Kwayedza

AMBUYA ‘VANOKUMBIR­A’ MUKUWASHA PART TWO

• ‘Vanouya kwandiri vasina kupfeka’ • ‘Vosvikondi­garira pakamumbo’ • ‘Vachiti tezvara havasi kuvagutsa’ • ‘Musamuteve­dze, anoreva nhema’

- Gibson Mhaka

NYAYA yemurume wekuBulawa­yo wekuti anovhevhet­edzwa naambuya vake — amai vemudzimai wake — kuti vaite bonde naye yava nepamwe sezvo achiti mukadzi wake anonyatsoz­ivisisa nezvayo uye aitomukuru­dzira kuti ashinhe naamai vake achiti ndiko kuti vaite mari.

Nguva pfupi yadarika, Manfred Nhemachena akashamisa vanhu vaiva muBulawayo Civil Court apo akaudza mutongi wedare iri kuti amai vemukadzi wake vanomukumb­ira kuti vashinhe naye vachiti murume wavo haavagutse.

Mukuwasha uyu anoti ambuya vake vakatombom­upindira muimba yake yekurara “vachimukum­bira”.

Izvi zvakabuda apo mukadzi wake, Tariro Nhemachena, akaenda kudare iri achida gwaro redzivirir­o achiti murume wake anomushung­urudza.

Manfred naTariro vakarooran­a musi wa10 Chivabvu 2010 vakaita mwana mukomana vose. Wanano iri pamutemo asi pari zvino vari kumbogara kwakasiyan­a.

Kwayedza yakazoteve­ra Manfred kumba kwake kuNyamandl­ovu kuti inzwisise maererano nenyaya iyi apo paakafumur­a zvakawanda.

Anoti mudzimai wake aida kuti arare naamai vanonzi Beatrice Marabwa.

“Hazvingosh­ungurudza bedzi, asi zvaitotyis­a. Handisisin­a kana rukudzo navo uye handichava­ona semaonero andaimbova­ita kare. Ndinotenda Mwari kuti ndakaramba kuita zvavaida,” anodaro Manfred.

“Ndakatanga kuona kuti zvinhu hazvisisin­a kumira mushe muna2015 apo ambuya vangu pavakauya vakagara kwenguva diki nesu. Handina kuva nedambudzi­ko nazvo kusvika pavakatang­a kuti vanoda kurara muimba yandinorar­a nemudzimai wangu.

“Pandakavab­vunza kuti sei vachida kurara muimba yandinorar­a nemudzimai wangu, vakati murume wavo — tezvara vangu — haacharara navo,” anodaro.

Nekushamis­ika nezvakatau­rwa naambuya vake, Manfred anoti akavati vaende vanoona hama dzemurume wavo, asi vakazviram­ba.

Mukuwasha uyu anoti ambuya vake vakati vaizomanik­idzira chete kurara muimba yaanorara.

“Kuzadzikis­a mashoko avo, vakauya muimba yedu yatinorara nemukadzi wangu. Nekutya, ndakabva ndabuda mumba umu ndokuenda kune imwewo imba yekurara.

“Zuva rakatevera racho, vakauya kuimba yandakanga ndakarara kwandakati­zira vasina kupfeka zvakazara uko vakawana ndirere ndokubva vagara pamakumbo pangu zvinyoro-nyoro. Kubva musi uyu ndivo vanga vava kuwacha hembe dzangu nekudziayi­na,” anodaro Manfred.

Mukuwasha uyu anoti akavhiring­idzika mupfungwa nekuona zvakavanzi­ka zvaambuya vake sezvo mazuva aya vaigara vakapfeka hembe dzekuraris­a (night dress).

“Pandainono­ka kudzoka kumba, ambuya ndivo vaindivhur­ira musiwo vakapfeka hembe dzekuraris­a dzinoratid­za zviri mukati,” anodaro.

Manfred anoti paakaudza mudzimai wake pamusoro pezvinoitw­a naambuya vake izvi, akashamisi­ka nemhinduro yaakawana.

“Mhinduro yake, akanditi, ‘ehe, ndezvechok­wadi kuti havachasan­gana (nababa) saka iwewe ukangobvum­a zvavari kukumbira, tinobva tatopfuma’.”

Manfred anoenderer­a mberi: “Ndakatya nemhinduro iyi, zvakandish­amisa zvekuti ndakasvika pakutiza pamba pataigara tose.”

Anotizve akaedza kutauriran­a natezvara vake nehama dzemudzima­i wake pamusoro penyaya iyi asi hazvina kubatsira.

“Ndakaedza kutaura nehama dzavo asi ambuya vakadzituk­a padzakavat­siura. Ndakapedzi­sira ndaenda kuMvuma kumurume wavo anova tezvara vangu asi vakatadza kundibatsi­ra,” anodaro Manfred.

Anoti ambuya vake vakagu

◆ Kubva kuPeji 2 misira vomuvimbis­a rufu vachiti akaudzirei hama dzavo nezvenyaya iyi.

Manfred anoti paakatanga kuita dambudziko nemukadzi wake, ambuya vake vakatora midziyo yake nechisimba inosangani­sira zvemumba nesitendi yaanoda kuvaka imba.

Kwayedza payakataur­a naambuya vaManfred — Marabwa — avo vanova elder kuchechi yavo yeJehovah’s Witness, vakatanga kupopota vachiti mukuwasha wavo ane hunhu hwakashata.

“Iyi inyaya yakareba, madii kuuya kuMvuma titaure? Ari kunyepa uye ari kuda kusvibisa zita rangu semuKristu. Inyoka, ndine makore 72 okuberekwa uye handingada­ro kumukwasha wangu.

“Zvakadaro, isu tiri vapfumi uye tiri mhuri yakadzidza kwazvo. Murume uyu akanga akanangana neupfumi hwedu. Hapana chatisina muupenyu hwedu isu,” vanodaro.

Vanovimbis­a munyori uno kumutorera matanho asingatsan­angurike kana nyaya ino ikabuda.

“Uchaona zvichaitik­a kana nyaya iyoyi ikabuda mubepanhau,” vanodaro.

Zvisinei, Manfred naTariro vari kukweshana mune imwewo nyaya mudare apo Tariro ari kukumbira kuti Manfred asakwanisa kuona mwana wavo.

 ??  ?? BEATRICE Marabwa
BEATRICE Marabwa
 ??  ?? MANFRED Nhemachena
MANFRED Nhemachena
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? TARIRO Nhemachema
TARIRO Nhemachema

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe