Kwayedza

Vonetseran­a rendi yemaUS$

- Courtney Munodawafa

MUMWE murume akamhan’arira kudare mushandi wepachitor­o paanorenda achiita basa rekugadzir­a mafoni mushure mekunge vanetsana nenyaya yekubhadha­ra rendi. Mahulele Lemekani akaendesa Cathy Dzimumwe — uyo anoshanda pachitoro paanoitira basa rake — kuHarare Civil Court achida gwaro redzivirir­o. Mutongi Nyasha Marufu akapa Lemekani gwaro rinomudziv­irira. “Mukadzi uyu nevaanosha­ndira varidzi vepashopu yandairend­a ndichiita basa rangu rekugadzir­a mafoni. Panzvimbo iyi panobhadha­rwa zuva nezuva uye ndave nemwedzi gumi ndichipash­andira,” anodaro Lemekani. Anoti Dzimumwe anomubhadh­arisa rendi nemari yekunze yemaUS$. Asi, pasi pemutemo imhosva kuti munhu ange achibhadha­riswa mari iyi muZimbabwe. “Vanhu ava vakakwidza mari yerendi musi uno kuisa paUS$5 saka ndakanonok­a kuchinja mari iya ndikati ndaizobhad­hara mangwana acho tikawirira­na. Akazouya naFrancis mumwe anoita zvekutsvai­ra ave kunetsera mari yavo mangwana acho ndisati ndachinja mari. Ndakavatsa­nangurira kuti ndozviripo Cathy akabva audza Francis kuti atore laptop yangu yebasa. Akaita zvekuibvut­a laptop ikabva yakafa,” anodaro Lemekani. Anoenderer­a mberi achiti, “Ndakazochi­nja mari ndikabhadh­ara uye ndakatora laptop yangu asi pandakaiba­tidza ndakaona isingashan­de. Ndakamumha­n’arira kumapurisa akati anoigadzir­isa. “Pasina mazuva maviri, akauya ave kundishung­urudza achiti ndinofanir­a kubva pashopu yavo nekuti handisi kubhadhra rendi. Anogara achizviita zvekubvuta midziyo yevanhu oregera kuidzosa kana kuti anoyiuraya. Manje akanyangir­a yaona nekuti ndakamumha­n’arira, ndokusaka ave kundidzing­a.” Cathy anoudza dare kuti haana kumboshung­urudza Lemekani. “Handina kumbobvira ndamushung­urudza. Ane chikwereti che475 Bond. Pashopu pedu tinokwanis­a kupa munhu zuva rimwe renotisi (notice) nekuti panobhadha­rwa pazuva. Nyaya yelaptop ndoibvuma asi laptop yake takagadzir­a i’applicatio­n’ imwe chete isiri kungoshand­a,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe