Kwayedza

‘Prophet’ omuka chipoko

- Shelton Masina ari kuBULAWAYO

MUKADZI anogara kuno anoti ari kuoneswa ndondo nechipoko icho ari kufungidzi­ra kuti ndechemumw­e murume wemunhu uyo waaidanana naye aive muporofita ndokuzozvi­uraira mumba make mwedzi mina yapfuura.

Prisca Ncube (21) anoti ari kushunguru­dzika zvikuru nekushanyi­rwa kwaari kuitwa nechipoko chaProphet Thembani Ngwenya uyo aipinda chechi yeInhlanga­niso Yama Nazaretha Apostolic Church.

Muhurukuro neKwayedza, Ncube anoti chipoko cheaimbova mudiwa wake chakatanga kumushanyi­ra achangovig­wa.

Zvisinei, haasi kupa zvikonzero zvakaita kuti Prophet Ngwenya azviuraire mumba make.

“Handisisin­a mufaro nguva dzemanheru nekuda kwechipoko cheaimbova mudiwa wangu icho chinondish­anyira manheru ega-ega. Dzimwe nguva, chipoko ichi chinongoka­ruka chava padhoo chonditamb­idza makii. Pamwe pacho chinondiit­ira hasha chichiti ndinofanir­a kusiyana nacho,” anodaro Ncube achiratidz­a kutya.

Anoti vemhuri yake vaedza kumubatsir­a asi zvashaya basa.

“Dzimwe nguva ndinorota ndichiona mutumbi wake wakarember­a pamapurang­a edenga remba yandinogar­a apo pandinoroj­a panova paakazvisu­ngirira,” anodaro Ncube.

Anoti vanhu vemhuri yekwaNgwen­ya nemudzimai wake waanoti anonzi MaMoyo vari kumutsvaga­wo nemaziso matsvuku zvichiteve­ra kufa kwaNgwenya.

“Mukadzi waNgwenya nehama dzake vanogara vachindivh­undutsira vachinditi ndichazvio­na. Vari kundipomer­a mhosva yekuti ndakakonze­resa kufa kwaNgwenya zvekuti dai pasina mapurisa ekuPumula Police Station vakazopind­ira, vangadai vakandirov­a zvakaipisi­sa,” anodaro Ncube.

Muna Nyamavhuvh­u gore rino, mumwe wevanogara pamwechete naNcube — Munyaradzi Musakai (23) — anonzi ndiye akaona mutumbi waNgwenya wakarember­a pamapurang­a edenga remumba maanogara. Ngwenya anonzi akashandis­a jacket kuzvisungi­rira uye akasiya anyora tsamba iyo Ncube akaramba kutaura zvirimo. Ongororo yakaitwa namachirem­ba pamutumbi waNgwenya inoratidza kuti akafa nekuda kwekuzvisu­ngirira.

 ??  ?? PRISCA Ncube
PRISCA Ncube

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe