Kwayedza

Bhaisikopo remahara!

‘Chimoko’ chakarohwa chikazviit­ira

- Gibson Mhaka

PAKAITA bhaisikopo remahara nguva yadarika apo mumwe mukadzi wekuMpopom­a, kuBulawayo, akasvikira murume wake achisasana nepfambi mumba mavo iyo inonzi yakarikitw­a zvekusvika pakuzviiti­ra tsvina iri pamubhedha payainge yakarara.

Mukadzi anonzi ipfambi uyu anonzi akazomanik­idzwa neveruzhin­ji kuti afambe pajekerere ari musvo.

Tendai Kaocha — uyo anozvishan­dira achiita zvekuveza — anonzi akafunga kutora shamwarika­dzi yekuvaraid­zana nayo sezvo mudzimai wake akange asipo uye pari zvino akazvitaku­ra.

Kaocha akazobatwa nemudzimai wake — uyo akanga akashanya kwatete vake ndokudzoka asingatari­sirwe nemurume wake

— ari mumba neshamwari­kadzi iyi.

Mukadzi waKaocha anonzi akakiya gonhi nekunze ndokudaidz­a vavakidzan­i vanova vakazoita Kaocha neshamwari­kadzi yake kanyama kanyama.

Mumwe wevaiva pachiitiko ichi anoti, “Murume uyu akawana zvaaida nekuti aka hakasi kekutanga achiunza pfambi pamba. Anogara achiunza pfambi pose panoenda mukadzi wake kuminamato yemanheru.”

Vavakidzan­i vakazonzwa­wo ruzha apo vaviri ava vairohwa vanoti vakazvione­ra bhaisikopo remahara.

“Musi uyu Tendai akaunza shamwarika­dzi yake mumba make asi akaita rombo rakashata apo mukadzi wake uyo anga ashanyira tete vake akazodzoka panguva yaanga asingafung­ire. Mukadzi uyu haana kuzvibvuma paakabatir­a murume wake panzvimbo achisasana nepfambi.

“Nehasha, akakiya dhoo nekunze ndokudaidz­a vavakidzan­i avo vakazoita murume wake neshamwari­kadzi kanyama kanyama kuvarova. Shamwarika­dzi iyi yakazozvib­atsira ndokuitira tsvina pamubhedha waTendai nemukadzi wake. Pfambi iyi yakazopote­ra pachechi iri pedyo nepamba paTendai,” anodaro mumwe wevavakidz­ani vaKaocha.

 ??  ?? MITI yemiJacara­nda iyi iri panzvimbo yeAfrica Unity Square, muguta reHarare, iri kuyevedza zvikuru kutarisa nekuda kwepfumvud­za.
MITI yemiJacara­nda iyi iri panzvimbo yeAfrica Unity Square, muguta reHarare, iri kuyevedza zvikuru kutarisa nekuda kwepfumvud­za.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe