Kwayedza

‘Tane 4 days tarambana’

- Courtney Munodawafa

VANHU vaive mudare vakakahadz­ika apo mumwe mukadzi aive amhan’arira murume wake achiti ari kumushungu­rudza akati vane mazuva mana chete varambana.

Gally Gwaimbo akazvuzvur­udzira Maxwell Magutakuwo­na kuHarare Civil Court achiti ari kumudzinga pamba.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gwaimbo gwaro redzivirir­o ndokuti adzokere kunogara kumba kwaaigara nemurume.

Gwaimbo anoti Magutakuwo­na anouya kumba achibva kune mumwe mukadzi osvikomudz­inga.

“Uyu murume wangu asi tane 4 days tarambana. Ndinogara kuHopely kumba kwedu asi iye anomboenda kuSouthlan­ds achimbouya kumba. Paanobva kumukadzi wake anosvika achiita hondo achindidzi­nga pamba. Tiri pabarika,” anodaro.

Gwaimbo anoti haadi kuti Magutakuwo­na amushungur­udze zvachose.

“Chikumbiro changu kudare ndechekuti dai aregera kundishung­urudza, kundituka nekundidzi­nga kumba nekuti imba ndeyedu tese. Ndatobva panext door ndichiuya kudare nhasi uye ngaachenge­te mwana wake,” anodaro.

Gwaimbo anoenderer­a mberi achiti, “Anonditi ari kundidzing­a nekuti baba vemumwe mwana wangu vakambouya kumba, vakangoere­kana vasvika ndakatoudz­a shamwari yangu ndichitoti hona mashura. Vakagumira kunze kwegedhi handina kuvabvumid­za kupinda pamba,” anodaro.

Magutakuwo­na anoudza dare kuti ane zvikonzero zvaakadzin­gira mukadzi wake kumba.

“Hongu tane 4 days tarambana uye mai ava ndakavadzi­nga kumba asi ndakadaro nekuti baba vemwana wake vakauya kumba ndisiko. Zvaizofamb­a sei kuti munhu auye ini ndisiko? Pandakaroo­ra mukadzi iyeye aiva nemwana waakauya naye. Manje zvino baba ava kuti vazouye kumba kwangu vanga vakuziva sei?” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe