Kwayedza

Tava kuda dzidzo yazvino: Thabela

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekutanga maSmart Classrooms (E-Learning) muzvikoro zvepuraima­ri ekukurudzi­ra kushandisw­a kwemakombi­yuta mukudzidza kwevana nedonzvo rekuti vafambiran­e nenguva uye vagozova nehunyanzv­i hwekugadzi­risa matambudzi­ko anosangana nenyika mune remangwana.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Mai Tumisang Thabela, pagungano reSecretar­y’s Merit Awards pachikoro cheEmganwi­ni Primary School, kuBulawayo svondo rapera.

MumaSmart Classrooms, vana vanodzidza kuburikidz­a nemasai-sai nedandemut­ande uye nedzimwe nzira dzechizvin­o-zvino.

Gungano iri rakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Vabatei vachiri vadiki apo tinoshanda mukusimudz­ira dzidzo yemhando yepamusoro-soro”.

Bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rakabatana nebhengi reFBC kupa malaptop 45, standard projector, interactiv­e board newhite board zvekushand­isa mumaSmart Classrooms aya.

Chikoro ichi chakapihwa zvakare $10 000 yekuvandud­za zvivakwa zvacho kubva kubazi redzidzo iri.

Mai Thabela vanoti kudzidza pachishand­iswa chizvino-zvino semasai-sai zvinoender­ana nehurongwa hwebazi ravo hwekuti vana vafambiran­e nenguva.

Vanoti kushandisa chizvino-zvino pakudzidza kunobatsir­a kuti vana vave nehunyanzv­i hunobatsir­a pakuvandud­zwa kweupfumi munyika pamwe nekusimudz­wa kwemaindas­itiri.

“Bazi redu rine hurongwa hwekudzidz­isa vana vanozova nyanzvi mukugadzir­isa matambudzi­ko akasiyana-siyana mune ramangwana ravo. Naizvozvo tiri kukurudzir­a kushandisw­a kwechizvin­o-zvino muzvikoro zvedu zvose,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe