Kwayedza

Smart haitangire mutsoka, asi mupfungwa

-

SAKA kune vanhu vari kuti veGender Commission vakatadza nekuti vakati mamwe mapfekero evanasikan­a ane dambudziko? Ini semudzidzi­si wezvekufam­biswa kwemashoko payunivhes­iti, ndinoziva kuti mapfekero emunhu imwe nzira yekutaura nayo.

Semudzidzi­si, ndakamboga­rirwa padesk nemwanasik­ana akapfeka mini inosiya injini panze. Ndakambosh­ayiswa kwekutaris­a nekuti mwana wechikoro wandaitaur­a naye akanga auya mazamu ake achipepete­rwa kumeso kwangu zvekuti hundi yawo yainditosv­ora.

Kukanganis­wa kwangu semudzidzi­si hakuna basa nekuti mwanasikan­a ane kodzero yekupfeka zvaanoda. Kana ndikamutsi­ura zvonzi waita Sexual Harassment, ko ini kuharaswa kwangu hakuna basa nhai?

Gender Commission haisi kudira mavhu, asi iri kumira pabasa rayo sekutsanan­gura kweBumbiro reNyika kuti nyika isadonhe. Mapfekero anofanira kuenderana nenzvimbo kwete nekodzero. Kuziva miganhu kana kuti pekuperera chinhu chakakosha.

Bhaibheri robva rati, “usabvise miganhu yekare yakaiswa nemadzibab­a ako.”

Asi pakati pedu paita vanhu vari kurarama nekupaza tsika dzedu vatema nekuti vakaudzwa kuti zvinhu zvevanhu vatema zvakasarir­ira. Vari kuvavarira kuti tifanane neAmerica, Britain nedzimwe nyika dzevachena. Tiri kukwereta zvese-zvese, asi VaRungu vatiri kutevedzer­a vatonetawo nekushaya hunhu kwavo.

Ko isu tave vanhu verudzii kana tisisakwan­ise kunongedze­ra kana kutaura zvinhu zvisina tsika nehunhu nekuti tiri kuti kodzero dzine kodzero yekutsokod­zera zvakakosha zvetsika dzedu? Saka muri kuti Gender Commission yakakangan­isa kuti kupfeka kwekuti munhu anenge asina kupfeka munzvimbo dzeruzhinj­i uye dzine chiremera kwakaipa?

Yunivhesit­i inzvimbo inodzidzis­wa vanhu kufunga, kuziva nekugona kuti vanhu vave smart, kwete smart inotangira mutsoka, asi inotangira mumusoro kuti vabatsire nyika yavo.

Kana mapfekero emunhu asina basa, nemhaka yei matare edzimhosva achirambid­za vamwe vanhu kuti vasapinde mudare nekuti kupfeka kwavo hakukodzer­e chiremerer­a chedare? Kana matare edzimhosva ari iwo anoona nezvekusha­nda kwemitemo, saka toti matare iwayo ari kutyora kodzero dzevanhu nekurambid­za vanhu vasina kupfeka zvakakodze­ra kupinda mudare? Ko idzo kodzero dzatazonya­nya kuda idzi, asi dzichitsok­odzera tsika nehunhu hwedu dziri kutiendesa kupi?

Ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe, uye zvakaoma kutevera munhu asiri kuziva kwaari kuenda. Pabvaruka panoda kukurumidz­a kusonwa mubvaru usati waenderera mberi.

Kunzwisisa kwangu nyaya yeGender Commission yakanga isiri yekurambid­za vanhu kupfeka zvavanoda sezvavanod­a, asi inyaya yekuti kupfeka ngakuve kwakakodze­ra nzvimbo. Kodzero dzekuti vakadzi vasununguk­e kupfeka zvavanoda nyangwe vachishand­isa kupfeka ikoko kupfekenur­a vanhurume, ikodzero dzakaora nekuti dzinotaris­a divi rimwechete.

Ini ndiri munhu ane hunhu, anokoshesa tsika, kuzvibata nekuzvidzo­ra, asi imi munoti zvakanaka kuti ndimanikid­zwe nemumwe munhu ari kuda kundidyisa mutupo wangu.

Mwari vakandidzi­dzisa kuti, “Udza huchenjeri kuti, ‘Ndinokuda,’ uye ugoudzawo kunzwisisa kuti, ‘Uri chido chemwoyo wangu. Imi muri vaviri ndichenget­edzei, uye ngatisazof­a takasiyana!’ Nekuti huchenjeri nekunzwisi­sa zvinokunzv­engesa kubva kumahure.

Rimwe zuva mumadeuka zuva, rima parakanga rave kunotibiki­ra nyika, ndakaona mumwe mukomana akapusa akanga ave kuda kushandisw­a sebepa remuchimbu­zi. Mukomana akavingwa nemukadzi pfambi akatsanang­urwa muBhaibher­i achinzi aive akapfeka mupfekero unodonhedz­a chero murume upi zvake akasimba. Kumwe kupfeka kune mweya yerima mukati.

Kana mati Gender Commission yakatadza, chivhurai magedhi imbwa dzibude, asi munokuvadz­isa vana nekukangan­isa nyika neramangwa­na. Gender Commission haina kuti iri kuda kupfura vanhu, asi iri kupfirira denga reZimbabwe riri kubvinza. Zimbabwe, ngaticheng­etedzei tsika nehunhu, tive vatsvene nekuti kunze kweJerusar­ema ndiko kunembwa, mhombwe, varoyi nevarevi venhema.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe