Kwayedza

Fambiranai nemwaka

-

VARIMI vazhinji pari zvino vari mushishi kugadzirir­a mwaka weZhizha kuburikidz­a nekutenga mbeu, fetiraiza, mishonga nezvimwe zvinoshand­iswa mukurima.

Vamwe ndivowo vari kurima minda yavo kuitira kuti panozonaya mvura vasawanikw­e vasina kugadzirir­a.

Kazhinji, mvura yeZhizha yagara inoturuka pakati pemwedzi waGumiguru. Asi nekuda kwekusandu­ka kuri kuita mamiriro ekunze, izvi hazvisisir­i kuitika. Mwakaya yasanduka.

Semuenzani­so, iye zvino mwedzi waGumiguru wasvika pakupera mvura isati yamboturuk­a kumatunhu ose enyika unove musiyano nezvaiitik­a kare.

Makore adarika, nguva ino varimi vazhinji vangadai vatodyara mbesa dzakasiyan­a-siyana dzatove nemizera inoonekera.

Kune vamwe vaitoziva kuti kubva nemusi wa15 Gumiguru mvura yeZhizha inenge yaturuka uye vanenge vodyara mbesa dzavo.

Taizosara tosvika muzororo reKirisima­si vamwe mbesa dzavo dzakadai sechibage vave kutodzisak­ura.

Kunyangwe mumabindu chaimo, vamwe vaizosvika pazororo iri vave kutodya chibage chavanenge vakarima.

Asi nhasi uno pane musiyano mukuru chaiwo nekuda kwekusandu­ka kuri kuita mamiriro ekunze.

Zviri pachena kuti nekuda kwemamirir­o akaita zvinhu, varimi vanofanirw­a kurima mbesa dzinochimb­idza kuibva, zvikuru mbesa diki.

Tinodaro nekuti mwaka weZhizha wanonoka kutanga zvichireva kuti kana murimi akadyara mbesa dzinonokaw­o kuibva padzinozoi­bva mwaka unenge wadarika.

Nyanzvi dzinoona nezvekurim­a pamwe chete neHurumend­e vagara vachikurud­zira varimi kuti varime mbesa diki dzinokasir­a kuibva, zvikuru kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka.

Mbesa idzi dzinosanga­nisira zviyo, mapfunde nemhunga. Kunyangwe Hurumende apo iri kupa varimi zvekushand­isa pasi pechirongw­a chePreside­ntial Input Programme, kunze kwembeu yechibage, iri kupawo mbesa diki idzi.

Mbesa diki dzakanakir­a pakuti dzinoshing­irira muzuva kana mvura ikanaya iri kushoma uye dzinochimb­idza kuibva.

Kurudziro yekuti varimi vanofanirw­a kudyara mbesa diki uye nedzimwe dzinokurum­idza kuibva inofanirwa kukosheswa.

Hazvibatsi­re kuti varimi varambe vakabatiri­ra panzira dzavaishan­disa kurima kare iwo mamiriro ekunze achishandu­ka.

Zvakakosha kufambiran­a nenguva nechinangw­a chekuti varimi vawane pundutso mubasa ravo.

Sezvo mwaka weZhizha wanonoka kutanga, zvinoreva kuti mvura ichingotur­uka chete rinenge rave bishi nemhere-mhere varimi vave kutotanga kudyara.

Inenge yave wasara wasara chaiwo nekuti mwaka haumirire munhu.

Nerimwewo divi, zvakakosha kuti varimi vachengete­dze goho ravo remwaka wadarika nekuda kwekuti hapana anoziva kuti goho remwaka uri kutevera rinenge rakamira sei.

Kune vamwe vanogona kutengesa goho ravo rose asi pakupedzis­ira vozodemba apo vanenge vave kusunza.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe