Bhadharai mafizi: Hurumende
VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vapote vachibhadhara mari dzemafizi nenguva kuzvikoro, kwete kuda kutora mukana wekuti Hurumende ine mutemo unoti hapana mwana anofanirwa kudzingirwa mari idzi.
Kurudziro iyi yakapihwa nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare (Provincial Education Director), VaChristopher Kateera, vachiti kune vamwe vabereki vave nekatsika kekusada kubhadhara mari dzemafizi dzevana vavo kunyangwe zvazvo dzimwe nguva vanenge vainayo.
“Kune vamwe vabereki vave netsika yekusabhadhara mari dzechikoro nekuda kwemutemo wakatarwa neHurumende unoti hakuna mwana anodzingwa kuchikoro. Asiwo mazuva ano nekuda kwekuoma kwezvinhu, vabereki tinoti bhadharai mari dzechikoro nenguva inovawo nzira yekusimudzira dzidzo yevana.
“Izvi zvinoita kuti tifambirane nezvinangwa zvepasi rose zveSustainable Development Goal Number 4 iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro,” vanodaro VaKateera.
Vanoenderera mberi vachiti, “Uyezve vabereki ndimi munosarudza zvikoro zvamunoda kuendesa vana venyu, zvinoreva kuti homwe dzenyu dzakasimba zvekukwanisa mari dzinotaurwa nezvikoro zvamunenge masarudza semabhodhingi, zvikoro zvakazvimirira nekumaGroup A schools.”
VaKateera vanoti vamwe vabereki vane vana vari kunyora bvunzo dzeO- neA-Level vari kuita tsika yekubhadhara mari yekuti mwana anyore mazamanishoni chete, asi yefizi vasina kubhadhara.
“Pachikoro pega pega panoda kuvandudzwa nguva nenguva zvakaita sekutenga midziyo inoshandiswa nevana inosanganisira zvigaro nemabhuku, mamwe anoshandiswa nevadzidzisi atinoti maresource books uyewo kubhadhara magetsi.
“Zvose izvi zvinoda mari nekudaro vabereki vanofanirwa kubhadhara mari dzefizi dzevana vavo nenguva,” vanodaro VaKateera.
Vanoti zvakakosha kuti vabereki vaendese vana vavo kuzvikoro zvinoenderana nehomwe dzavo.
“Hazvisi zvinhu zvakanaka kuti mwana anodzoserwa kumba achinzi haana kubhadharirwa mari. Izvi zvinounza matambudziko anosanganisira kuti mwana anodzokera kumashure achisarira muzvidzidzo zvake,” vanodaro.