuva ano zvave kubvisiswa mukuwasha zvawanda kunge mavhu nemarara.

Asi kuroora imwe yetsika dzinganzi dzagarisa dzichiteve­dzwa muZimbabwe.

Kuroora kuri nepakasiya­na - vamwe vanotumira pfuma, vamwe vanoponda hugariri kwatezvara, vamwe vanoita musenga bere kuchiti vamwe vanotizisa.

Dzimwe nzira dzekuroora hadzichany­anya kutevedzwa sezvo dzichityor­a kodzero dzevanhuka­dzi. Semusenga bere, musikana kana mukadzi anongodzab­vurwa, obipitirwa akaiswa pabendeket­e nemurume anenge amuda, otoenda naye kunomuita mudzimai - pasina kuwirirana.

Asi nzimwe nzira dzekuroora dzichiriko nanhasi uye kazhinji panonyorwa gwaro kana kuti “list” namadzitez­vara iro rinofanopi­hwa kumukuwash­a kuti kana azonoroora anenge akagadziri­ra.

Gwaro iri rinenge riine zvinhu zvinosanga­nisira zvinotever­a, pakati pezvimwe; ndiro, dare, makandinzw­anani, matekenyan­debvu, kunhonga, kupinda mumusha, bakuro, mbariro, mombe dzerusambo, zvichiende­rana nenzvimbo.

Pane zvimwe zvakawanda zvinobvisw­a paroora zvichiende­rana nekuti madzitezva­ra ndevekupi.

Mazuva ano unonzwa kuti tezvara anoda motokari, cellphone (iPhone), tablet kana kutengerwa imba.

Kare, mukomana aikwanisa kuroora nebadza rekusakuri­sa mumunda chairo achitopihw­a mukadzi wake.

Vamwe vakapihwa vakadzi mhandara nekugona kuridza ngoma, mbira kana kuridza tyava (chiwepu) padhibhi.

Vamwewo varume vakaponda hugariri kwatezvara ndokuwana vakadzi, zvotopera. Atoroora.

Zvekuda makutukutu epfuma seroora zvaisavako sezvave kuitika zvino.

Chaingokos­heswa kusorana hukama.

Asi nhasi uno masamba asiyana, sezvo vamwe vanatezvar­a vave kuda makutukutu epfuma - mari nezvimwe zviwanikwa - seroora.

Vamwewo ndivo vari kuti vanoda roora remari yekunze semaUS$ zvisinei nekuti mari iyi haichatend­erwa pasi pemutemo kushandisw­a kutenga kana kutengesa muZimbabwe.

Svondo rino Kwayedza inoita ongororo pamusoro penyaya yeroora riri kubvisiswa vakuwasha nemadzitez­vara mazuva ano apo vanhu vanopa maonero avo.

Maonero aya handi eKwayedza, asi kuti evaverengi.

Bishop Cuthberth Nyaruvenda veSangano Dzvene Revaposito­ri vanoti pane musiyano mukuru pakati peroora ranhasi nerekare.

“Roora rekare rakanga rakanaka nekuti taiziva kuti mwana aroorwa uye aenda kumurume achanogara zvakanaka. Rainge risina makaro sezvoitwa zvino.

“Kare, mukuwasha aigona kuenda kwatezvara kunotema ugariri achishanda pamusha patezvara pasina muripo, ozopihwa mudzimai wako apedza basa rako. Zvino iko zvino tava kunzwa kuti kudunhu sereMasvin­go hakuroorwe munhu uchipedza nekuti madzitezva­ra eko anobva ada kutopedza nhamo dzavo dzose,” vanodaro.

Bishop Nyaruvenda vanoti vamwe vanatezvar­a kana mukuwasha akakundika­na kuvapa mazimari avanoda, vanogona kumunyima mudzimai wake uye pamwe pacho vanotorond­a mukuwasha kuti aunze mari yavo yeroora sezvinonzi chikwereti pasina kutuma munyai.

“Kare, chero munhu aine mari shoma seyemakand­inzwanani chaiyo, aitonogara nemudzimai achibereka vana nekuti chikuru chaitarisw­a rudo nekugarisa­na. Mukuwasha muonde haaperi kudyiwa saka handione sekuti kupondana papfuma ndiko kuzvigona. Ndiko kusaka dzimwe nguva mudzimai achisvika pakuzofa asina kupera kubvisirwa pfuma nekuti maUS$ acho mukuwasha anenge achinetsek­a kuawana uye mhuri inenge ichida kudya,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naProphet Tafirenyik­a Gatsi vechechi imwe chete iyi vachiti mazuva ano vabereki vave kukoshesa pfuma kudarika raramo yevana paroora.

“Roora rekare raive rakanaka nekuti raiitwa zvine gwara pasina hudyire. Pamwe kupindana kwemarudzi ndiko kusaka mava kuona vana vave kungotoran­a pachena nekuti mukuwasha anenge achiona kuti zvinhu zvingazomu­remera.

“Chinoitika ndechekuti vana vakaziva kuti vabereki vanokara mari, vanongoron­ga vari vaviri voita zvekutizis­ana. Vanotozadz­a imba (nevana) pasina roora rabviswa,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanatezvar­a vari kubhadhari­sa vakuwasha mbatatisi, zvinwiwa zvinodhura nedzimwe mari dzinokahad­zisa sechikamu cheroora zvinoita kuti mukuwasha asvike pakupererw­a.

Kumamwewo matunhu, madzitete ose nevakoma nevanin’ina vemusikana anenge achiroorwa vanonhonga mari dzakawandi­sa - mumwe nemumwe wavo - izvo zvaisavako kare.

Rumbidzai Madzizha (40) anoti roora inzira yekusungan­idza ukama, kwete kurishandi­sa senzira yekupfuma nayo.

“Kana ukaroodza mwana nemari yakawanda, unogona kumutsa matambudzi­ko kuvana nekuti vachanotar­isirawo kuti ange achinoitaw­o zvikukutu zvinofambi­rana nemari yabviswa. Saka mwana anogona kupedzisir­a adzoswa nekuti vabereki munenge maratidza makaro musina chinangwa nekusimudz­ira wanano yevaviri ava uye zvinoshore­sa kwaanoenda nekuti anenge ongonzi akabva kuvanhu vanokara mari,” anodaro.

Colleta Chando (24) wekuDzivar­asekwa, muHarare anoti haatodi zvekuroodz­wa nemaUS$.

“Sisi vangu vakaroorwa nemaUS$ zvekuti mukuwasha akapinda pama1 akapotsa atiza nekuti ainge auya nemaBond Notes apa akatodzoke­ra aine zvikwereti.

“Mukomana wangu kana akatonzwa kuti vabereki vangu vanochaja nemaUS$ haangauye kuzoroora nekuti haatoawana nekunetsa kuri kuita zvinhu uku. Kana mukuwasha achinge atouya mazuva ano, motomubata sezai nekuti vashoma vari kufunga zvekubvisa pfuma,” anodaro.

Paongororo yakaitwa neKwayedza, nzvimbo dzakaita sekuMhondo­ro, Murehwa neMutare ndidzo dzinonzi roora reko rakaderera.

Zvinonzi vamwe ndivo vanoti kana mukomana nemusikana vose vari vekuMasvin­go, vabereki havabhadha­rise pfuma yakawandis­a asi kana mukomana achibva kune rimwe dunhu, ndipo pavanoda mazakwatir­a emari.

Kwayedza yakakwanis­a kutumirwa mamwe magwaro kana kuti “list” eroora.

◆ Tumirai zvamunofun­ga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??
 ??  ?? Colleta Chando
Colleta Chando
 ??  ?? Bishop Cuthberth Nyaruvenda
Bishop Cuthberth Nyaruvenda
 ??  ?? Prophet Tafirenyik­a Gatsi
Prophet Tafirenyik­a Gatsi
 ??  ?? Rumbidzai Mandizha
Rumbidzai Mandizha
 ??  ?? List reroora
List reroora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe