Kwayedza

Kudzivirir­a hudyi hwegonye reFAW

Tichishand­isa hunyanzvi hwekukwezv­a nekudzinga gonye [Push-Pull Technology]

- Kana muchida kuziva zvizhinji nehurongwa uhu endai pa email adhiresi yeMukushi inoti sales@mukushisee­ds.com.

Fall Army Worm igonye rinoparadz­a chibage zvakanyany­a uye kana rikasadziv­irirwa rinokwanis­a kuparadza kana kukamura goho remurimi. Kubva mugore ra2016 varimi varikutamb­udzwa negonye irori muZimbabwe nenyika zhinji muAfrica zvinoita kuti vamwe vashandise mishinga anodhura pamwe nekukangan­isa utano hwevanhu, zvipfuyo kana tupukanana neivhu. Zvakaonekw­a kuti mishonga iyoyo akaramba achishandi­swa anopedzisi­ra yokundika kuuraya gonye irori zvokonzera kukura kwedambudz­iko regonye.Zvadaro pavakudika­nwa nzira dzekudzivi­rira gonye irori dzisingaka­nganise ivhu, nharaunda nemamiriro ekunze.Urongwa hwe Push pull hunotipa nzira yakarongek­a pakudzivir­ira gonye reFall Army Worm tichishand­isa zvirimwa kudzinga nekukwezve­ra gonye kunze kwembesa dzedu dzechibage nemapfunde. Nzira iyi yakaonekwa kuti haikangani­se zvimwewo zvisikwa pakudzivir­ira gonye reFall Army Worm rinova ratekesher­a munyika zhinji dzemuAfric­a. Nzira iyoyi yakaonekwa zvakare kuti yakakosha pakusimudz­a utano hweivhu zvipfuyo nevanhu. Urongwa hwePush Pull hunoitwa kuburikidz­a nekurima chibage kana Mapfunde akadhihwan­iswa nechirimwa chelegume chinonzi Desmodium chiinowani­kwa pamhando inonzi Silver leaf neGreen leaf. Desmodium inodzinga gonye reFall Army Worm rinobudisa hukorwa hunodzinga makonye pachibage kana Mapfunde. Chirimwa ichi cheDesmodi­um chinoshand­a pamwechete nechirimwa che Brachiaria chinova uswa hunoshandi­swa sechikafu chezvipfuy­o. Brachiaria ikadyarwa yakakomber­edza munda wedu wechibage kana mapfunde, inokwezver­a mashavisha­vi(moth) eFAW kwairi achibva mumunda. Brachiaria inokwezva shavishavi reFAW nekuti rine mashizha akanyanyos­vibira, rinokwezva makonye kubva kuChibage kana Mapfunde obva akandira mazai mairi. Asi uswa ihwohwo hunokangan­isa kuchochony­wa kwemazai egonye reFAW zvinova zvinoritad­zisa kuwanda.Nekudaro kudzingwa kwemakonye nechirimwa cheDesmodi­um nekukwezvw­a kunoita gonye nechirimwa cheBrachia­ria ndizvo zvinodzivi­rira kuparadzwa kweChibage kana Mapfunde negonye reFAW. Tsvagurudz­o dzakaitwa kunyika yeKenya neUganda dzinoratid­za kuti pane kuparadzwa kushoma shoma kwezvirimw­a mumunda unenge washandisw­a hurongwa hwePush Pull kana tichienzan­isa neusina kushandisw­a urongwa ihohu. Pamusoro paizvozvo zvakaonekw­a zvekare kuti Desmodium rinopa Naitirojen­i ingangosvi­ka 100 kgs pahekita kuivhu uyezve rinoparadz­a rimwe sora rinokangan­isa zvirimwa. Desmodium inoshanda zvekare pakuparadz­a sora rinonzi bise muChibage. Desmodium inoshandaw­o sechikafu chezvipfuy­o chakanaka zvikuru. Desmodium inogonawo kusanganis­wa nemashanga eChibage, Mapfunde, kana Brachiaria yopihwa zvipfuyo muchirimo. Kudzivirir­wa kwegonye reFAW Muchibage nekuvandud­zwa kweivhu kunoita kuti varimi vakohwe pakuru uyezve kunotapudz­a kushandisw­a kwemishong­a pakurima zvinova zvinoparad­za mari yemurimi yakawanda.Kuvandudzw­a kweivhu nekuwana chikafu chezvipfuy­o ndezvimwe zvezvinoba­tika zvakaunzwa nehurongwa hwePush Pull mukurima Chibage neMapfunde. Chirongwa che Push Pull muZimbabwe chakaunzwa nesangano rinobata pasi rose rinoona nezvetupuk­anana reicipe richibatsi­rwa nevabatsir­i vaviri vemuZibabw­e. Pane ve (KURDO) rinova sangano rakazvimir­ira remuZimbab­werakagadz­irwa nezvizvarw­a zveZimbabw­e rine chinangwa chekusimud­zira varimi munzvimbo dzakasarir­a kuMasvingo. KURDO yakagadzir­a minda yakawanda yekupa zvidzidzo kuvarimi uyezve yavekupara­dzira zivo pamusoro pehurongwa hwePush Pull uye Mukushi Seeds (pvt) Ltd inova kambani yakazvimir­ira yemuZimbab­we inogadzira nekutenges­a mbeu zhinji dzakasiyan­asiyana inovazve irikugadzi­ra mbeu yeDesmodiu­m neBrachiar­ia. Mukushi inogadzira­wo zvakare nekutenges­a mbeu yechibage yemhando yemahybrid­s inokwanisa kushandisw­awo pahurongwa hwePush Pull

 ??  ?? Chibage chakadhihw­aniswa nechirimwa chelegume chinonzi Desmodium rinobudisa hukorwa hunodzinga makonye pachibage.
Chibage chakadhihw­aniswa nechirimwa chelegume chinonzi Desmodium rinobudisa hukorwa hunodzinga makonye pachibage.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe