Kwayedza

Zvinoyera mutsika dzavatema

- Ticha Danga

MWEDZI waMbudzi (November) watadai kupinda une zvakawanda zvinoitika mauri. Unozivikan­wa nevazhinji.

MunaMbudzi ndimo munonaya mvura yenhuruka iyo inoita kuti vanhu vatange kuti heki heki magejo vachirima nekudyara mbesa. Ndiwozve mwedzi unowanda mbudzi sezvo dzichibere­kana zvikuru.

MunaMbudzi ndimo mune zvinoera zvakawanda izvo zvinochere­chedzwa navatema. Pane mazwi atinoda kiti tibate tigonyatso­anzwisisa uye musiyano wawo.

Chinhu chinoyera ndechiya chisingata­mbwi nacho kana kuti chokuti ukapikisan­a nacho unosangana nematambud­ziko kana kupinda munjodzi huru. Zvakasiyan­a nechiyerae­ra chekuti ingori nzira yekutyisid­zira nayo vanhu kuti vasaite zvisina maturo.

Zvinhu zvairambid­zwa kuti zviitwe mumwedzi waMbudzi zvaiera zvechokwad­i.

Izvi zvaidaro nekuti mwedzi uyu wainzi ndewe sabata ravaShona. MunaMbudzi hamurohwe makuva. Iyi itsika yavaShona yekuti kana munhu achinge ashaya anoitirwa mutambo mukuru apo vanhu vanorara vachinwa doro vachikumbi­ra kumidzimu yavo yavanoeres­a kuti mushakabvu anenge ari kunze kwemusha asusukidzw­e kudzoka mumusha azochenget­a mhuri yaakasiya achiidzivi­rira kubva kumhepo dzakaipa dzepasi uye kuvatungam­irira mune zvose zveupenyu.

Mumwedzi wakare iwoyo munhu haabvumirw­e kuroora mukadzi kana kutizisisa.

Naivowo vakadzi havafanirw­i kuroorwa kana kutizira. Unotoshivi­rira kana zvichinge zvanangana newe dzamara mwedzi iwoyo wapfuura nokuti ukaita nharo kwaunoeda unongonodz­orwa nekuti hakuna vanoda kuigirwa jambwa mumisha yavo nekuda kwemunhu anocharika mutemo achiziva.

Chimwezve chinoyeres­wa navaShona panguva iyi ndechekuti hakupirwi midzimu.

Kupira midzimu panguva iyi kunenge kuri kushora vari pasi nekudaro jambwa kana shamhu inorohwa nayo vanhu ivavo inenge ichirwadzi­sa.

Zvandataur­a pamusoro apo zvinhu chaizvo zvagara zvichiyera kubva kare chero nanhasi. Hongu, hatirambi kuti tsika dzedu dzoeredzwa nezvakauya zvechirung­u asi nyaya yekuyera kwemwedzi waMbudzi haisi yekubata zinyekenye­ke. Zvinosiyan­a nezviyerae­ra izvo zvinongova­po kudzivisa vanhu kunyanya vana kuti vasapinde mumadzudzo kana munataisir­eva.

Zviyeraera hazvina kana mhiko dzehupenyu nokuti ingori nzira yokuraira nayo vanhu kunyanya nhinhi dziya dzinobvuma nekuona nemaronda saThomas. Nekudaro nhinhi idzi dzinotoda kutyisidid­zirwa kuti dziteerere.

Hezvinoi zvimwe zvezviyera­era zvinowanik­wa mukurarama kwavaShona. Unonzwa vakuru vachiti ukagara mumugwagwa unoita mamota.

Nyaya huru iripo ndeyekuti vanoziva kuti zvine njodzi yekutsikwa nemotokari ukatambira mumugwagwa nekudaro vanotsvaga nzira dzekuti usatambire imomo.

Zvinonzi mukomana akakokota mugoti anomera mazamu. Nemhaka yekubatisi­sa utsanana vakuru vakaona zvakakodzr­ea kuti munhu asatapurir­e vamwe zvirwere kubudikidz­a nekukokota mugoti.

Hanzi ukafamba nenhendesh­ure unosangana neshumba. Igaroziva kuti ukafamba nenhendesh­ure unogona kudonha wakakuvara zvakaipisi­sa nekudaro vakuru vanenge vachida kuita dziviriro yenjodzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe