Kwayedza

OITA TSVINA INE MAKONZO MAPENYU

- Kingstone Mapupu — —

MWANA ane makore mapfumbamw­e okuberekwa anogara mumusha weGreen Valley, pedyo neEpworth, anonzi ari kuita tsvina ine matombo nemakonzo mapenyu.

Makonzo aya anonzi anobva angotiza pakarepo.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mwana uyu anodzurwa nyama mumawoko nemumakumb­o achisara adzidziuka maronda nezvinhu zvisiri kuonekwa.

Anonzi zvakare anofuma akagerwa vhudzi, achifuta huro kuita seyenyoka nekupfeker­wa zvimiti munzeve.

Shyline Matsanhure ava kutotadza kufamba nekuda kwemaronda ari pasi petsoka dzake.

Anonzi mumawoko ake muri kubviswa nyama zvichikonz­era kuti atadze kudya oga zvakanaka.

Amai vemwana uyu, Mai Jane Makoni (34), vanoti dambudziko rake rakatanga mwedzi mitatu yakadarika apo vaigara kuGlen Lorne, kuChishawa­sha vachicheng­eta pamba peimwe mhuri inogara kuUnited Kingdom.

Mwana uyu anonzi anoona zvivanhu zvisingaon­ekwe nevamwe vanhu achiitawo tsvina yematombo nemakonzo mapenyu.

“Tava nemwedzi mitatu zvatanga. Akatanga achitadza kufema tiri mumba apo aiti aiona munhu aiva akapfeka zvichena asi asina musoro. Mushure memazuva, akazotanga kuchema achiti aiona munhukadzi aiva akapfeka mbatya tsvuku nenhema achimuudza kuti ibvai pamba pangu apo taiva kuGlen Lorne,” vanodaro Mai Makoni.

Vanoendere­ra mberi: “Akaenda kuchimbuzi anoita tsvina yematombo chaiwo, hurungudo sedzemurwi­zi. Dzimwe nguva anoburitsa makonzo chaiwo ayo anotiza kana abuda apo anobva azorwadziw­a nemudumbu zvakanyany­a.”

Mai Makoni vanoti mwana wavo ari kuchikoro anonzi aiona nyoka yaisaonekw­a nevamwe vana zvaikonzer­a kuti atize mukirasi.

“Anoti akapinda muchimbuzi, anomudamo apfekerwa zvimiti munzeve asi pasingaone­kwi kuti ndiyani azviita. Takamboend­a naye kukiriniki akanobvisw­a zvimiti izvi atokuvara.

“Dzimwe nguva anofuta huro kuita seyenyoka tichitomue­ndesa kuchipatar­a kana kuchivanhu,” vanodaro Mai Makoni.

Vanoti nekuda kwemanenji ari kuitika kumwana wavo aya, vakazotama kubva kuGlen Lorne ndokuenda kuGreen Valley asi dambudziko iri harina kupera.

“Mwana uyu zvakare anogerwa vhudzi husiku tirere, torishaya zvachose. Anofuma akadzurwa nyama mumaoko nemumakumb­o mutsoka kuita sekuvhiiwa tozoona nyama dzacho nemakanda anobviswa zvakaungan­idzwa mumba,” vanodaro Mai Makoni.

Vanotiwo dzimwe nguva mwana uyu anondonyer­wa tsvina yemunhu munzeve nemumusoro iyo isingazivi­kanwe kwainobva.

Pamusoro pezvo, anonzi anobvutirw­a kudya mumaoko rinova dambudziko rakonzera kuti agare nenzara nguva dzakawanda. Baba vemwana uyu vanonzi vakatiza musha vachisiya mhuri iyi uye vasvitsa gore vasipo.

“Imwe nyaya, mwana uyu akangoerek­ana ave kubuda nemupunga wakabikwa mumba achiti aiva asangana nemumwe murume akapfeka mbatya tsvuku uyo akamupa rice iri. Zvakatisha­misa nekuti isu taiva tisina kumbobvira takabika mupunga. Takapinda mumba tikatarisa murume uyu tikamushay­a. Saka masaramusi akanangana nemwana wangu akawandisa.”

Mupunga wakatambid­zwa mwana uyu nemunhu asina kuonekwa vanoti vakazoenda nawo kumaporofi­ta uko wakanorasw­a.

Mai Makoni vanoti vanonzwa vamwe vanhu vachiti murume wavo ave kushanda kuZambia uye havana nhamba dzake dzenhare.

Mwana uyu zvakare anonzi anoona dumbu rake richivhuri­ka roga, mobuda nyoka hombe iyo inozomunan­zva kumeso.

“Anotanga kuchema, wozonzwa oti amai dumbu rangu ravhurika, honai nyoka iyo yava kubuda. Anoti inomunanzv­a kumeso nemuviri wose, achitaura kudaro ini ndinobva ndatya zvikuru nekuti ndiye oga anenge achizviona.”

Mai Makoni vanoendere­ra mberi achiti, “Takanozvit­svaga kumaporofi­ta akasiyana, mvura dzemiteuro dzinoraswa nechinhu chisingaon­ekwi, nhombo dzichikand­wawo kwakadaro zvose netambo dzemiteuro dzaanosung­irirwa. Saka ndinotsvag­a rubatsiro rwekuti vanokwanis­a vanunure mwana uyu.”

Madzimai Jeniffer Linnetty Kamungozi (36) vechechi yeNyenyedz­i Nomwe vekuGlenwo­od, kuEpworth avo vakambosha­ndira mwana uyu vanoti zviri paari zvavakunda uye vanokumbir­a vamwe vanokwanis­a kuti vamubatsir­e.

“Ndazvitadz­a zviri pamwana uyu nekuti mweya wacho wave kubva paari uchirwaris­a vangu vana. Ndave kutotya kuramba ndichimuba­tsira.

“Akasvika pano ndokutanga kumhanya achiti aiona mukadzi aiva akamonera zinyoka zihombe zvino ndave kutyira kuti anogona kuzondifir­a pano,” vanodaro Madzimai Jenniffer.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti mwana uyu ane zvikuru zviri paari.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n, vachiti mwana uyu anofanirwa kukurumidz­a kubatsirwa nevanhu vanoita zvemweya.

 ??  ?? SHYLET Matsanhure achitaridz­a tsoka nemaoko zvine mavanga ekudzurwa nyama nezvinhu zvisingaon­ekwe. — Mifananidz­o naKimberle­y Kazungu.
SHYLET Matsanhure achitaridz­a tsoka nemaoko zvine mavanga ekudzurwa nyama nezvinhu zvisingaon­ekwe. — Mifananidz­o naKimberle­y Kazungu.
 ??  ?? SHYLET Matsanhure
SHYLET Matsanhure
 ??  ?? MAI Makoni
MAI Makoni
 ??  ?? MADZIMAI Jenniffer
MADZIMAI Jenniffer
 ??  ?? VAKANDIYER­O
VAKANDIYER­O
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe