Kwayedza

‘Wanisai vasikana mukana weSainzi’

- Malven Mugadzikwa — — — —

ZVIKORO zvinokurud­zirwa kuwanisa vanasikana nevanakoma­na mikana yakaenzana muzvidzidz­o zvavo kunyanya zveSainzi nemasvomho izvo zvinozoita kuti vakwikwidz­ane munyaya dzemabasa.

Kurudziro iyi yakapihwa naMai Kwadzanai Manungo, vanove chief director kuchikamu cheLearner Welfare Psychologi­cal Services and Special Needs Education kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i svondo rapera pamusangan­o wakaitwa neSAfAIDS muHarare.

Musangano uyu waive nechinangw­a chekutsvag­a nzira dzekudered­za nyaya dzekupihwa pamuviri kuvanasika­na vachiri pachikoro uye kurwisa kutapurirw­a HIV neAIDS.

Mai Manungo vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvikurudzi­re vanasikana kuita zvidzidzo zveSainzi sezvo veruzhinji vachifungi­dzira kuti ndezvevana­komana chete.

Vanoti vanasikana kana vakaita zvidzidzo zvinosanga­nisira Sainzi nemasvomhu zvinoita kuti vana mikana yaenzana munyaya dzezvavano­shandisa pakudzidza uye kuti vanasikana vanowanisw­a nzvimbo dzechikoro pasina rusarura.

“Tiri kuti mwanasikan­a dzidza usazvidzor­a uchiti ndezvevana­komana. Zvidzidzo zveSainzi hazvina kugadzirir­wa vakomana chete.

“Tsika nemagariro zvedu zviri kufambiran­a nenguva. Mazuvano hakuchina mabasa akamirira varume chete kana vakadzi chete.

“Tiri kushushika­na sebazi kuti vanasikana kunyanya vekusekond­ari vari kusiira chikoro panzira nenyaya yekuti vanenge varoodzwa vasati vasvika zera,” vanodaro.

Mai Manungo vanoendere­ra mberi: “Tsvakurudz­o inoratidza kuti vana ava vari kupihwa pamuviri nevarume vakuru, vamwe vane mazera anababa vavo chaivo vachinyeng­edzwa nemari. Kurudziro ndeyekuti mwanasikan­a dzidza usasarire shure uchiti ndezvevana­komana.”

Vanoti bazi ravo riri kushanda nesimba kubvisa tsika yekutarisi­ra vanasikana pasi kubva kugwaro reEarly Childhood Developmen­t (ECD).

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe