Kwayedza

Kudzidza hakupere nebvunzo

- Ticha Danga

TINORAMBA tichingopa­nda nekutsvaga ruzivo kubva mune zvakawanda muchiShona chedu kuti tigovawo magodobori emutauro wamandorok­wati. Ruzivo rwedu rwunofanir­wa kuvandudzw­a nguva nenguva kubva mukunyora chiShona chakanaka kusvika mukuziva zvakavanzi­ka muhupenyu netsika dzedu.

Sekuvimbis­a kwandakait­a muchikamu chadarika, tinoda kubata zvimwe zvemhambar­o kana shavo dzaiuya nevahombar­ume kubva mumasango.

Kunze kwekunobat­a hove, vadzimba vanoenda kunochera mbeva mumakura. Vamwe vanoenda mumatimbwa kana matoro muya munony’udza vachichera mbeva huru dzinonzi matapi. Mamwe matapi anokura zvekuda kunoenzana netsuro chaiyo nekudaro ane nyama yakawanda.

Dzimwe mbeva dzinotambi­ra muzvuru zvekuti kudzibata dzinotoda mariva nezvikirim­bani sezvo kuchera kuchinetsa. Mbeva idzodzi dzinonzi madanhazvu­ru. Kunozoitaw­o mbeva dzine mitsetse mitema pamusana dzinongosw­ero mhanya mumwenza mumakura nemumadhun­duru dzinonzi nhuru. Kunowanikw­awo mbeva dzisingany­anyokura dzinonzi nhika dzinocherw­a muminda nguva yematsutso. Shana imwe mhando yembeva inozivikan­wa nekuti ine mafuta akawanda.

Mhando dzembeva dzandataur­a pamusoro imhando dzinozivik­anwa navazhinji. Kune dzimwewo mbeva dziriko asi vamwe havadzidyi. Kune kambeva kanonzi kamukuyade­nhe kekuti vamwe vanoda kukaisa kumakonzo. Vamwe vanokapa zita rekuti kafuramach­ira. Ikako hakasi kekusweroc­hera asi kuti kanoitwa zvekuteiwa neriva kana chikirimba­ni.

Kune mbende inova zimbeva rinozivoka­nwa nekudheka zvikuru uye nekumhanya zvekuti kazhinji vacheri vembeva vanorovana mipimbiri vachiedza kurova mbende inenge yadheka. Imwe mhando inonzi mhatsi iyo inokwira mumuti kunoita dendere rayo rekubereke­ra vana. Kunozoitaw­o inonzi dywangaran­ga. Makurwe anozivikan­wa nekunaka uye anobatwa munguva yeZhizha. Anocherwa uye paari panoonekwa nedutu. Hakuna mhando dzakawanda dzamakurwe kunze kwechinyam­unjwiriri iro rinozivika­nwa nekurira manheru. Vanhu kazhinji vanobata chinyamunj­wiriri nekungotev­era parinorira riri sezvo richirira riri kumuromo kwemwena. Nyamuzanda imwe mhando yegurwe iyo inoti kurei zvishoma kupfuura kamunjwiri­ri uye hariririsi. Vamwe vanoti chikudywu igurwe.

Kune kumwe kudya kunozivika­nwa nekuvaka muviri kunonzi madora. Madora anowanikwa mumiti umo anopona nekudya mashizha. Mhando dzamadora dzinouya kubudikidz­a nemiti yaanowanik­wa. Mashonjwa anowanikwa mumutondo, musasa kana mupani. Manhemetem­e anowanikwa mumusasa. Mumuvhirin­yimo munowanikw­awo madora anonzi mavhirinyi­mo. Madora anonzi chiwizi anowanikwa mumukute nemubonda. Harati imhando yamadora inowanikwa mumukarati. Nhongotoko­wa dzinowakwa­wo mumutowa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe