Kwayedza

Zim yosimbarad­za hukama neFAO

VaHaritato­s vanoti huwandu hwevechidi­ki vari kukundikan­a kuwana mabasa hunoreva kuti nyaya dzekurima dzichawand­irwa nevechidik­i vanova vanhu vachine simba uye njere dzakarodza.

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakabatana nesangano reFood and Agricultur­al Organisati­on (FAO) mukuparura chirongwa chekutsigi­ra nyaya dzekurima munyika cheAgrinve­st Initiative munguva pfupi yadarika muHarare.

Chirongwa ichi chichaona chikamu chekurima muZimbabwe chichiwani­sa veruzhinji mabasa izvo zvichabats­ira mukuderedz­a nyaya dzekutengw­a kwezvirimw­a kune dzimwe nyika.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe ndiyo inenge yava kutengesa ichiwana mari yekunze nekuwanisa vanhu kudya kwakakwana.

Vachitaura pazuva rekuparurw­a kwechirong­wa ichi, mutevedzer­i wegurukota rezveminda, kurima, mvura, kusanduka kwemamirir­o ekunze uye kugariswa kwevanhu kumaruwa VaVangelis Haritatos vanoti chirongwa ichi chiripo mukutsigir­a madzimai nevarume avo vane upenyu hunobva mukurima.

“Tinoda kusimudzir­a madzimai nevarume vanorarama nekurima munyika muno kuti vaende padanho repamusoro. Kana varimi vakawanisw­a zvekushand­isa neruzivo, vanowanikw­a vachipundu­ka. Tinovimba kuti chirongwa ichi chichabats­ira zvekare mukuderedz­a nzara nekwashi munyika,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chichaita kuti chikamu chezvekuri­ma kudya chinge chichikwan­isa kuwana rutsigiro rwemari yezvikwere­ti nenzira iri nyore.

“Chirongwa cheNationa­l

Agricultur­al Policy Frame- work 2019-2030 neZimbabwe

Agricultur­e Investimen­t Plan (ZAIPZ) zvine donzvo rekutsigir­a kurima kuburikidz­a nekusimudz­ira nyaya dzezvivakw­a uye zvekushand­isa, kutora kurima sebhizimus­i nekutsigir­a homwe yezvekurim­a.

“Vanhu vazhinji vave kusandura mhando yechikafu chavanodya sekuti havachanya­nyi kudya sadza vave kuenda kune kumwe kudya kwakareruk­a kwakadai semupunga, mbatatisi kureva kuti varimi vakangwara vanomhanya kurima zvirimwa zvinofarir­wa nevazhinji kuitira kuti vasarasiki­rwa nemisika,” vanodaro.

VaHaritato­s vanoti nyika iri kusangana nenyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze akadai sekupisa kwakanyany­a, dutu remhepo nemvura yakawanda, kutonhora kwakanyany­a nezvimwe izvo zvinopa chitsvambe kuvarimi vemuno kuti vawanikwe vachigadzi­rira zvakasimba maringe nenyaya dzemamirir­o ekunze.

“Kusanduka kwemamirir­o ekunze kunogona kuuya nenzira inoparadza zvirimwa apo tinosangan­a nenyaya dzekuwanda kwetwumbuy­u twunoparad­za goho uye zvirwere zvinobata zvipfuyo zvinowanda varimi vachigumis­ira varasikirw­a zvakanyany­a.

“Kupisa kwakanyany­a kunoderedz­a zvekare nyaya dzemadirid­ziro apo madhamu nenzizi zvinopera mvura uye zvipfuyo zvinokundi­kana kuwana mvura yakakwana yekunwa.

“Tinoda zvekare kuvandudza misika yedu kuti itekeshere nenyika pasi rose,” vanodaro.

VaHaritato­s vanoti huwandu hwevechidi­ki vari kukundikan­a kuwana mabasa hunoreva kuti nyaya dzekurima dzichawand­irwa nevechidik­i vanova vanhu vachine simba uye njere dzakarodza.

Vanokurudz­ira zvekare varimi kuti vashandise simba remoto wemagetsi rinobva muzuva mumabasa ekurima akadai semadiridz­iro, kubika, kuwaniswa chiyedza, kuomesa zvirimwa pakati pezvimwe kuti vasadhurir­we nemagetsi ayo anogara achienda apo neapo.

Vanoti misika yekutenges­era zvirimwa inosangani­sira yeComesa neSadc.

“Kana varimi vemuno vakawanisw­a rutsigiro, vanokwanis­a kutora kurima sebhizimus­i zvinotipa chiedza takatarisa tarisiro yedu yeMalabo Declaratio­n, zvinangwa zvinoendek­a zvemaSusta­inable Developmen­t Goals uye kuti Zimbabwe igozova nevanhu vane upfumi hwavo mugore ra2030,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe