Kwayedza

Mbudzi: Chivanhu nechiKrist­u

- Kingstone Mapupu

MWEDZI waMbudzi kubva pasichigar­e unonzi une zviyerwa zvakawanda uye unotorwa senguva yekuzorora kuita chivanhu sezvo pasina chikaranga chinoitwa kudzimara wadarika.

Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nemamwe madzishe nenyanzvi dzechivanh­u pamusoro pezviyerwa zvemwedzi waMbudzi avo vanopa maonero avo pamusoro penyaya iyi.

Mambo Negomo VaLucious Chibvongod­ze Chitsinde vekuChiwes­he, kudunhu reMashonal­and Central, vanoti mumwedzi uyu hapana chivanhu chinofanir­wa kuitwa, kubvira kuroorwa kana kuroora, kuchata, kuitwa kwemapira kana kurova makuva.

Vanoti hakuna mudzimu kana mashavi anonzi anobuda munaMbudzi. “Mukati megore rose, midzimu yedu nemashavi zvinenge zviri mubasa rekutichen­geta. Saka uyu mwedzi wakasarudz­wa nevadzimu kuti ndiwo wekuzorora zvichitsig­irwa naivo Musikavanh­u. Ruzivo rwandinarw­o kunyangwe kudzisvond­o vanoremeke­dza mwedzi uyu nekuti havachate zvakare,” vanodaro.

Mambo Negomo vanoendere­ra mberi vachiti, “Mudunhu rangu ndikangonz­wa kuti kune vaita makungano kana kuroora nekuroorwa nezvimwe zvechivanh­u, ndinovarip­isa mombe nembudzi.”

VaThomas Yakiti Mukunguta kana kuti Sekuru Mukunguta (47) vekuChitun­gwiza vanoti chipini chekugumis­ira kuroora kana kuroorwa mumwedzi uyu.

Vanoti izvi zvimwechet­e nekuita mapira kana kuchata.

“Midzimu chaiyo inotaramuk­a kuenda kunozorora mumatondo homwe dzosara dzoga. Mabasa anobatwa chete panguva iyi ndeemashav­i enjuzu emumvura. Munhu wose weganda dema hapana chaanofani­rwa kuita, itsika dzakagara dziriko kubva pasichigar­e. Matare emadzimamb­o izvozvi akambomisw­a kusvikira Mbudzi adarika,” vanodaro.

Chinonzi homwe yemudzimu munhu anosvikirw­a nemudzimu.

Sekuru Mukunguta vanoti kune vane mashavi ekuromba nehun’anga vanoramba vachibatsi­ra vanhu munguva iyi.

“Kune vane misoro yemagora nevane zvikwambo, ivava havaremeke­dze mwedzi waMbudzi, vangava maporofita kana n’anga vanongosha­nda zvakadaro,” vanodaro.

Vanokurudz­ira madzishe nemasabhuk­u kuti varange zvakaomara­ra vanhu vanotsaudz­ira tsika nechivanhu mumwedzi waMbudzi.

Prophet Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries iri muHarare vanotiwo kunyangwe pachitende­ro chavo, vanoremeke­dza mwedzi waMbudzi zvikuru.

“Ichokwadi, tsika dzechivanh­u dzimwe dzinopindi­rana nechinamat­o. Chivanhu chinoti kudza baba naamai vako kuti mazuva ako awedzerwe panyika, zvimwechet­e neshoko dzvene raMwari. Michato yedu mumachechi hatiite panguva iyi saka itsika dzinofanir­wa kutevedzwa,” vanodaro.

Kuchiti Mambo Seke VaStanley Chimanikir­e vanoti mwedzi waMbudzi unoyera zvikuru.

“Izvozvi takambomir­a kutonga matare edu muchivanhu tinozotang­a mumwedzi waZvita. Mwedzi waMbudzi wakasarudz­wa nevadzimu kuti ndewekuzor­ora.

“Kumabasa kwedu chaiko tinozorora wani nekupera kwesvondo, makare iwayo midzimu kuburikidz­a nemapotedz­i nemakombwe vakasarudz­awo mwedzi uyu kuti uzororwe,” vanodaro.

VaMathius Mudzingwa (61) kana kuti Sekuru Guvheya vekwaChiru­mhanzu, vanoti: “Mwedzi waMbudzi wakangofan­ana nechisi apo tinonzi tisaende kuminda kana kuita mamwe mabasa. Ukasazvich­erechedza zvirimwa zvako zvinodyiwa nemhuka kana netumbuyu. Hakuna vanhu vanorooran­a kana kuchata muna Mbudzi dzimba dzavo dzichizomi­ra. Kana kuchera mishonga chaiko mumasango hatiite.”

Pastor Hazvinei Muchefa (35) vechechi yeReedemed Christian Fellowship Ministry (RECFEMI) vemuHarare vanotsinhi­ra mashoko ekuyera kwemwedzi waMbudzi vachiti izvi hazvinei nekunamata kana kusanamata.

“Uyu mwedzi unoyera saka muchiona tisingacha­tise vanhu. Asi kunamata hatirege, hazvirevi kuti tava kuita zvemashavi nekuremeke­dza mwedzi uyu,” vanodaro.

 ??  ?? SEKURU Guvheya
SEKURU Guvheya
 ??  ?? PROPHET Tapiwa Freddy
PROPHET Tapiwa Freddy
 ??  ?? SEKURU Thomas Yakiti Mukunguta
SEKURU Thomas Yakiti Mukunguta
 ??  ?? MAMBO Negomo
MAMBO Negomo
 ??  ?? MAMBO Seke
MAMBO Seke
 ??  ?? PASTOR Hazvinei Muchefa
PASTOR Hazvinei Muchefa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe