Zvinoyera mutsika dzavatema
MWEDZI waMbudzi (November) watadai kupinda une zvakawanda zvinoitika mauri. Unozivikanwa nevazhinji.
MunaMbudzi ndimo munonaya mvura yenhuruka iyo inoita kuti vanhu vatange kuti heki heki magejo vachirima nekudyara mbesa. Ndiwozve mwedzi unowanda mbudzi sezvo dzichiberekana zvikuru.
MunaMbudzi ndimo mune zvinoera zvakawanda izvo zvinocherechedzwa navatema. Pane mazwi atinoda kiti tibate tigonyatsoanzwisisa uye musiyano wawo.
Chinhu chinoyera ndechiya chisingatambwi nacho kana kuti chokuti ukapikisana nacho unosangana nematambudziko kana kupinda munjodzi huru. Zvakasiyana nechiyeraera chekuti ingori nzira yekutyisidzira nayo vanhu kuti vasaite zvisina maturo.
Zvinhu zvairambidzwa kuti zviitwe mumwedzi waMbudzi zvaiera zvechokwadi.
Izvi zvaidaro nekuti mwedzi uyu wainzi ndewe sabata ravaShona. MunaMbudzi hamurohwe makuva. Iyi itsika yavaShona yekuti kana munhu achinge ashaya anoitirwa mutambo mukuru apo vanhu vanorara vachinwa doro vachikumbira kumidzimu yavo yavanoeresa kuti mushakabvu anenge ari kunze kwemusha asusukidzwe kudzoka mumusha azochengeta mhuri yaakasiya achiidzivirira kubva kumhepo dzakaipa dzepasi uye kuvatungamirira mune zvose zveupenyu.
Mumwedzi wakare iwoyo munhu haabvumirwe kuroora mukadzi kana kutizisisa.
Naivowo vakadzi havafanirwi kuroorwa kana kutizira. Unotoshivirira kana zvichinge zvanangana newe dzamara mwedzi iwoyo wapfuura nokuti ukaita nharo kwaunoeda unongonodzorwa nekuti hakuna vanoda kuigirwa jambwa mumisha yavo nekuda kwemunhu anocharika mutemo achiziva.
Chimwezve chinoyereswa navaShona panguva iyi ndechekuti hakupirwi midzimu.
Kupira midzimu panguva iyi kunenge kuri kushora vari pasi nekudaro jambwa kana shamhu inorohwa nayo vanhu ivavo inenge ichirwadzisa.
Zvandataura pamusoro apo zvinhu chaizvo zvagara zvichiyera kubva kare chero nanhasi. Hongu, hatirambi kuti tsika dzedu dzoeredzwa nezvakauya zvechirungu asi nyaya yekuyera kwemwedzi waMbudzi haisi yekubata zinyekenyeke. Zvinosiyana nezviyeraera izvo zvinongovapo kudzivisa vanhu kunyanya vana kuti vasapinde mumadzudzo kana munataisireva.
Zviyeraera hazvina kana mhiko dzehupenyu nokuti ingori nzira yokuraira nayo vanhu kunyanya nhinhi dziya dzinobvuma nekuona nemaronda saThomas. Nekudaro nhinhi idzi dzinotoda kutyisididzirwa kuti dziteerere.
Hezvinoi zvimwe zvezviyeraera zvinowanikwa mukurarama kwavaShona. Unonzwa vakuru vachiti ukagara mumugwagwa unoita mamota.
Nyaya huru iripo ndeyekuti vanoziva kuti zvine njodzi yekutsikwa nemotokari ukatambira mumugwagwa nekudaro vanotsvaga nzira dzekuti usatambire imomo.
Zvinonzi mukomana akakokota mugoti anomera mazamu. Nemhaka yekubatisisa utsanana vakuru vakaona zvakakodzrea kuti munhu asatapurire vamwe zvirwere kubudikidza nekukokota mugoti.
Hanzi ukafamba nenhendeshure unosangana neshumba. Igaroziva kuti ukafamba nenhendeshure unogona kudonha wakakuvara zvakaipisisa nekudaro vakuru vanenge vachida kuita dziviriro yenjodzi.