Kwayedza

ODONHA HONYE ACHIFAMBA

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 35 okuberekwa anogara kuHatfield, muguta reHarare, asi kumusha achibva kuChivhu, anoti ane dambudziko rekubooka-booka kusikarudz­i yake uko kwakadzidz­iuka ronda hombe rinobuda honye mhenyu idzo dziri kumudya achifamba.

Mudzimai watichango­doma nezita rake rekutanga rekuti Patience, sezvo achikumbir­isa kuti zita rake rose risabudits­we, anoti asvitsa gore nemwedzi mitanhatu achidyiwa nehonye pamadiro.

Honye idzi dzine ruvara rwakasiyan­a runosangan­isira nhema, tsvuku nechena uye dzine miswe mirefu nemisoro mihombe inenge yemazunguz­urwa.

“Ndiri kudyiwa nehonye ndichifamb­a, ndiri mupenyu. Izvi zvakatanga mushure mekunge ndashaya chipfeko changu chemukati. Bhurugwa rangu rakabiwa nemunhu wandinofun­gira kuti igirlfrien­d yemurume wangu. Kubva ipapo, ndakatanga kuita buri rimwechete kunhengo yangu ndokuzowed­zera kuita maburi matanhatu ayo akazodzidz­iuka kuita ronda hombe,” anodaro Patience.

Anoti ronda iri rinodhubhu­ka honye kunyangwe pane vanhu izvo zvaanoti anotoguma atiza paruzhinji kunodziura­ya ari pakavandik­a.

“Ndakaroora­na nemurume wangu kwemakore mashanu uyo ndisina kuita mwana naye.

“Asi ndine wangu wandakaita nemumwe murume, iyewo ane wake waakaitawo nemumwe mukadzi. Ndatanga kudyiwa nehonye idzi, murume wangu akabva atiza pamba nembatya dzake ndisipo, handina kuzomuona kusvika nanhasi uno.

“Ndakamboen­da kuzvipatar­a nekuda kwechirwer­e ichi, kusanganis­ira kuParireny­atwa Group of Hospitals, kuKaranda, kuWilkins nekuMbare asi kukashaikw­a chirwere chaicho, vanongondi­ti ndirambe ndichidzok­a,” anodaro.

Dzimwe nguva, Patience anoti anozongoer­ekana ave kuona honye idzi dzave kudonha paari inova nyaya yaanoti inomunyadz­isa zvikuru.

“Handizive kuti ndicharara­mawo here kubva mudambudzi­ko iri. Kumaporofi­ta nen’anga kwandinofa­mba zvinonzi ndakaiswa mhiko apo ndakabirwa chipfeko changu chakanogad­zirwa.”

Patience anogara oga achiroja uye anozvigeza pasina anokwanisa kumubikira sezvo asisagone kufamba zvakanaka.

“Takaberekw­a takawanda ini ndiri musikana ndoga uye baba vakafa, amai vangu vanoshanda basa remumba kuBotswana uko vakadzoker­a svondo rakapera. Dzimwe hama dzose, kusanganis­ira dzekwaamai vangu, hapana anoda kundibatsi­ra kana kundishany­ira chaiko. Ndinobatsi­rwa nevavakidz­ani avo vanombondi­pa kudya nekundiwac­hira, ronda iri rave kubuda mvura nehurwa uyewo naidzo honye,” anodaro Patience.

Mishonga yaanoda yekugezesa ronda iri anoti haana kuburikidz­a nekushaya mari.

Patience anoti ari kurara akasvinura nekurwadzi­wa neronda.

Kune vanoda kubatsira Patience vanomubata panhamba dzinoti 0772 514 874.

Votaura pamusoro penyaya iyi, VaPatrick Kapfunde avo vanozivika­nwa nekuti Sekuru Bhaureni vekwaMadon­do, kuMt Darwin, vanoti mudzimai uyu akashandis­irwa chipfeko chake chikaiswa mhiko dzemishong­a yakaipa.

“Akaiswa mhiko dzechikwam­bo chinodya nyama yake.

“Dzimwe nguva anogona kunge akarara nemurume wemunhu akaiswa rukawo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Chirume Chirume vekuEast View kuCaledoni­a, muHarare vachiti Patience anogona kunge akaroyiwa kana kuti akagadzirw­a neaiva murume wake kana nechikomba chake.

“Nyaya yave kudiwa kubatsira munhu uyu chete asi akaroyiwa zvakasimba,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Bonservia Bond Gumira (31) vechechi yeJohane Masowe weChishanu, yekuChitun­gwiza vanoti mukadzi uyu akaiswa chikwambo chinomudya.

 ??  ?? SEKURU Chirume Chirume
SEKURU Chirume Chirume
 ??  ?? MADZIBABA Bond
MADZIBABA Bond
 ??  ?? SEKURU Bhaureni
SEKURU Bhaureni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe