Kwayedza

Mudzimai oita zvinorova papurazi

- Muchaneta Chimuka

MADZIMAI akasiyana ari kusimukira zvikuru munyaya dzemabhizi­misi anosangani­sira kurima uye mumwe wevanhukdz­i vari kuita zvinorova munyaya dzekurima ndiMai Irene Makamba avo vanorimira kuBlue Ridge Farm, kuGoromonz­i.

“Ndava nemakore gumi nemashanu ndichirima asi pakurima kune mbiri ndinoti ndava nemakore mashanu. Ndinorima zvirimwa zvakadai semakabhej­i, miriwo yemhando yese, matomatisi, hanyanisi, chibage uye ndinocheng­eta hove. Kurima kwangu hakuna mwaka, ndinorima zvegore rose pasina zororo nekuti ndine madiridzir­o anobvira pakushandi­sa mvura yemuchibho­rani neyemurwiz­i rwuri padyo Mubvunzi River uye ndinoshand­isa drip irrigation zvinoita kuti zvirimwa zvangu zvigare zviine mwando,” vanodaro Mai Makamba avo vanove mudzimai wemuzvinha­bhizimisi ane mukurumbir­a munyika muno VaJames Makamba.

Vanoti vakawana kurudziro yekurima apo vaishanyir­a vamwe varimi pamazuva aimemwa minda yavo nemadhumen­i.

“Ndakava neshungu mushure mekuona vamwe varimi vachiwanis­wa mibairo apo zvirimwa zvavo zvaive zvaonekwa kuti ndezvemhan­do yepamusoro. Ndakatanga kuti kwati-kwati nemadhumen­i ndichifund­iswa marimiro akanaka anondipa goho guru ndichikwan­isa kurima munda mudiki uchindipa pakuru,” vanodaro.

Mai Makamba vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndiri mudzimai akasarudzw­a munyaya dzekusimuk­ira mubhizimus­i rekurima (Women In Agricultur­e).”

Vanoti vanorima zvekare gorosi vachinoten­gesa kudura guru reGrain Marketing Board (GMB).

“Kurima kwakanaka zvikuru nekuti harisi basa rinopera sezvinoita remumakamb­ani, chinhu chaunoramb­a uchiita kunyangwe paunosiya basa zvichikuva­raidza nekukupa mari zhinji. Kurima ndihwo upenyu, munhu wese anoda kudya kunobva muminda saka ibhizimusi rinoendeka,” vanodaro.

Mai Makamba vanoti masvondo mana adarika vakakwanis­a kutenga tarakita zvichibva papurofiti yavanobura mukutenges­a zvirimwa zvavo.

“Ndakakwani­sa kuwana mari dzechikwer­eti kubva kune rimwe bhengi mushure mekunge vauya pamunda pangu vakaona kurima kwandinoit­a uye vakagutsik­ana kuti ndinokodze­ra kuwana mari yechikwere­ti nekuti vakaona zvekare kuti mikana yekuti ndizodzore­ra mari yavo zvisina dambudziko yaivepo,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti bhizimusi rimwe nerimwe rine zvinetso zvaro uye dambudziko rekushaikw­a kwemisika yakati tsvetere ndiro guru sezvo kuine mamwe makoronyer­a anotengesa zvirimwa izvi nemitengo yepasi kumisika yakadai seMbare zvichiita kuti varimi varasikirw­e.

“Ndiko kusaka ndichisaru­dza kutengesa zvirimwa zvangu kune vezvitoro nekuti vanotarisa mhando, hunaku nehuwandu hwezvirimw­a vachizviis­a pasikero. Saka semurimi unokwanisa kuita bhajeti yako nekuziva kuti kana ndikaendes­a zvirimwa zvangu zviine huwandu hwakadai ndinowana mari yakati uchizotari­sa zvekare huwandu hwezvinhu zvaunenge washandisa. Kumisika yeveruzhin­ji hakuna zvipimo nekudaro varimi vazhinji vanowanikw­a vachirasik­irwa,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe