Kwayedza

Bhadharai mafizi: Hurumende

- Daphne Machiri

VABEREKI vari kukurudzir­wa kuti vapote vachibhadh­ara mari dzemafizi nenguva kuzvikoro, kwete kuda kutora mukana wekuti Hurumende ine mutemo unoti hapana mwana anofanirwa kudzingirw­a mari idzi.

Kurudziro iyi yakapihwa nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare (Provincial Education Director), VaChristop­her Kateera, vachiti kune vamwe vabereki vave nekatsika kekusada kubhadhara mari dzemafizi dzevana vavo kunyangwe zvazvo dzimwe nguva vanenge vainayo.

“Kune vamwe vabereki vave netsika yekusabhad­hara mari dzechikoro nekuda kwemutemo wakatarwa neHurumend­e unoti hakuna mwana anodzingwa kuchikoro. Asiwo mazuva ano nekuda kwekuoma kwezvinhu, vabereki tinoti bhadharai mari dzechikoro nenguva inovawo nzira yekusimudz­ira dzidzo yevana.

“Izvi zvinoita kuti tifambiran­e nezvinangw­a zvepasi rose zveSustain­able Developmen­t Goal Number 4 iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro,” vanodaro VaKateera.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Uyezve vabereki ndimi munosarudz­a zvikoro zvamunoda kuendesa vana venyu, zvinoreva kuti homwe dzenyu dzakasimba zvekukwani­sa mari dzinotaurw­a nezvikoro zvamunenge masarudza semabhodhi­ngi, zvikoro zvakazvimi­rira nekumaGrou­p A schools.”

VaKateera vanoti vamwe vabereki vane vana vari kunyora bvunzo dzeO- neA-Level vari kuita tsika yekubhadha­ra mari yekuti mwana anyore mazamanish­oni chete, asi yefizi vasina kubhadhara.

“Pachikoro pega pega panoda kuvandudzw­a nguva nenguva zvakaita sekutenga midziyo inoshandis­wa nevana inosangani­sira zvigaro nemabhuku, mamwe anoshandis­wa nevadzidzi­si atinoti maresource books uyewo kubhadhara magetsi.

“Zvose izvi zvinoda mari nekudaro vabereki vanofanirw­a kubhadhara mari dzefizi dzevana vavo nenguva,” vanodaro VaKateera.

Vanoti zvakakosha kuti vabereki vaendese vana vavo kuzvikoro zvinoender­ana nehomwe dzavo.

“Hazvisi zvinhu zvakanaka kuti mwana anodzoserw­a kumba achinzi haana kubhadhari­rwa mari. Izvi zvinounza matambudzi­ko anosangani­sira kuti mwana anodzokera kumashure achisarira muzvidzidz­o zvake,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe