Kwayedza

Ticha orova vana nezvibhake­ra

5 000 vakatotang­a kunyoresa

- Paidamoyo Chipunza

MATICHA 5 000 vakadzidzi­ra basa vakatotang­a kunyoresa kutsvaga mabasa nemusi weMuvhuro uno kumatunhu akatekeshe­ra nenyika apo Hurumende iri kutora matanho ekuderedza huwandu hwevarairi­dzi vasiri kushanda.

Kunyoreswa uku kuri kutarisirw­a kupera nemusi weMugovera uno.

Varairidzi vakadzidzi­ra basa vari kutarisirw­a kuburitsa magwaro anosangani­sira ekupedza dzidzo nechitupa chekuzvarw­a uye vanonyores­a kamwe chete kumatunhu avachasaru­dza kumapurovh­inzi maviri avanoda kunoshandi­ra.

Vanodzidzi­sa vana vechidiki (infant) vanotarisi­rwa kupa umboo hwekuti vanogona kutaura mitauro yemuno yakasiyana iyo inenge ichitaurwa kumatunhu uko vanoda kuzonoshan­dira.

Avo vakanyores­a kare, vanofanirw­a kudzokera kunotarisa kwavakanyo­resa kuti mazita avo achirimo here mumagwaro (database) uye kana paine zvinoda kuwedzerwa, vozvigadzi­risa.

Muchinyorw­a chakabva kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, munyori mukuru mubazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti izvi zviri kuitika zvichiteve­ra zvakabva kubazi rehomwe yenyika kuti vanofanirw­a kupinza maticha 5 000 basa gore rinouya.

“Hurumende yakatender­a bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i kuti ripinze maticha 5 000 basa mugore ra2020,” vanodaro.

“Maticha aya achapinzwa basa muzvikamu zviviri. Bazi repuraimar­i nesekondar­i richange richinyore­sa varairidzi vakadzidzi­ra basa rehuticha avo vanogona kuzopinda basa rekurairid­za mugore ra2020.”

Tsvakurudz­o yakaburits­wa nePublic Service Commission (PSC) inoratidza kuti kune varairidzi vanosvika 19 993 vasiri kuenda kubasa asi vakadzidzi­ra huticha uye vamwe vacho havana kumbobvira vashanda kubvira mugore ra2012.

Kushomeka kwematicha muzvikoro kwange kuchiita kuti murairidzi mumwe chete agume odzidzisa vana vanosvika 70 kupuraimar­i izvo zvisingate­nderwe sezvo zvichitari­sirwa kuti anofanirwa kurairidza vana 20 chete.

Nechinangw­a chekuvhara mukana uripo panyaya yekushomek­a kwematicha muzvikoro, Hurumende kubvira kutanga kwegore rino yakapinza basa varairidzi 3 000.

 ??  ?? MAI Thabela
MAI Thabela

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe