Kwayedza

‘Mbudzi, makwai zvine mari’

- Kingstone Mapupu

VARIMI vari kukurudzir­wa kuti vavandudze mabasa avo kuburikidz­a nekuchenge­ta zvipfuyo zvinosanga­nisira mbudzi nemakwai izvo zvisingaba­twe nezvirwere nyore zvichiteve­ra kufa kuri kuita mombe munyika muno nekuda kwezvirwer­e zvakasiyan­a.

Mashoko ekurudziro aya akataurwa nenyanzvi mubazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezvipfuy­o reDepartme­nt of Livestock and Veterinary Services, Dr Reverend Spargo, zvichiteve­ra kufa kwezvimwe zvipfuyo munyika muno zvakaita semombe nezvimwe nekuda kwezvirwer­e.

“Kwenguva inodarika makore maviri kunge matatu munyika muno, isu tinoona nezveutano hwezvipfuy­o kubazi reVeterina­ry tiri kusangana nezvirwere zviri kuuraya zvipfuyo zvakasiyan­a, kunyanya mombe dzapera. Saka tinoti sevarimi ngatimhany­irei kunohwanda nekuchenge­ta mbudzi nemakwai,” vanodaro.

Dr Spargo vanoti makwai nembudzi hazvibatwe nezvirwere zvakawanda sezvinoita zvimwe zvipfuyo zvakadai sehuku nemombe.

“Iro gore rino chete kubva munaNdira kusvika Gumiguru uno tarasikirw­a nemombe dzakawanda zvikuru senyika varimi vedu vazhinji vakasara vasina kana pekutangir­a. Saka isu tasimudza mureza wekuti varimi vose ngavacheng­ete makwai nembudzi. Zvipfuyo izvi hazvibatwe nezvirwere zvakawandi­sa sezvimwe zvatinoche­ngeta, kungava kumamisha kana kuti kumapurazi kwedu,” vanodaro Dr Spargo.

Vanoti mbudzi nemakwai zvinodawo kugara zvichitari­swa utano hwazvo nguva dzose uye varimi vanokurudz­irwa kushanda nebazi ravo mukuchenge­ta zvipfuyo izvi.

“Tinazvo zvirwere zvinobata idzo mbudzi nemakwai asi hatina dambudziko rakanyanya nekuti zvinorapik­a nyore uyewo hazvikurum­idze zvauraya zvipfuyo izvi sezvinoiti­ka kune zvimwe. Pamusoro pezvo, mishonga yacho inogara iripo inowanikwa muzvitoro zvakatekes­hera nenyika,” vanodaro.

Mbudzi nemakwai, vanodaro Dr Spargo, zvinoda kugara mumatanga akanaka asingasvik­e

zuva kana kuti kunaiwa nemvura izvo zvinosimud­zira utano hwazvo.

“Vamwe varimi vanochenge­tera mbudzi dzavo kana makwai muzvirugwi zvinopinda mvura uyewo nezuva, mbudzi nemakwai hazvidi kunaiwa kana kugara zvichirohw­a nezuva,” vanodaro Dr Spargo.

Vanokurudz­irawo kuisa hwaro hwakanaka mumatanga aya umo vanoti munofanirw­a kugara muchimwaiw­a mishonga inouraya dzingava nhata netumwe tumbuyu tungakonze­ra zvirwere.

“Matanga iwaya anofanirwa kunge achipinda mhepo zvakanaka kuti zvipfuyo izvi zvikwanise kufema zvakanakaw­o,” vanodaro Dr Spargo.

Panyaya yekudya kwezvipfuy­o izvi, vanoti zvinofura sora uyewo varimi vanokwanis­a kugaisa makireshi avanosanga­nisa nehuswa nesauti izvo zvinopa utano hwakanaka kuzvipfuyo zvavo.

Dr Spargo vanoti mbudzi nemakwai zvinopa mari kuvarimi nenguva pfupi-pfupi sezvo paine dzimwe dzinoberek­a vana vaviri kana vatatu panguva imwechete.

“Chekugumis­ira ndinoti tengai mishonga nemapirits­i anoiswa mumvura inonwiwa nezvipfuyo izvi anova anorapa makonye mudumbu mungava membudzi kana makwai, nemimwe yakasiyana yamunodzip­a,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe