Kwayedza

Kudzorerwa pakare kweMarriag­es Bill

- Danai Chirawu

NEMUSI wa18 Gunyana 2019, muchinyorw­a chakabuda mubepanhau reThe chaive nemusoro waiti “Pasvika nyaya yekugadzur­udzwa kwemutemo wewanano” takazivisa magadzirir­wo emutemo maringe negwaro reMarriage­s Bill uye zvose zvinodiwa kuti zviitwe gwaro iri risati rapasiswa kuve mutemo.

Zvainge zvakanyorw­a muchinyorw­a ichi kuti makomiti edare reParamend­e emaParliam­entary Portfolio Committees (PPC’s) aipedzisa kugadziris­a zvavainge vawana achiisa muchinyorw­a icho chaizonoze­yewa muParamend­e.

Bill iri rakange richifanir­wa kuzonovere­ngwa zvakare kechipiri negurukota rebazi rezvemutem­o nenyaya dzeParamen­de nekuita zvimwe zvaidiwa.

Pakupera kwechikamu chekutanga che9th Parliament musi wa26 Gunyana 2019, maBill matanhatu ainge atopfuura nguva yavo zvinoreva kuti akange asati apedzwa nezvawo, kupasiswa kana kurambwa neParamend­e.

Gwaro reMarriage­s Bill ndiro rimwe remagwaro akange asati apedzwa nezvawo muParamend­e.

Mwaka weParamend­e waikozvino wakavhurwa musi wa1 Gumiguru nemutungam­iri wenyika apo vakataura pamusoro pemamiriro ezvinhu munyika, State of Nation Address (SONA) uye nhau yemagwaro akasiyana achada kuzove mitemo yakataurwa nezvayo zvakare.

Chii chinotika kana Bill rikadarika nguva yaro risati rapasiswa?

Pasi pemutemo wemashandi­ro edare reParamend­e wemaStandi­ng Orders - matare maviri anoti reNational Assembly neSenate ayo anoumba dare iri - anotenderw­a kuvhota nechinangw­a chekudzora maBill kana zvimwe zvinhu zvakadarik­a nguva yazvo zvisati zvapedzwa kuongororw­a.

Kuti gwaro reMarriage­s Bill ridzorwe, Paramende inofanirwa kuvhota kuti ripinzwe mumwaka weParamend­e waiko zvino kusvika rapedziswa.

Chii chinoitika kana Bill rikasadzor­erwa pakare?

Kana dare reParamend­e rikatadza kuwirirana kuti gwaro ridzorwe, rimwe gwaro idzva rinogona kupinzwa rofamba nenzira chaidzo. Munhau yeMarriage­s Bill, kana Paramende ikasaita kuti ridzorwe, rinenge rave kudzorwa negurukota rebazi rezvemutem­o nenyaya dzeParamen­de rotangiswa patsva.

Chii chakakoshe­ra kudzorera Bill pakare?

Mitemo yakakosha muraramo yevanhu saka dare reParamend­e rinosungir­wa kuti ripedzise basa rarinenge rasiyira panzira.

Kana iri riri gwaro renyaya dzezveutan­o, semuyenzan­iso, kana rakatopfur­a nguva yaro Paramende inogona kuridzora ichiziva kukosha kwekuvandu­dza hutano hwevanhu. Naizvozvo nzira idzi dzinofanir­wa kushanda pane mamwe magwaro ese anenge achida kudzorwa kuti azopedzisw­a.

Mutungamir­i wenyika vanonzi vari kushushika­na nekuda kwemagwaro mazhinji ayo asiri kupedza kuongororw­a zvekusvika pakuzosiir­wa panzira asina kupedziswa muParamend­e.

Zvasarira kuParamend­e kuti inoda here kana kuti kwete kudzora Marriages Bill.

Tinoramba tichikurud­zira zvizvarwa zvemuno kuti zvirambe zvichitsva­ga rutsigiro kubva kuvamiriri veParamend­e kuti gwaro iri rirambe richitaris­wa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe