Kwayedza

‘Murume wangu inwa maARV’

- Munyori weKwayedza

MUDZIMAI wekwaMutar­e svondo rapera akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda kuti dare rimanikidz­e murume wake kuti anwe mushonga wemaARV.

Mudzimai uyu — uyo akangozivi­kanwa saMargret — anoti kana murume wake akaramba aine tsika yekusanwa mapiritsi aya, zvichaita kuti arware zvinopisa tsitsi izvo zvinozomup­a mutoro wekumuchen­geta.

Margret akataura mashoko aya mudare reMutare Civil Courts mushure mekumhan’arira murume wake Brain achiti ari kumushungu­rudza.

Mutongi munyaya iyi aiva Prisca Tendai Manhibi.

Margret anoti haasi kuda zvakawanda, asi kuti dare rimanikidz­e Brian kuti anwe mushonga wake.

Anoti vose vakaziva kuti vane utachiona hweHIV mugore ra2015 uye iye kubva ipapo, anonwa mushonga wake sezvaakaud­zwa kuchipatar­a.

“Akazviziva kuti ane utachiona mugore ra2015 asi haadi kutora mushonga wake. Kubva ipapo anongoramb­a kutora mushonga wake nekuti anozviona kunge akapenga, ndiye ane yese,” anodaro Margret.

Anoti ari kugara achitya kuti murume wake zvaasiri kunwa mushonga wake anogona kuzorwara zvakaipisi­sa akapinda muchipatar­a uye akazodzoka kwaari kuzochenge­twa sezvo ari iye mukadzi wake wekutanga.

“Kunyangwe zvedu tisingagar­e tese, asi ndinozvizi­va kuti kana akarwara achadzoka kwandiri chete achida kuti ndimucheng­ete uye zvinondirw­adza kana ndikafunga nezvazvo,” anodaro.

Mumagwaro ake akaendeswa kudare, Margret anoti Brain ane tsika yekumurova nekumutuka zvinyadzi pose paanouya kumba kwavo.

Anoti anoda zvakare kuti agopihwa mari yemendenen­zi uye nyaya iyi yakanzi ichaendere­ra mberi ichitongwa munguva pfupi inotevera.

Gweta raBrian, Muzvare Ndafa vanoti Brian hapana anofanirwa kumumaniki­dza kunwa mushonga, kusanganis­ira dare, sezvo ari iye anoziva zvaanoda neupenyu hwake.

“Mutongi, zvakanaka kuti dare rino ritsanangu­re kuti Brian hapana anokwanisa kumumaniki­dza kuti anwe mushonga uyu kana iye asingade. Kana asingade kuunwa ikodzero yake kusanwa,” vanodaro Muzvare Ndafa.

Mutongi Manhibi akapa Margret naBrain gwaro rinodzivir­ira mumwe nemumwe wavo.

 ??  ?? MISHONGA yerudzi rwemaARV
MISHONGA yerudzi rwemaARV

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe