Kudzivirira hudyi hwegonye reFAW
Tichishandisa hunyanzvi hwekukwezva nekudzinga gonye [Push-Pull Technology]
Fall Army Worm igonye rinoparadza chibage zvakanyanya uye kana rikasadzivirirwa rinokwanisa kuparadza kana kukamura goho remurimi. Kubva mugore ra2016 varimi varikutambudzwa negonye irori muZimbabwe nenyika zhinji muAfrica zvinoita kuti vamwe vashandise mishinga anodhura pamwe nekukanganisa utano hwevanhu, zvipfuyo kana tupukanana neivhu. Zvakaonekwa kuti mishonga iyoyo akaramba achishandiswa anopedzisira yokundika kuuraya gonye irori zvokonzera kukura kwedambudziko regonye.Zvadaro pavakudikanwa nzira dzekudzivirira gonye irori dzisingakanganise ivhu, nharaunda nemamiriro ekunze.Urongwa hwe Push pull hunotipa nzira yakarongeka pakudzivirira gonye reFall Army Worm tichishandisa zvirimwa kudzinga nekukwezvera gonye kunze kwembesa dzedu dzechibage nemapfunde. Nzira iyi yakaonekwa kuti haikanganise zvimwewo zvisikwa pakudzivirira gonye reFall Army Worm rinova ratekeshera munyika zhinji dzemuAfrica. Nzira iyoyi yakaonekwa zvakare kuti yakakosha pakusimudza utano hweivhu zvipfuyo nevanhu. Urongwa hwePush Pull hunoitwa kuburikidza nekurima chibage kana Mapfunde akadhihwaniswa nechirimwa chelegume chinonzi Desmodium chiinowanikwa pamhando inonzi Silver leaf neGreen leaf. Desmodium inodzinga gonye reFall Army Worm rinobudisa hukorwa hunodzinga makonye pachibage kana Mapfunde. Chirimwa ichi cheDesmodium chinoshanda pamwechete nechirimwa che Brachiaria chinova uswa hunoshandiswa sechikafu chezvipfuyo. Brachiaria ikadyarwa yakakomberedza munda wedu wechibage kana mapfunde, inokwezvera mashavishavi(moth) eFAW kwairi achibva mumunda. Brachiaria inokwezva shavishavi reFAW nekuti rine mashizha akanyanyosvibira, rinokwezva makonye kubva kuChibage kana Mapfunde obva akandira mazai mairi. Asi uswa ihwohwo hunokanganisa kuchochonywa kwemazai egonye reFAW zvinova zvinoritadzisa kuwanda.Nekudaro kudzingwa kwemakonye nechirimwa cheDesmodium nekukwezvwa kunoita gonye nechirimwa cheBrachiaria ndizvo zvinodzivirira kuparadzwa kweChibage kana Mapfunde negonye reFAW. Tsvagurudzo dzakaitwa kunyika yeKenya neUganda dzinoratidza kuti pane kuparadzwa kushoma shoma kwezvirimwa mumunda unenge washandiswa hurongwa hwePush Pull kana tichienzanisa neusina kushandiswa urongwa ihohu. Pamusoro paizvozvo zvakaonekwa zvekare kuti Desmodium rinopa Naitirojeni ingangosvika 100 kgs pahekita kuivhu uyezve rinoparadza rimwe sora rinokanganisa zvirimwa. Desmodium inoshanda zvekare pakuparadza sora rinonzi bise muChibage. Desmodium inoshandawo sechikafu chezvipfuyo chakanaka zvikuru. Desmodium inogonawo kusanganiswa nemashanga eChibage, Mapfunde, kana Brachiaria yopihwa zvipfuyo muchirimo. Kudzivirirwa kwegonye reFAW Muchibage nekuvandudzwa kweivhu kunoita kuti varimi vakohwe pakuru uyezve kunotapudza kushandiswa kwemishonga pakurima zvinova zvinoparadza mari yemurimi yakawanda.Kuvandudzwa kweivhu nekuwana chikafu chezvipfuyo ndezvimwe zvezvinobatika zvakaunzwa nehurongwa hwePush Pull mukurima Chibage neMapfunde. Chirongwa che Push Pull muZimbabwe chakaunzwa nesangano rinobata pasi rose rinoona nezvetupukanana reicipe richibatsirwa nevabatsiri vaviri vemuZibabwe. Pane ve (KURDO) rinova sangano rakazvimirira remuZimbabwerakagadzirwa nezvizvarwa zveZimbabwe rine chinangwa chekusimudzira varimi munzvimbo dzakasarira kuMasvingo. KURDO yakagadzira minda yakawanda yekupa zvidzidzo kuvarimi uyezve yavekuparadzira zivo pamusoro pehurongwa hwePush Pull uye Mukushi Seeds (pvt) Ltd inova kambani yakazvimirira yemuZimbabwe inogadzira nekutengesa mbeu zhinji dzakasiyanasiyana inovazve irikugadzira mbeu yeDesmodium neBrachiaria. Mukushi inogadzirawo zvakare nekutengesa mbeu yechibage yemhando yemahybrids inokwanisa kushandiswawo pahurongwa hwePush Pull