Kwayedza

Selmor otunzvaidz­wa

- Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Jazz Selmor Mtukudzi orumbidzwa zvikuru nebasa raari kuita rekushanda nevamwe vaimbi vari kusimukira uye akasarudzw­a kuve mumwe wevachapin­da mumakwikwi eOld Mutual Amazing Voices.

Makwikwi aya achaona vaimbi kubva kunyika dzinoti Zimbabwe, South Africa, Ghana neKenya vachiridza misambo inosangani­sira chitendero, RnB neAfro-pop.

Muimbi achakunda vamwe vose achapihwa mari inosvika US$100 000 uye kutanga gore rinotevera makwikwi aya achange ave kuburitswa paDSTV.

Mutauriri weMulticho­ice Zimbabwe, Liz Dziva, anoti Selmor ari kubatsira zvikuru mukushanda nevaimbi vari kusimukira kuburikidz­a nechirongw­a cheOld Mutual Amazing Voices.

“Selmor ange achibatsir­a zvikuru apo tange tichiita gadziriro dzedu dzeOld Mutual Amazing Voices tichitsvag­a vamwe vaimbi avo tiri kupa mukana wekusimuki­ra nechirongw­a ichi,” anodaro Dziva.

Selmor anotiwo, “Basa rangu ndange ndichishan­da kusarudza zvikwata zvemuno, ibasa guru uye rinombovhu­ndutsa mbichana.”

Anoti akashamisw­a zvikuru kuona zvikwata zvakawanda zvichibva kuBulawayo zvichiuya kuzokwikwi­dza mumakwikwi aya pane zvemuHarar­e.

“DSTV ine vanoitever­a vakawanda muAfrica yese saka ndinoziva kuti isu sezvizvarw­a zvemuZimba­bwe tinofanirw­a kutora mukana uyu toushandis­a.

“Zvinotibat­sira kurakidza tarenda riri muno kwete muZimbabwe chete asi kuAfrica yese, zvichitari­dza kuti tiri vanhu vakanaka sei uye nekunaka kwenyika yedu,” anodaro.

Selmor parizvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechitanha­tu iro achaparurw­a gore rinotevera nemusi wa31 Ndira uye rakabikwa naSteve Dyer.

 ??  ?? SELMOR Mtukudzi
SELMOR Mtukudzi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe