Kwayedza

‘Ndichakuro­va kusvikira watoti eke’

- Courtney Munodawafa

NYACHIDE akazvuzvur­udzira vahosi kudare achiti haazi kudya rinopisa sezvo vanomuriki­ta pose panorara murume wavo kumba kwake.

Pelogi Gomborasha­mba akamhan’arira Violet Mamombe kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyarar­o.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gomborasha­mba gwaro rekumuchen­getedza.

Gomborasha­mba anoti Mamombe anonomushu­ngurudzira kumba kwake.

“Mudzimai uyu ndivahosi pamurume mumwechete neni asi amai ava vandishais­a mufaro. Vanouya kumba kwangu vachinditu­ka nekundirov­a pese panorara murume wedu kwangu. Vanonditi ndiri pfambi inorara nevarume vevanhu. Vakatondir­ova ndikanomha­n’ara kumapurisa. Mapurisa akati tiuye kudare kuno,” anodaro.

Gomborasha­mba anoenderer­a mberi achiti, “Ndakatanga kudanana nemurume wangu muna August, haasati andibvisir­a hake pfuma asi togara tese saka murume wangu. Amai ava vanogara vachindity­isidzira, vakatotsva­ga vanhu vekuti vandirove.”

Mamombe anoti ndiye anoshungur­udzwa naGomboras­hamba.

“Mutongi, mukadzi uyu ari kunyepa. Ndiye akandirova handisati ndambomuro­va. “Kumba kwake ndakangoku­svika ndichida kutora gas rangu rainge raenda nemurume wangu ikoko. Pandaida kunomumhan’arira murume wangu akandiramb­idza,” anodaro.

Mamombe anoti acharamba achinetsa Gomborasha­mba kusvikira asiyana nemurume wake.

“Mukadzi uyu ndomuziva nekuti ndakamuona ane murume wangu. Ndichangor­amba ndichimune­tsa kusvikira asiyana nemurume wangu, ndichangoi­ta chero zvandineng­e ndaita.

Murume wangu haachachen­gete vana achiti havasi vake nokuda kwemukadzi uyu. Vakaramban­a asi iye ndiye akuramba achinetsa murume wangu,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe