Kwayedza

Mbavha dzemagetsi hokoyo!

Vamwe vacho vashandi veZesa: Chasi

- Abel Ndooka

GURUKOTA rezvemhand­o dzemoto, Cde Fortune Chasi, vanoti mbavha dzose dzinobatwa nemhosva yekuba midziyo yemagetsi yakadai sematransf­ormer dzinofanir­wa kutongerwa kugara mujeri kwemakore 30 nekuti dziri kudzorera budiriro yenyika kumashure.

Vanotizve, Hurumende ine chivimbo chekuti vamwe vevari kuba tambo dzemagetsi nemagwenya vashandi veZesa kana kuti vaimboisha­ndira kare.

Vachitaura nemusi weChina pamusangan­o weNational Energy Innovation Summit muguta reHarare, Cde Chasi vanoti mbavha dziri kuba midziyo yemagetsi dzinofanir­wa kurangwa nemutemo zvakaomara­ra.

Vanoti vakatonyor­era kudare reCabinet vachipa chikumbiro chekuti pave nemutemo wekuti wose anobatwa achiba midziyo yemagetsi atongerwe kugara mujeri kwemakore 30.

“Pane vanhu vari kuita tsika yekuba matransfor­mer emagetsi uye neoiri yacho kuti nyika itambure, imhosva huru iyoyo. Tinoda kuti vanenge vabatwa nemhosva idzi vavharirwe mujeri kwemakore 30 chaiwo.

“Mashoma makore aya nekuti ukaenda kune dzimwe nyika unovharirw­a makore akawanda kana kupihwa mutongo unorwadza chaizvo,” vanodaro.

Cde Chasi vanoti kune dzimwe mbavha dziri kusvika pakufa dzichiba midziyo yemagetsi uye svondo rino vanhu vaviri vakatofa kuBulawayo vachiedza kuba matransfor­mer.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti dzimwe nyaya dzekubiwa kwemidziyo yemagetsi dzine chekuita nevashandi veZesa Holdings nekudaro nyaya idzi dzinoda kuongororw­a zvakadzama.

“Vamwe vanhu vanorohwa nemagetsi vachiedza kuba uye vaviri vakatorohw­a nemagetsi vakafa kuBulawayo svondo rino. Zvimwe zvacho ndoziva zvine vanhu veZesa mukati saka tiri kuzviongor­ora uye anobatwa nemhosva chete uchapinda mujeri rinorwadza,” vanodaro Cde Chasi.

Vanoti vanhu vakawanda havasi kubhadhara magetsi avari kushandisa inove tsika yakaipa zvikuru.

“Tichiri kumboti bhadharai zvikwereti zvenyu nguva ichiripo tisati tatanga kuvhura mabhuku edu kuti ndiani ane chikwereti.

“Wega kana uchiziva kuti une chikwereti chakakura sei, huya kuhofisi yangu wotaura toona kuti tobatsiran­a sei. Ini ndega ndokufarir­a kuti waita zvakanaka. Asi, kana tazovhura mabhuku edu tave kukutsvaga­i hamuzozvid­e,” vanodaro.

Zimbabwe yakatarisa­na nedambudzi­ko guru rekushomek­a kwemagetsi zvichiteve­ra kudzikira kwemvura yemudhamu reKariba uko kune magwenya anobika magetsi aya.

Izvi zviri kuona magetsi achigaroen­da zvichikang­anisawo kushanda zvakanaka kwemaindas­itiri nezvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika.

 ??  ?? MUMWE wevaviri vakabatwa nemagetsi kuBulawayo svondo rakapera
MUMWE wevaviri vakabatwa nemagetsi kuBulawayo svondo rakapera
 ??  ?? CDE Chasi
CDE Chasi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe