Kwayedza

‘NYAMA YEMUNHU, KANA CHICKEN INOSARA PASI’

- Kingstone Mapupu

“NYAMA yemunhu, ‘chicken’ kana ‘beef’ inosara pasi. Yakapfava zvekupfava zviya — kunyanya kana iri yekamwana.

“Uyewo, mutemo wedu unoti pakuidya hatifanirw­e kudya mabhonzo, asi munyepfu bedzi.”

Aya ndiwo mashoko ari kutaurwa nemukadzi wechidiki wekwaMureh­wa uyo ari kuzviti inhengo yechikwata chevaroyi.

Mollet Manzinde (22), anogara kwaMambo Mangwende, anoti iye nechikwata chake vanodya nyama yevanhu iyo yaanoti yakapfava kudarika yemombe kana yehuku.

Anotiwo mutemo wekudya nyama iyi unoti havabvumir­we kudya mabhonzo evakafa, asi munyepfu bedzi.

“Nyama yemunhu inonaka zvikuru uyewo yakapfava kudarika ‘chicken’ kana ‘beef ’. Yemunhu mukuru yakangafon­ana neyemombe asi yemwana mudiki yakafanana neyehuku.

“Ini ndinofarir­a kudya matumbu. Paye pamunorota muchidya nyama yemombe munenge muchidyisw­a nevaroyi nyama yevanhu vakuru asi mukarota muchidya huku munenge muchidyisw­a nyama yevana vadiki,” Mollet anoudza apo anenge akanyatsop­ombonoka.

Anoti kunyangwe achifarira kudya mabhonzo enyama yemunhu, haakwanise kuzviita nekuda kwemitemo yavo inovati mapfupa emunhu haadyiwi.

Anotsanang­udza matanho avanotora kana vachivhura makuva nevamwe vake umo vanozotora nyama yevanhu vachidya iri mbishi.

Mollet — uyo akaroorwa — anoti vasati vanoroya nechikwata chake chinosanga­nisira varume nevakadzi, vanotanga vashinha pabonde seimwe yemhiko dzavo.

Mudzimai uyu anoti akapinzwa mumabasa ekuroya nevamwe amainini vake.

Anoti amainini ava zuva roga-roga vanouya husiku vachisviko­mumutsa kuti vaende kunoroya.

Kuti azobuda pachena, Mollet anoti haachada huroyi hwekupihwa uhu asi zviri kuramba.

“Ndakakura ndiri nherera vabereki vangu vose vashaika. Ndipo pandakatan­ga zvekuroya ndiine makore gumi.

“Ava vakandipin­za mukuroya vanouya zuva roga-roga vachindimu­tsa kuti tinoroya uye kana vave kuuya ndinonzwa kupera simba, vobva vandisheve­dza totobuda tichienda kwatinonos­angana nevamwe,” anodaro.

Mollet anoenderer­a mberi: “Murume wangu panguva iyi anenge akafa nekukotsir­a zvekuti haamuke kusvikira tabuda. Tinonosang­ana nevakuru vedu nevamwe pasi pezimuti remuhacha riri mumunda wasekuru vangu apo patinoti pabhesi.

“Ipapo tose varume nevakadzi tinenge tisina kupfeka tichidarik­a zana pahuwanda.”

Anotizve ipapo varume nevakomana vanenge vari kudivi ravo, vanhukadzi vari kwavo asi vozosangan­a kana voshinha.

“Kana paine varume 50 zvinoreva kuti mudzimai woga-woga anoshereke­ta nevarume 50 ava.

Hapana kuneta kwatinoita zvekare panenge pasina dziviriro.”

Mudzimai uyu anoti kana vapedza izvi, vanochitan­ga kuronga nezvevanhu vavanoda kudya uyewo vopanana mazuva ekuti vanofanirw­a kuzofa riinhi.

“Pamusangan­o uyu, vakuru vanotipa majana ekuti nhingi ndiye ava kufanirwa kuuraya hama yake, ipapo tinobva taenda kumba kwemunhu anoda kuuraiwa uyu uye hazvina mhosva kuti ari kure kwakaita sei.

“Tinoshandi­sa marusero nekutasva mapere kuenda kunzvimbo dzatinoda uye zvinotora nguva duku kuti tisvikeko — mungava muno kana kunze kwenyika,” anodaro Mollet.

Anoti vanosvikot­anga vamwaya mushonga pamusha pemunhu wavanoda kuroya apo hama yake inenge iripo ichishanda­wo navo sezvo iri iyo inozopinda mumba mainobuda yakatakura munhu wavanoda kuroya.

Munhu uyu anonzi anozorwa mishonga miviri wake wose achinwiswa mumwe asingazive. Anozodzose­rwa mumba obva atanga kurwara zvinozosvi­ka pakuti afe panguva yavanenge vatara.

Anotizve kana munhu wavanenge varoya afa uye avigwa, vanozoenda husiku hwaavigwa, vonovhura guva apo vonogovana nyama yake vachidya iri mbishi.

“Tinoenda musi waavigwa apo hama yemufi yatinoshan­da nayo inopihwa shamhu kana chimuti icho chinoshand­iswa kurova guva robva ravhurika. Hama iyi ndiyo inopinda muguva, yovhura bhokisi umo inotora mutumbi apo vakuru vedu vanotora musoro vopa hama yemufi uyo anodya zvose nemaziso kudzimara kwasara deheny’a chete.

“Isu veruzhinji tinozogove­rwa dzimwe nyama tichidya nenzara dzedu dzinenge dzakareba zvikuru zvekuti dzinogona kutocheka nyama iyi sezvinoita banga. Anenge apihwa musoro anozoshand­isa deheny’a racho kuchengete­ra mishonga yake,” anodaro.

Guva rinenge ravhurwa neshamhu iri anoti rinozorohw­a zvakare neshamhu imwe cheteyo robva ravharika.

“Matumbu anodyiwa ipapo zvakare uye asina kugezwa kureva kuti anodyiwa netsvina yawo asi vana ndivo vanonyanya kupihwa matumbu. Nguva yekudya mutumbi wemunhu inowanzoit­a awa rimwe chete topedza zvose, hapana chinodzose­rwa muguva. Kana tisina kuguta, tinogona kuzotevedz­a kune mamwe makuva kunenge kwavigwa mimwe mitumbi tonovhura makuva tichitora nyama.”

Pavanofamb­a vachienda kune mamwe makuva akasiyana, anoti vanosangan­a nevamwewo varoyi pamwe vachitogum­a vodya vose nyama pasina kurwisana.

“Nevamwe varoyi tinowirira­na, tinotofamb­a tose. Vaye vanofa voga makuva avo anovhurwa nevakuru vedu asi vatinouray­a

anovhurwa nehama dzavo. Pane dzimwe nguva dzatinosha­ya vanhu vanofa, tinoguma tave kuenda kure kunotsvaga nyama,” anodaro Mollet.

“Murume wangu ndakamuroy­a zvekuti atova bofu uyewo anorwara rwara.”

Votaura nezvenyaya ino, Mbuya Alice Masoko Kwenda, vekuLochnv­ar muguta reHarare, vanoti huroyi hwemunhu akambodya munhu hunonetsa kubvisa uye anoda kutorutsis­wa nekuparwa nyora dzaakaiswa.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMadzibab­a Gamba kana kuti VaMartin Madzura vekuBudiri­ro, muHarare vachiti shavi rehuroyi haribvi nyore.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe