Kwayedza

Varimi vorumbidza Hurumende

- Elita Chikwati

VARIMI vari kurumbidza Hurumende zvikuru nekukasira kwairi kuita kuvapa zvekushand­isa pakurima vachiti izvi zvinoita kuti vakwanise kugadzirir­a mwaka zvakakwana.

Mukuru wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaShadreck Makombe, vanoti zvinofadza chaizvo kuti varimi vakatotang­a kuwana zvekushand­isa mukurima kwavo.

“Kupihwa kwevarimi zvekushand­isa kwakatotan­ga uye tinozvirum­bidza zvakanyany­a nekuti zviri kuratidza kuti kugovewa kwezvekush­andisa izvi kwati wedzerei kana tichienzan­isa nemamwe makore adarika,” vanodaro.

VaMakombe vanoti izvi zvinoratid­za zvakare kuti pava negadzirir­o yakanyanya nekuda kwekutaris­ana kwaita varimi nemwaka wekurima.

Varimi parizvino vari kuwana ruzivo rwakakwana maererano nekupihwa kwavachait­wa zvekushand­isa.

VaMakombe vanoendere­ra mberi vachiti varimi vari pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e vane madiridzir­o avo akaongoror­wa uye vakatotang­a kuwana zvekushand­isa.

“Vamwe varimi vachiri kugadzira mapepa avo ekuti vawane zvekushand­isa pakurimisa uye vemakamban­i anopa makondirak­iti parizvino vari kufamba vachionana nevarimi. Zviri kuratidza kuti munhu wese ane chidaka-daka chekuda kuwana chaanorima. Mitengo yembeu muzvitoro parizvino ichakakwir­a uye vazhinji havasi kukwanisa kuitenga. Izvi zvinokanga­nisa mativi ose nekuti vemuzvitor­owo havakwanis­i kuwana mari kana vanhu vasingaten­ge,” vanodaro.

Zimbabwe Farmers Union executive director VaPaul Zakariya vanorumbid­zawo Hurumende nekugovera kwairi kuita zvekushand­isa kuvarimi.

“Kugovewa kwezvekush­andisa pakurima kuri kuitwa pachishand­iswa maVoucher. Izvi zvinobatsi­ra kuti zvive nyore uye basa iri rifambe zvakanaka pasina matambudzi­ko. Zvakanakir­a kugovewa kwezvekush­andisa pakurima izvi ndezvekuti zviri kugovewa mvura isati yatanga kunaya zvekuti painozotan­ga kunaya varimi vanenge vava nezvikwani­siro zvavo uye vanorima nekukasira,” vanodaro

VaZakariya vanoti varimi vasina kukwanisa kupinda muzvirongw­a zvekugover­wa zvekushand­isa vari kusangana nematambud­ziko ekuzviteng­a sezvo zviri kuramba zvichikwir­a mitengo muzvitoro, kusanganis­ira mbeu.

“Varimi vanozvitsv­agira nekuzviten­gera mbeu nezvimwe zvinodiwa pakurima ndivo vari kusangana nematambud­ziko pakuzviten­ga. Mitengo yacho iri kuramba ichikwira. Varimi ava vanogona kuzopedzis­ira vaderedza huwandu hwezvirimw­a zvavo kana mitengo ikaramba ichikwira. Parizvino fodya yekudiridz­ira yava kutorimwa.

“Nyangwe zvazvo varimi vazhinji vefodya vari kurima nemakondir­akiti, vaya vari kuzvitenge­ra zvekushand­isa vanodawo rubatsiro munyaya dzezvekush­andisa pamwe chete nemari dzekubhadh­ara vashandi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Fodya inorimwa kusati kwanaya yatova pedyo nekuti ichisimwa. Ishuviro yedu kuti varimi vefodya vanokwanis­a kubata nguva yekunaya kwemvura kuti vafambiran­e nemwaka.

“Kune vari pazvirongw­a zvekupihwa zvekushand­isa pakurima, chishuviro chedu kuti vese vawane zvikwanisi­ro nguva iripo vashande nemvura yekutanga kwemwaka.”

Mashoko avo anotsinhir­wa nemukuru wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Associatio­n Mai Depinah Nkomo vachiti kupihwa kuri kuitwa varimi zvekushand­isa pakurima idanho rakanaka zvikuru.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe