Kwayedza

Mukadzi roja owaridza mubhedha walandlord

‘Musarwadzi­we, ndini ndinotumwa nababa’

- Nyasha Bvudzijena

MURUME anova muridzi wemba iri mumusha weKuwadzan­a, muHarare, anonzi ari kutsika madziro achiramba kuti roja rake rechidzima­i — iro rinotsvair­a mubhedhuru­mu make nekumuitir­a mamwe mabasa — ridzingwe pamba apa nemukadzi wake mushure mekutadza kugarisana nevamwe murunyarar­o.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Petronella Maungisa, uyo anova muroora wepamba apa, akamhan’arira Faustina Sangware kudare iri achida gwaro redzivirir­o.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Maungisa gwaro rinomudziv­irira.

“Ini ndiri muroora wepamba apa, asi ndatadza kugarisana nemukadzi uyu nekuti anoita zvechipfam­bi uye anodhakwa saka kana adzoka anondituka nezvinyadz­i achisheved­zera husiku hwose uye akamira mupaseji yemba,” anodaro Maungisa. Anoti Sangware ane daka naye sezvo achigara achimunets­a uye anotomuram­bidza kushandisa midziyo kana zvinhu zvepamba pavatezvar­a vake.

“Changamire, ndikada kuti ndiise nhumbi dzangu pawaya, iye anodzibvis­a oisa dzake. Ndikada kuchera mvura, anouya ovhara pombi.

“Amwene vangu vakatombou­ya kubva kumusha kuzogadzir­isa nyaya iyi asi hazvina kubatsira sezvo atezvara vakaramba kuti abviswe pamba,” anodaro Maungisa. Sangware anoti ose aya mabasa egodo chete sezvo Maungisa achirwadzi­wa nekuti vatezvara vake vanotuma iye chete kuti avatsvairi­re mumba mavanorara.

“Uyu mukadzi anorwadziw­a neni nekuti muridzi wemba anondikumb­ira kuti ndimuitire mabasa. Ndikaita ndobva ndanzi ndiri pfambi. Ndini ndinotofan­ira kudzivirir­wa nekuti ndiri kutoshungu­rudzwa naiye naamwene vake,”anodaro Sangware.

Anoti haadi kuti Maungisa amuti ipfambi sezvo muridzi wemba akamupa mvumo yekugara pamba apa kusvika paanodira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe