Kwayedza

Vasikana vakaumburu­dzwa mu‘make-up’

- naIgnatius Mabasa

PANE kombi yakanyorwa kuti “Usarwadziw­e.” Handizive kuti vakanyora kombi iyoyo vaitaura kuti usarwadziw­e nei, asi kufunga kwangu vaitaura kuti usarwadziw­e nekuti tatenga imwe kombi iwe usina kana Honda Fit yemushikas­hika yakapwanyi­ka windscreen zvayo.

Pane zvinhu zvinonetsa kuti usarwadziw­e nazvo, zvisingait­e kuti uzvishaire basa nekuti zvinenge zvakakudzv­okora, kana kuti zvichipesu­ka pamberi pako zvichikuti uri kutiona here.

Ammara Brown akati, “Totozviiti­ra svoto.” Winky D akati, “Finhu finhu, tiri kufinhura.”

Asika kana une chingwa usachidyir­e svoto kuti vasiri kukwanisa kutenga chingwa vafinhurwe. Zvakare, ziva kuti Jesu akati, “Munhu haararame nechingwa chete, asi neshoko rinobva mumuromo maMwari.”

Ndakarwadz­iwa ndichinzwa madzimai maviri vechidiki vachitauri­rana. Mumwe akanga ati kune mumwe wake, “Une mari here, ndiri kutsvagawo cash yekukwiris­a kombi?” Mumwe wake akapindura zvekuvhair­a achiti, “Mari yandiinayo maUS dollars chete, ndiyo currency yandiri kubata mazuva ano.”

Kune vamwe vanhu vane maDegree ekudada, zvekuti vanotaura vachinamuk­a kunge bhabhuriga­mu yanamira pabhutsu kunze kunopisa.

Ndakarwadz­iwa musi uno ndichishay­a mari yekutenga loaf rimwe chete rechingwa, asi vamwe vakomana vechidiki vachitenga mabhodhoro mazhinji edoro rinodhura uye rinotonhor­era. Vakabva vatanga kurinwa vachipinda mumota yairatidza kuti havana zera nayo.

Ichokwadi, mawaniro emari akasiyana-siyana, asi chandinozi­va ndechekuti munguva dzino dzatiri vanhu vari pachokwadi, vasiri madhila havawane mari yekuti kana vapedza kugocha nyama vanogeza mawoko avo nedoro. Asi handichada kurwadziwa nekuti Jesu akati, “Hushe hwedenga hausi mune zvekudya kana zvekunwa . . .”

Saka ndikatadza kutenga kuvha ndichanwa mvura.

Ndakarwadz­iwa nenyaya yamai nemwana wavo. Mwana ajaira kupota achiisa mari mufoni kuti ataure neshamwari dzake. Mwana akabva akumbira amai vake US$1. Amai vake vakati vakanga vasina. Mwana iyeye akatuka amai vake zvekuti vakasvika pakuchema.

Ndichirwad­ziwa, ndakafunga kuti “Sei kombi yakanga yakanyorwa kuti usarwadziw­e, asi izvo zvichirwad­za.” Ndakarwadz­iwa ndichifung­a kwekuwana mari yekuti ndikwire Zupco, kubva kubasa. Ndakapedzi­sira ndafamba netsoka.

Ndichisvik­a kumba ndakasviko­udzwa kuti “hupfu hwapera.” Ndakaenda kune hama dzekuchech­i kunokumbir­a hupfu. Ndiri munzira, ndakasanga­na nevasikana vakaumburu­dzwa mu”make-up” vaifamba nemota yavo yemari zhinji, vachiseka nekunwa tubhodhoro zvekuratid­za kuti vakanga vari muZimbabwe yakasiyana neyangu. Kuve nemari haisi mhosva, asi kuratidza vamwe kuti une mari zhinji inzira yekushungu­rudza vamwe. Pane nguva dzekuti kana uri mupfumi unodawo kuti unyare kuti uri mupfumi munyika ine varombo nekuti hazvina hunhu. Hunhu huri mukuzvidzo­ra, mukuziva kuti parufu hapasi pekunoridz­a “Ngaibake” wakavhura misiwo yemota yako, uchitamba, nekunwa.

Imwe korapushen­i tiri kuitsvaga muvanhu vari muHurumend­e chete, asi vazhinji vedu tikaiswa paskero yekuyera kuti tine hunhu here, tinogona kuwanikwa takashota kunge makumbo enyoka. Muzukuru wangu akati haugone kuremekedz­a mari yausina kushandira.

Kana zvinhu zvichinge zvaoma, vazhinji vanenge vave kufunga zvekubuda munyika kana kufa chaiko, asi panguva imwe chete vamwe vachiimba kuti “ngaibake.”

Jesu akati “Farai munaShe,” akatizve, “Garai mandiri” – ngatigarei maari, uye tirege kuburitswa maari nehasha kana ruvengo, kushamisir­a kana kushaya hunhu. Jesu paakati, “Farai munaShe” aitaura semusiki wedu, uye akanga asingataur­e zvekupenga. Ngatifungi­sise kuti zvii zviri munaShe zvinofadza, uye zvatisinga­torerwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe