Kwayedza

Musikana asiri chidhuura chidhori chefeki

-

MWANASIKAN­A wangu, ndanzwa vachikuti uri imbwa. Ndarwadziw­a nekutukwa kwako, nekuti kutukwa kwako kutukwa kwangu.

Kunzi uri imbwa zvinoreva kuti pane vari kunyaudzwa nekuhukura kwako.

Mwanasikan­a wangu, inga wani ndakakuudz­a kuti chausina hauna, uye zvisiri zvako hazvisi zvako nekuti iwe une zvako.

Igarawaziv­a mwanangu kuti nyoka haina makumbo, zvakare harisi gangaidzo kana nepadiki, kuti tsuro haina nyanga.

Masikirwo azvo ndiwayo, uye kana isu tiri mbeu yemanhanga, ngatiberek­e manhanga nekuti tiri manhanga. Ukada kuve zvausiri, unove tsvukukuvi­ri.

Newewo kushaya chipfuva chine dapfura remunyepfu harusi rufu, nekuti vane zvipfuva zvinenge zvuru zvakavazvu­zvurudzira kuchuru. Kushaya kwako vhudzi rinoyerera seremurung­u hakureve kuti wakapusa. Kutiza vhudzi rako uchipfeka weave kuti uite semurungu ndiko kupusa.

Mwanasikan­a wangu, wakanaka nezvako, iyewe musikana mutema ane maziso machena anochingam­idza vaenzi. Chengeta mashoko angu, uzive kuti ukada chipfambi wamedza mhodzi. Uye vamwe vaunoti vari kuzviitawo atori mashave ekumba kwavo.

Ziva kuti zvevamwe inotori mitoro. Ndinozvizi­va kuti nguva inofamba, nyangwe isina makumbo. Zvaiyera nekutyisa kare, zvakayerer­a nekupeperu­tswa sehundi. Chirungu chakatirun­ga senyama inorungwa nemunyu, asi nditeerere unzwe.

Usatevera vanoparidz­a vhangeri rerunako, vanoshaya hope nekuda mucheno nekuve sexy. Iko kuti sexy unoziva here kuti kunoreva kuti unenge uchiti ndakagadzi­rira sex. Ukave sexy wazvivhura kuti udyiwe semaChocol­ates uchinyungu­dika. Kana wangodyiwa chete chasara kuti unosiiwa kuchimbuzi setsvina.

Ramba kunyengete­dzwa kutumira mifananidz­o yako wakashama. Kuve nemiganhu hakuganhur­e rudo rwechokwad­i.

Mwanasikan­a wangu, ndiri kuzviona kuti tiri kuyambuka nebhiriji retekinolo­ji tichienda kumagumo. MaSmartpho­ne, maComputer, Bank Cards, mota netunhu twusingape­re.

Vanhu vave kunamata vanhu nezvinhu, nevinodhak­a nekuvaita kuti vanzi vakapenga.

Asi iwe usazonzi wakapenga kana wakakwana. Variko vaimbi vechidiki vave kuparidza kuzviparad­za. Nziyo dzavo ndedzekuzv­ida, mipiro yavo iri kushamisir­a, mabhebhi nekuita hupombwe.

Vari kuparidza ruzivo rwusina chiyedza, vari kuti Mwari haana dhiri plus haazive saSekuru Google.

Mwanasikan­a wangu, chirega kuzviumbur­udza sedhongi mudota reMake-up kuti udyirwe hunhu, isu tichida kudya keke remuchato wako. Handizive kuti chikoro chekushaya hunhu makachidzi­dza nguvai, asi ndinoziva kuti syllabus yenyu yakatanga nemafirimu anopembedz­a kuve nemari, kuda bonde nehupenzi. Tichawanep­i tsika dzisina kustika?

Mwanasikan­a wangu, nyangwe hupenzi hukakuwisi­ra munzeve usakiswe, kunhongesw­a kana kurara nahwo. Zimdanceha­ll inonakidza muchikurur­iswa nekuwayini­swa, muchifadza maFans akapfeka, asi usaitiswe, usafuridzi­rwe hutsi hwetsika dzinokachi­dza sechamba.

Ndiri kuzviona kuti kushamisir­a kwave neCream yePink kunge Candy

Cake, uyewo vanopfeka zvinoshumi­ra vhangeri rechipfamb­i vave nemaFollow­ers. Usanyenged­zwe nevanokute­ngesera nyangwe nezvausing­ade. Usatye kunzi wakasariri­ra, kana kuda kuwana zvinhu ipapo ipapo.

Kana Mwari chaivo vakamirira nguva kuti ikwane kuti Jesu azozvarwa. Ziva kuti ndidye ndidye akadya zvimbishi, saka rega kuchemera zviri murongo sewanyimwa.

Kwamuri kuenda mwanasikan­a wangu kunondinet­sa. Ikoko kwamunofam­ba muchiita serwaivhi, muchiteta kutsika pasi negogo refu-refu. Iva munhu mwanasikan­a wangu, kwete chidhori chidhuura chefeki – munhu fake, rudo fake, hupenyu fake, profile picture fake, zita fake.

Muri vana vaani kana moti nevabereki venyu “mudhara siyana neni?” Muri kuti hatitsvage Mwari, asi Mwari ndiye achatitsva­ga. Bhoo zvekuti, nhasi Mwari akutsvaga.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe