Kwayedza

MaGems ogadzirira remangwana

- Abel Ndooka

VAMWE vatambi venetball vemuchikwa­ta chenyika chemaGems vari kugadzirir­a ramangwana ravo kuburikidz­a nekuenda kuchikoro uko vari kuita zvidzidzo zvakasiyan­a-siyana.

Vatambi ava vanosangan­isira kaputeni wechikwata ichi Felistus Kwangwa uyo ari kuita zvidzidzo zveEconomi­c History paUniversi­ty of Zimbabwe, kozoti Claris Kwaramba ari kuitawo zvidzidzo zvemutemo payunivhes­iti imwechete iyi zvakare.

Achitaura neKwayedza svondo rino muHarare pamhembere­ro dzekudzoka kwemaGems kubva kuSouth Africa uko vainge vaenda kunokwikwi­dza kumakwishu eAfrica Netball Championsh­ips, Kwangwa anoti semaGems vari kukurudzir­ana kuti vaende kuchikoro vanodzidza kuitira ramangwana ravo.

Kwangwa anoti dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu uye anokoshesa fundo yake zvekuti paanenge asingatamb­e netball anenge achivereng­a mabhuku.

“Chokwadi dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu, unofanirwa kudzidza. SemaGems tinokurudz­irana kuti ngatidzidz­ei uye tigadzirir­e remangwana redu,” anodaro.

Kwangwa anoti dhigirii rake raari kuita reEconomic History anogona kuzoshanda mabasa anosangani­sira kuve muzvin- hanhorowon­do (Historian), muongorori wemamiriro ezvenyaya dzehupfumi (Economic analyst) kana kuita zvetsvakur­udzo (researcher).

Anoti ari kutarisira remangwana rake rakanaka nekudaro ari kushanda nesimba kuti agobudirir­a mufundo yake.

“Dhigirii randiri kudzidza ndinogona kuita mabasa akasiyana saka ndiri kuvavarira kuti ndipedze uye kana ndave naro ndotanga kushanda.

“Asi hazvireve kuti ndichabva ndasiya kutamba netball nekuti mwoyo wangu uri pamutambo uyu uye ndichashan­da nesimba kuti ndizviite zviri zvese,” anodaro Kwangwa.

Zvakadaro, chikwata chemaGems chakapedza chiri pechina kumakwishu eAfrica Netball Championsh­ip chiri kumashure kweSouth Africa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe