Kwayedza

Odudunya mari yepejeni mukadzi achikwangw­aya

- Courtney Munodawafa

SAMUSHA vekudhonze­rwa kudare nemudzimai wavo nenyaya yekuvashun­gurudza vachinzi vanomunyim­a mari yerendi inobviswa nemaroja pamwe neyepenjen­i vakasetsa vanhu apo vakati vachera kakomba vakasvipir­a pasi uye vapfidza zvekuti havachafa vakazviita zvakare.

Christine Jack akamhan’arira Elliot Mamvura kudare reHarare Civil Court achida gwaro redzivirir­o.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Jack gwaro rinomudziv­irira.

Jack anoti haachadi kuti murume wake auye kumba kwavo nekuti anomushung­urudza.

“Murume uyu anondishai­sa mufaro. Andigura kunorira, anogara achindituk­a. Pese pavanouya kubva kubhawa vanondidzi­nga vachinditi ndiende. Chokwadi nekukura kwandaita munhu ane vazukuru vanondidzi­nga pamba kunge imbwa? Dai dare randibetse­ra varegera kusvika pamba,” anodaro.

Jack anoenderer­a mberi achiti, “Muchivaona baba ivava havadi vazukuru kana vana vavo kumba. Vanovaramb­idza kuuya, handizive kuti vanoda kuti ndigare ndega kunge muroyi here?

“Havadizve kundicheng­eta. Mari yavo yepenjeni vanodya vega asi pakatoshan­dawo chitupa changu kuti ibude mari iyoyo. Yerendi vanodya futi, handizizve kuti mwoyo wavo wakanyanyo­sviba zvakadii zvekuti vangandida­i.”

Mamvura anoti haakwanise kubva pamba nekuti imba yacho ndeyavo vese.

“Handirove mukadzi wangu, ndomudisa zvakapfuri­kidza ini. Vazukuru ndovada ngavauye zvavo kumba, ndazvikand­a mubhini handichazv­iite futi. Ndoda kugara zvakanaka nemhuri yangu tiri pamwe chete,” anodaro apo vanhu vaive mudare vanobva vati bvuu kuseka.

Mamvura anoti kubva iye zvino azvipira kuchengeta mudzimai wake.

“Kubva nhasi ndave kuchengeta mukadzi. Kana mari yepenjeni yakauya nhasi ndovapa yese vanotora havo, ndovacheng­eta. Mudzimai wangu ndomuda, handichait­a zvaari kutaura. Kana mari yerendi yacho ndichavapa tidye tese,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe