Kwayedza

Musaregere­re mbavha dzemabhemb­a

-

MUZIMBABWE pari zvino mune nyaya yazengezan­a kumativi ose enyika — nyaya yemakororo, mbavha kana kuti mhondi dziri kufamba dzakapakat­ira mabhemba nezvimwe zvombo dzichipamb­a zvinhu, kukuvadza kana kuponda vanhu vanenge vachizvish­andira kana kuti vakazvigar­ira murunyarar­o.

Makororo aya ari kunyanya kuonekwa kunzvimbo dzinoitwa zvechikoro­koza mumigodhi uko ari kupamba goridhe nezvimwe zvicherwa kubva kuvanhu vari kuzvishand­ira.

Mapurisa pari zvino anoti asunga vanhu vanodarika 1 500 avo vari kupomerwa mhosva dzakasiyan­a vachishand­isa mabhemba nezvimwe zvombo. Vamwe vevakasung­wa vakatotong­wa kumatare edzimhosva ndokupotse­rwa mumajeri.

Ngavanowor­era ikoko nekuti ndiko kwavakakod­zera!

Basa riri kuitwa nemapurisa mukusunga vanhu ava rinofanira kurumbidzw­a.

Zvakakosha kuti veruzhinji vashande pamwechete nemapurisa mukuona kuti nhubu idzi dzasungwa.

Tinodaro nekuti vanhu ava vatekesher­a kunzvimbo dziri kumativi ose enyika, kusanganis­ira mumaguta nemadhorob­ha.

Vamwe vacho vanonzi vanoroja mumarukish­eni uye varidzi vedzimba dzavanenge vachigara vanotoziva nezvavo asi havadi kubuda pachena nekuda kwezvikonz­ero zvinosanga­nisira kuti nhubu idzi dzinobhadh­ara rendi nemari yekunze yakawandis­a.

Kwete, hazvina kunaka kuvigiridz­a vanhu vakadai nekuti injodzi kune veruzhinji nekuda kwemabasa avanoita.

Iwe uri kumuchenge­ta, ko mangwana akakupandu­kira? Nguva pfupi yadarika, pane chikwata chemakoror­o anofamba nemabhemba chinonzi chakadzidz­ana kubata chibharo chembere yekuChegut­u yaive nemakore 80 okuberekwa pamwechete nemuzukuru wayo aiva nemakore 16.

Chembere iyi nemuzukuru wayo vose vakazourai­wa nemhondi idzi. Zvinosirir­isa kuona vanhu vachirasik­irwa neupenyu hwavo nenzira dzakadai.

Chikwata ichi chinonzi chakasiya charova zvakare pamwe nekukuvadz­a zvakaipisi­sa vamwe vana vatatu vemumhuri iyi.

Kune mamwe mavhidhiyo anorovesa hana ayo ari kutenderer­a pamadandem­utande anosangani­sira WhatsApp achiratidz­a vanhu vachipondw­a sehuku nemabhemba.

Kwete, katsika aka kanofanira kupedzwa nekuchimbi­dza nekuti upenyu hwemunhu hunokosha.

Makororo aya ngaaratidz­we kuti zvaari kuita hazvitende­rwe zvachose muZimbabwe nekuti tiri vanhu vakasunung­uka, vane hunhu, vanofarira runyararo uye vasingaziv­ikanwe nekupara mhosva, asi kuti nerudo.

Mamwe emakororo ari kufamba nemabhemba aya anosvika 50 nguva pfupi yadarika akaenda pakamba yemapurisa yeGokwe North Police Base, kuGokwe, achida kuti vamwe vavo vainge vasungwa vasunungur­we.

Mapurisa akatozorid­za pfuti mushure mekunge chikwata chevanhu ava charamba kubva pakamba iyi zvikaita kuti vamwe vacho vakuvare uye ndokuzosun­gwa.

Mbavha kuda kutora kamba yemapurisa?

Munyika ipi iyoyo?

Zviri pachena kuti makororo aya ave kutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo.Chokwadi vanhu vangafurir­ane kuenda kukamba yemapurisa vachida kuti vamwe vavo vasungwa vachipomer­wa mhosva vasunungur­we?

Nyika ino ine mitemo inofanirwa kutevedzwa nekuremeke­dzwa kwete kuti vanhu vaswere vachiita madiro aJojina.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe