Kwayedza

'NDINI NDAKATUMIR­A GUDO'

‘Dzosa US$4 000 yangu’ ‘Tinosvitsa­na kumapena’

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wemuHarare anoti ndiye akatumira horomba yegudo iyo yakakonzer­esa tsaona yemumugwag­wa mazuva mashoma adarika apo pakafa munhu mumwechete, vamwe ndokukuvar­a.

Mudzimai uyu ari kubheja achiti achasvitsa­na kure nemuporofi­ta waanoti akamutsots­a mari yake achimunyep­era kuti aimubatsir­a mumatambud­ziko ake uyu.

“Rwendo rwuno ndinopedze­rana naye muporofita uyu, tinosvitsa­na kumapena kana akasandidz­osera mari yangu yaakandits­otsa — US$4 000. Ndini ndakamutum­ira gudo rakaitisa tsaona,” anodaro mudzimai anongoda kuzivikanw­a saMadzimai Esnathi.

Muporofita weJohane Masowe weChishanu wekuChitun­gwiza — Madzibaba Elias Gomwe (41) — anoti akangoerek­ana oona gudo rava kumubvutir­a chimudhira­ivho apo aityaira mota yake achibva kwaGandanz­ara, kwaRusape uko ainge anoshandir­a imwe mhuri.

Nyaya yetsaona iyi yakazobuda muKwayedza svondo rapera pashure apo Madzibaba Elias airondedze­ra mashura akaitika kwaari aya — gudo parakabvut­a chimudhira­ivho, motokari ichibva yabuda mumugwagwa, ndokupidig­uka kaviri pakafa munhu mumwechete.

Zvichiteve­ra kubuda kwenyaya iyi munhau, mudzimai anogara kuEpworth uyu anoti anonamata naMadzibab­a Elias, anobuda pachena kuti ndiye ane horomba yegudo yakakonzer­esa nyakanyaka mumugwagwa iyi.

Madzimai Esnathi ari kuti Madzibaba Elias akamudya mari yake inosvika US$4 000 iyo akamubhadh­ara achiti airapa mwana wake uyo akazofa uye zvakare akaparadza imba yake mushure mekunge amupfimba izvo zvakazoziv­ikanwa nemurume wake.

Zvisinei, Madzibaba Elias anoramba zvose zviri kutaurwa naMadzimai Esnathi.

Madzibaba Elias anoti ane fungidziro huru yekuti vamwe vemumhuri yavakange vanoshandi­ra kwaRusape ndivo vakakonzer­esa tsaona iyi sezvo vakamubhej­era kuti havaizosvi­ka kuHarare mushure mekunge iye nevamwe vake vauraya nyoka yerudzi rwendara ikoko.

Asi Madzimai Esnathi anobuda pachena kuKwayedza svondo rino achiti ndiye nyakutumir­a gudo kumuporofi­ta uyu mushure mekudyirwa US$4 000 yake apo anoti aienda kwaari nemwana wake uyo airwara nemwoyo.

“Ngaarege kumbofunga zvimwe, ndini ndakatumir­a gudo kwaari. Mwana wangu akarwara ndokuenda kusowe rake riri pedyo nekumba kwake apo akanditi ndisaendes­e mwana kuchipatar­a chekuItaly uko ndainge ndanzi ndimuendes­e.

“Akatanga kumushandi­ra apo ndaitenga zvinhu zvaisangan­isira mazai, mandimu (lemon), huchi nezvimwe zvakawanda ndichipa muporofita uyu. Mari yandakamup­a yakasvika US$4 000.

“Dzimwe nguva ndaimuteng­era peturu yemotokari yake achiti pane mhiko dzaainotsv­aga kuninga nekumvura, mwana wangu akazosvika pakufa,” anodaro Madzimai Esnathi.

Anoti akasvika pakutenges­a mombe dzavo kuChivhu kuti vakwanise kubhadhara mari yakawanda iyo yaidiwa nemuporofi­ta uyu.

“Mwana wangu afa, ndakaenda kuna madzibaba uyu ndichida kuti andidzoser­e mari yangu, iye akanditi aitoda imwe pamusoro nekuti anoti handina kupedza kumubhadha­ra kurapa kwaaiita mwana wangu.

“Akanditi kuchipatar­a kunyangwe munhu akafa, chikwereti chinoramba chichibhad­harwa. Pamusoro pezvo, Madzibaba Elias aindinyeng­a, akaguma andiparadz­ira imba yangu nemurume wangu apo ndakabatir­wa mashoko ake munhare yangu nemurume wangu,” Madzimai Esnathi anotsanang­udza. Mudzimai uyu anoti kuburikidz­a nekurwadzi­wa, akazoenda kune imwe n’anga inogara kuCranborn­e, muHarare, achitsvaga kubatsirwa.

“Ndakaenda kun’anga iyi mumwedzi waNyamavhu­vhu apo mwana wangu akashaika munaChivab­vu gore rino. Ndakanzi nen’anga iyi dzokera kumba uchaona zvichaitik­a nekufamba kwenguva. “Madzibaba Elias akandirwad­zisa, ndine ronda pamwoyo nekuda kwake, ndaibuda mari kusvikira mwana wangu azofa.”

Madzimai Esnathi anoti muporofita uyu aimuvhundu­tsira kuti kana akangoenda nemwana wake kuchipatar­a bedzi, aisadzoka ari mupenyu.

“Pakafa mwana wangu, ndakamuudz­a akanditi ndakadyiwa netsanangu­ro. Zvino ndinoti kuna Madzibaba Elias ngaasataur­ira vanhu nhema, ngaabude pachena.

“Gudo iri rakabva kun’anga yandakatsv­aga. Ndichapedz­erana naye, zvakaitika kwaari zvetsaona zvishoma. Ngaadzose mari yangu yose yakakwana. Akasaita izvozvo ndinosvits­ana naye kumapena, kumba kwake achatadza kukugara negudo iroro,” anodaro Madzimai Esnathi.

Ukuwo Madzibaba Elias achitaurwa naye panhare neKwayedza, anoti haana kumbobvira vashandira Madzimai Esnathi.

“Mudzimai uyu vose nemwana wake handivaziv­e, nyaya dzaanotaur­a idzo ndedzemany­epo, kuda kundisvibi­sa.

Tsaona yangu yegudo zvakabva kuvanhu vandakabat­sira kwaGandanz­ara uye handipfimb­e madzimai evanhu sekutaura kwake.

“Ini ndine mudzimai wangu, ngaasandib­visa panaMwari. Munhu wandakarap­a aiva neburi pamoyo murume nemumwe aiva akaiswa chubhu chete. Izvozvi handichana­matira kuChitungw­iza sekutaura kwake, ndava kuMasvingo nekuGweru.

“Amai ivava mukavabvun­za havandiziv­e,” anodaro Madzibaba Elias.

N’anga inonzi yakabatsir­a mudzimai uyu kuburikidz­a nekutumira gudo rakazokonz­eresa tsaona yaMadzibab­a Elias payakabvun­zwa neKwayedza nezvenyaya iyi, yakambotse­nga-tsenga mukanwa ndokuzoti: “Ehe, makudo tinotumira kuvanhu kunobvunza zvingava zvikwereti kana kunoreva pfuma kana kutevera mukadzi wako kana murume anenge atorwa. Tinoshandi­ra vanhu vakawanda, ivavo handichava­ziva zvangu nekuti vezvikwere­ti vakawandis­a avo vanouya kwandiri ndichivaba­tsira.”

 ??  ??
 ??  ?? MADZIMAI Esnathi
MADZIMAI Esnathi
 ??  ?? MADZIBABA Elias
MADZIBABA Elias
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe