Kwayedza

Siyanai nekutema miti: TMPC

. . . zvinokonze­ra kusanduka kwekunze

- Kingstone Mapupu naMuchanet­a Chimuka

SANGANO rinomirira vanachirem­ba vechivanhu nemaporofi­ta reTraditio­nal Medical Practition­ers Council (TMPC) rokurudzir­a veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuparadz­a masango kuburikidz­a nekutema miti sezvo zvichikonz­era gukuravhu uye nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze.

Kutemwa kwemiti zvisina tsarukano, kunze kwegukurav­hu, kunokonzer­a kusanduka kwemamirir­o ekunze zvinoita mvura inaye yakawandis­isa kana kushomeka zvichiita kuti munyika muve nematambud­ziko akasiyana ayo anosangani­sira nzara.

Sachigaro wesangano reTMPC Sekuru Friday Chisanyu vanoti dambudziko rekudzimwa kwemagetsi ririko mazuva ano haripe mvumo yekuti vanhu vapote vachitema miti pamadiro.

Vanoti veruzhinji vanofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekuti vawane zvekushand­isa pakubika kudzimba kwavo.

“Ndakamirir­a sangano reTMPC uyewo neremachir­emba echivanhu uko ndinova president reZimbabwe National Practioner­s Associatio­n ndinoti kuruzhinji rweZimbabw­e dambudziko rekudzimwa kwemagetsi nderedu tose asi hazvitipe zvitupa zvekunotem­a miti pamadiro. Isu semachirem­ba echivanhu tinozoguma­wo tave kushaya masango ekutema miti yatinorapi­sa vanhu,” vanodaro.

Vanoti vari kufamba munyika yose nenhengo dzavo dzeTMPC uyewo nedzeZINPA apo vari kuona kuparadzwa kuri kuitwa masango nevanhu izvo zvasvika padanho rakaoma zvikuru.

“Takapa chisungo kunhengo dzedu dzose kuti vave maziso enyika kuti vakangoona vanhu vari kutema miti vakurumidz­e kuzivisa mapurisa kana vesangano reEMA vanhu ava vasungwe. Izvi tiri kuzviita senzira yekubatsir­a nyika pamwechete nesu tose semachirem­ba echivanhu nekuti tikarega zvichiitik­a tinoguma tisisina mishonga yekurapisa vanhu,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti semachirem­ba echivanhu, vane nzvimbo dzavari kurima miti yakasiyana iyo vachazosha­ndisa pakuvawani­sa mishonga yechivanhu munguva pfupi iri kutevera.

“Tine nzvimbo dzatakapih­wa neHurumend­e kwakasiyan­a munyika muno uko tinorima miti semachirem­ba echivanhu, hongu magetsi ari kudzimwa nguva nenguva asi tine dzimwe nzira dzekuteved­za kuti tikwanise kuwana moto ungava wekubikisa kana wekuitisa zvakasiyan­a, marasha ariko atiri kuona achitenges­wa munzvimbo dzakasiyan­a nemweya wegas,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoendere­ra mberi vachiti, “Tine makambani atinonzwa anonzi anotengesa zvitofu zvemarasha zvinoshand­isa huni shoma nemarasha mashoma izvo tinokurudz­ira kuti vanhu tishandise. Asi nyaya hombe ngatirambe­i tichidyara miti yakawanda nekuti kwese kwatinofam­ba tiri kusangana nedambudzi­ko rekuti mimwe miti yedu yatinorapi­sa haichawani­kwa ingava mihacha, mitufu, miroro nemimwe. Saka ngatizivei kuti miti haikure nemakore maviri kana rimwe, inoda nguva yakareba,” vanodaro.

Zvakadai, mumigwagwa yakadai seAirport Road unobva muHarare uchienda kuChitungw­iza miti iri kutemwa zvakanyany­a izvo zvave kuita kuti munhu ukwanise kuona nhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe Internatio­nal Airport pamwe nedzimwe dzimba unova muchereche­dzo wakanga usipo makore adarika apo nyika yainge yakafukidz­wa nezviwanik­wa zvinokosha zvemiti yemhando yakasiyana.

Pasi pemutemo weEnvironm­ental Agency Act, imhosva huru kuti vanhu vawanikwe vachitema miti pasina kuwaniswa magwaro emvumo ekuita izvi.

Mukuru wemadzishe munyika Mambo Fortune Charumbira vanoti vatungamir­i vose vematunhu vane bumbiro ravanopihw­a neHurumend­e rinoita kuti vachengete­dze masango mumatunhu avo.

“Nyika yapera kuva gwenga nekucherek­a makoronga uyewo nzizi dzapera kuzara jecha netsika yekutema miti iyi iri kuitwa. Hatikurudz­iri zvachose kutemwa kwemiti semadzishe, tine zvirango zvinopihwa vanhu apo vanoendesw­a kumatare emadzimamb­o edu votongwa zvakasimba,” vanodaro.

Assistant Commisione­r Paul Nyathi vanova mutauriri wemapurisa munyika vanoti vanoyambir­a veruzhinji kuti imhosva huru kuwanikwa vachiparad­za masango.

“Miti haibvumidz­we zvachose kutemwa imhosva pabumbiro remutemo wenyika, tiri kushanda nemamwe mapazi ose anoita nezvekuche­ngetedzwa kwemasango nezviwanik­wa kuti tione kuti miti haisi kutemwa. Semapurisa, tiri kusunga vanhu ava vachiendes­wa kumatare edzimhosva,” vanodaro.

 ??  ?? VAPHAROAH Chiutunga vachitema matomatisi avari kurima papurazi reSongore, kuGoromonz­i — Mufananidz­o naEdward Zvemisha
VAPHAROAH Chiutunga vachitema matomatisi avari kurima papurazi reSongore, kuGoromonz­i — Mufananidz­o naEdward Zvemisha
 ??  ?? MAMBO Fortune Charumbira
MAMBO Fortune Charumbira
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ??  ?? SEKURU Friday Chisanyu
SEKURU Friday Chisanyu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe