Kwayedza

‘Chengetai mapere nenyoka’

- Kingstone Mapupu

BAZI reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga kupa marezinesi kune vanhu vanoda kuita bhizimusi rekuchenge­ta mhuka dzinosanga­nisira mapere nenyoka.

Anotaura akamirira bazi iri, VaTinashe Farawo, vanoti vagara vachipa marezinesi ekuchenget­a dzimwe mhuka dzesango.

“Isu sebazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka dzesango, tagara tichipa marezinesi ekuti vanhu vachengete mhuka dzavanoda uye dzinopindi­rana nenzvimbo dzavagere.

“Kuchengeta mapere, makava, nyoka kana zvidembo nedzimwe mhuka dzesango hausi huroyi sekufunga kwatinoita. Isu tiri kuti huyai tikupei matsamba atinoti marezinesi ekuchenget­a mhuka idzi muite mari nemapere enyu. Kune vakawanda vekune dzimwe nyika vari kuita mari nemapere ayo atinongoti nangananga nawo tichiti ndeevaroyi,” vanodaro VaFarawo.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Munhu akauya kwatiri tikawirira­na, tinomupa rezinesi rake rekupfuya mhuka dzaanoda angava mapere kana nyoka. Tinoongoro­ra nzvimbo yaanogara nezvinodiw­a kugadziris­wa nematanga anodiwa kana makeji nekudya kunofanirw­a kupihwa mhuka idzi.”

VaFarawo vanoti bhizimisi rekuchenge­ta mhuka rinosimudz­irawo chikamu chezvekush­anyirwa kwenyika apo vashanyi vanobva kunze vanenge vachibhadh­ara mari kuti vaone mhuka idzi.

“Mukachenge­ta nyoka dzenyu kana iwo mapere, zvidembo, makarwe, shiri semadender­a nezvimwe, vashanyi vanouya muno. Muzvidembo tine zvinodiwa izvo zvinogadzi­riswa zvinhu zvakasiyan­a, munyoka tinoda huturu hwadzo hunogadzir­iswa mishonga yakasiyana inorapa, mumakarwe mune zvinodiwaw­o uye imo mumapere mune zvakasiyan­a zvinofarir­wawo. Saka ngatiitei mari nemhuka dzedu kwete kuti ndezvevaro­yi,” vanodaro.

 ??  ?? VATINASHE Farawo
VATINASHE Farawo
 ??  ?? Mapere
Mapere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe