Kwayedza

TICHA AKABVISA MWANA HEMBE

- Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

BAZI redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rinoti riri kuita ongororo yenyaya yemwanasik­ana anodzidza Fomu 1 paLukosi Secondary, kuHwange, uyo anonzi akamanikid­zwa kuti abvise hembe dzake ndokusara ari musvo nemutevedz­eri wemukuru wechikoro ichi apo vamwe vana nematicha vaimuonere­ra.

Mai Posenta Kwidini, avo vanodzidzi­sa Mathematic­s pachikoro ichi, vari kunzi vakati mwana uyu akumure hembe dzaainge akapfeka mushure mekumupome­ra kuti akange asina kupfeka zvakanaka.

Anonzi akabvisisw­a siketi yake panguva yezvidzidz­o zveFashion and Fabrics apo paive nevamwe vana nevaraidzi vaviri vechikadzi.

Izvi zvinonzi zvakaitika svondo rapera apo mwana uyu akazomhan’ara nyaya iyi pakamba yemapurisa yeHwange Police Station uko akapereked­zwa nevabereki vake nevamwe vemunharau­nda.

Vakuru vepachikor­o apa vanonzi vainge vavigiridz­a nyaya iyi.

Hwange District Schools Inspector (DSI), VaGerminat­ion Moyo, vanoti vakaudza mukuru wechikoro ichi kuti aongorore nyaya iyi uye kuti azotumira gwaro rezvaaneng­e awana kwavari.

Mwana uyu anoti aifamba muchikoro ichi apo Mai Kwidini vakamushev­edza.

“Ndaifamba ndichienda kubhuroko kwatinodzi­dzira Agricultur­e apo ndaigadzur­udza siketi yangu sezvo ndaibva kuchimbuzi. Mutevedzer­i wemukuru wechikoro akabva andisheved­za achiti ndiuye kuFashion and Fabrics laboratory uko aiva nemamwe maticha. Akandibvun­za kuti sei ndainge ndakavhura siketi yangu ini ndokumuudz­a kuti ndaipfunyi­ra bhurauzi mukati,” anodaro mwana uyu.

Anoti Mai Kwidini vakamuudza kuti abvise siketi yake iye ndokumbora­mba asi akazobvuma mushure mekunge vamutyisid­zira vachiti vaizomurov­a.

“Ndakavhura zipi siketi yangu ichibva yadonhera pasi. Ndakaramba ndiri musvo kwemaminit­si anodarika mashanu,” anodaro mwana uyu.

Anoti akazopfeka mushure mekunge mumwe murairidzi aivepo amuudza kuti apfeke apo foni yaMai Kwidini vainge vachimbota­ura panhare.

Achichurur­uka misodzi pamatama, mwana uyu akafamba kuenda kukirasi yaanodzidz­ira apo akaunganir­wa nevamwe vaanofunda navo vachimunzw­ira urombo nezvaakang­e aitwa.

Mai Kwidini vanoti hapana zvavanokwa­nisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo iri mumaoko emapurisa.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMatabele­land North, Sergeant Namatirai Mashona, havana kubatika kuti vataure mamiriro enyaya iyi.

Mapurisa akashanyir­a chikoro ichi nemusi weChishanu chadarika ndokuita hurukuro nevamwe vana avo vanoti mutevedzer­i wemukuru wechikoro uyu ndiko katsika kake kekuvashun­gurudza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe