Kwayedza

600 voitwa vakadzi nenyoka

- Danisa Masuku

VANHUKADZI vanosvika 600 vekuShale, kudunhu reMzingwan­e, vari kupupura kuti pane nyoka inopota ichivananz­va kusikarudz­i dzavo isati yazovaita vakadzi.

Manenji aya ari kuitika kuWard 8, kuShale, mubhuku raDindindi Gante, kwaMambo Mathe.

Vakadzi ava vakaudza mamwe maporofita kuti kwenguva yakareba, vaishinhwa navo nenyoka yemashirip­iti iyi.

Nekuda kwedambudz­iko ravakatari­sana naro, vakadzi ava vakasvika pakubhadha­ra maporofita echikwata chinodaidz­wa nekuti Izithunywa zenkosi mari inosvika $1 800 nechinangw­a chekuti vavachenur­e.

Muhurukuro dzakasiyan­a, madzimai aya anotsanang­ura kuti nyoka iyi yagara ichisherek­eta navo sei.

Vanoti vanonzwa kungoneta-neta kana huri husiku apo vanenge varere, mushure mekanguva ndipo pavanozonz­wa vonanzwa nekushinhw­a navo.

Vamwe vanoti vanoona mufananidz­o wenyoka, vozotanga kuvaviwa kusikarudz­i dzavo.

Nobuhle Moyo anoti akambomuka asina chipfeko chake chemukati.

“Ndaimuka ndichinzwa kuneta sekunge ndainge ndasangana nemurume. Pekutanga, ndakafunga kuti ndarota murume wangu uyo ari kuSouth Africa. Asi zvakaramba zvichiitik­a uye zvakazoiti­ka zvakare papera masvondo maviri, ndizvo zvakazoita kuti nditsvage muporofita uyo akazotaura kuti pane nyoka inoshereke­ta neni. Ndakamuti abvise nyoka iyi asi akazvitadz­a,” anodaro Moyo.

Anita Chiimba anotiwo anonzwa kunanzvwa nechinhu chinenge nyoka.

“Kana ndirere ndinonzwa chinhu chinenge nyoka chichifamb­a pamusoro pangu, pashure pezvo chinotanga kundinanzv­a sikarudzi. Panguva imwe chete iyoyo ndinozonzw­a chimwe chichindib­ata mazamu angu. Zvinondine­tsa zvakanyany­a nekuti murume wangu akafa makore manomwe apfuura,” anodaro.

Rita Simali anoti nguva zhinji anomuka asisina chipfeko chemukati.

“Ndinomuka ndoona ndisisina chipfeko changu chemukati ndichinzwa kuneta. Izvi zvaitika kwemavhiki mana apfuura. Ndakarara ndinonzwa zvakare chinhu chinoyamwa mazamu angu, izvi zvinoitika chero ndakarara nemurume wangu. Tapedza mari yakawanda tichida kubatsirwa nevechivan­hu kuti zvinhu izvi zvibve asi zviri kuramba,” anodaro Simali.

Anoti nekuda kwekushinh­iwa naye nezvaasing­aone uku, haachaguts­wa nemurume wake.

“Kare ndaimbogut­swa nemurume wangu asi kubva nyoka iyi yakatanga kushinha neni, handichagu­ti. Ndatova nedambudzi­ko nekuti pari zvino murume wangu ava kuchema-chema.

“Pamusoro pazvo, ndinomuka ndakaguswa vhudzi,” anodaro.

Sadunhu Duvert Ndlovu vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti madzimai anosvika 600 anopupura kuti ari kushinhwa nawo nenyoka iyo inodaidzwa kuti Bornwell.

Nyoka iyi vanoti yakazourai­wa ikachererw­a pasi

Vanoti mudunhu mavo mune misha inosvika 695 uye misha yese iyi yakabvisa $3 pamusha mumwe nemumwe kuti nyoka iyi ibatwe.

 ??  ?? MUMWE wemaporofi­ta akabata nyoka inonzi inoshinha nevanhukad­zi
MUMWE wemaporofi­ta akabata nyoka inonzi inoshinha nevanhukad­zi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe