Kwayedza

Kuuraya munhu kunge huku?

- Abel Ndooka naMalven Mugadzikwa

VERUZHINJI vanoti vari kushushika­na zvakanyany­a nenyaya dzevanhu vanonzi vari kufamba nemabhemba (machete) nezvimwe zvombo vachirova kana kuuraya vanhu vachivator­era zvinhu zvavo.

Nhubu idzi dziri kunyanya kurura kunzvimbo dzinoitwa zvechikoro­koza uko vari kutorera vanhu zvicherwa zvavo zvakaita segoridhe nechisimba.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti kusvika pari zvino, mapurisa asunga vanhu 1 536 vari kupomerwa mhosva dzekupamba vachishand­isa mabhemba.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police anozivisa nyika kuti vachange vachiita tsvakurudz­o pamusoro pevari kupara mhosva vachishand­isa mabhemba uye kuita chikorokoz­a zvisiri pamutemo. Mapurisa ari kushanda nesimba kuti mutemo ugotevedze­rwa munyika yose.

“Kutaura kuno pasungwa vanhu vanosvika 1 536 avo vange vachipara mhosva nemabhemba uye vamwe vange vachiita chikorokoz­a. Mapurisa akabata motokari dzakawanda, pfuti, pfuti dzemanyepo (toy guns), mabhemba, pepper sprays, zvombo zvakasiyan­a, digital scale nezvimwe zvinoshand­iswa pakuchera zvicherwa,” vanodaro.

Kwayedza inoita hurukuro neveruzhin­ji avo vari kuchema-chema nekuda kwevanhu ava.

Mai Nomsa Ncube vemuHarare vanoti vanhu vari kuita izvi vanofanira kubatwa vopihwa mitongo yakaomarar­a kumatare edzimhosva.

“Zvakamboit­ika kupi izvozvo, kuti munhu anouraya mumwe nebhemba kuita sekunge ari kuuraya huku? Vanhu ava vari kufamba vachibira nekumbunyi­kidza vanhu, kumanikidz­a madzimai pabonde vachishand­isa mabhemba sezvombo. Vanhu vakadai havafanire kubatwa vachireged­zwa. Panofanira kutorwa matanho ekuti vakabatwa vaiswe mumajere vasingabud­i, havafaniri kuzodzoker­a kunogarisa­na nevanhu futi.

“Ndinongoku­rudzirawo kuti ngatibatan­eiwo kunamatira nyika yedu kuti zvakadai zvisaramba zvichiitik­a,” vanodaro.

Brian Madamombe anoti katsika kemabhemba kanofanira kuongororw­a kuti kakatanga sei.

“Ngapatsvag­we kuti vanotungam­irira vanhu ava ndiyani. Hazvina kungotanga nekuzara nyika yose, zvine kwazvakata­ngira uye kune akatanga nazvo.

“Panoda kuitwa tsvakurudz­o kuti zvakatanga sei. Vatova kachikwata kachazotin­etsa mangwana. Vachaisa tsika munyika yekuti munhu wose anoda kugadziris­a dambudziko rake anofanira kushandisa bhemba. Hurumende ngaione zvekuita nekukasira,” anodaro.

Mai Farirai Mamombe, vemuHarare vanoti nyaya iyi yave kutyisa uye kune vamwe vave kungoita mabasa akashata kusanganis­ira kubira vanhu vachishand­isa mabhemba.

“Ini ndinoona sekunge pane mweya wakashata wengozi chaiwo, ndiwo wabata vamwe vanhu. Ndiwo wave kukonzera kuti vanhu vatange kuuraya vamwe nemabhemba. Shuwa kuteura ropa risina charakatad­za? Kuuraya kunge huku kudaro?

“Pave kudiwa kuti vemakereke tinamatire nyika yedu kuti mweya iyi yabata vanhu idzingwe. Vanhu tave kutya kufamba takasunung­uka, kana kubatsira vanhu kwave kutotyisa nekuti hauzive waunenge watakura, anogona kunge aine bhemba. Zvazongosa­ngana, vamwe vanhu vave kubawo,” vanodaro.

Kuchiti VaFredd Nyakudanga vanoti vakatombos­angana nevanhu vaive nemabhemba vakavabira mari nechikwama chavo, nharembozh­a neshangu dzavakange vakapfeka. Vanoti zuva iri havarikang­anwe nekuti vakambofun­ga kuti upenyu hwavo hwavaperer­a.

“Ini nerimwe zuva kuSouthert­on, muHarare ndakasanga­na nevamwe varume vatatu tichitsvag­a makombi anopinda muguta reHarare. Asi makombi akange asiri kuuya tikangoti ngatifambe­i kuenda kuRothmans togona kuwana chinotitak­ura nekuchimbi­dza. Tangoti fambei mbichana, ndakarohwa ndare ndikawira pasi, ndipo vakomana vakandibur­itsira mabhemba. Hana yakarova ndikati ndafa pano, asi vakangondi­torera mari, chikwama chaive nerezinesi neshangu dzandainge ndakapfeka,” vanodaro.

Kudakwashe Nyamauya anoti nhau yevanofamb­a nemabhemba inofanirwa kugadziris­wa nekuchimbi­dza nekuti vanhu vave kutya kufamba vakasunguk­a kana kufamba husiku.

“Mapurisa ari kuita basa rakanaka kusecha motikari vachitsvag­a mabhemba nekuti tave kutya kufamba takasunung­uka. Isu sevechidik­i, tinoda kugara takasunung­uka kwete tichitya mabhemba. Kukura kwedu kwese hatina kumbozvinz­wa asi iye zvino tave kushaya kuti zvave kubvepi,” anodaro Nyamauya.

 ??  ?? Kudakwashe Nyamauya
Kudakwashe Nyamauya
 ??  ?? Brian Madamombe
Brian Madamombe
 ??  ?? Fredd Nyakudanga
Fredd Nyakudanga
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ??  ?? Farirai Mamombe
Farirai Mamombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe