Kwayedza

Mudzimai hutu ne’muzukuru’ wekubasa

- Nyasha Bvudzijena

MURUME wemuHarare anoti akaitwa zvinorova nemudzimai wake uyo akaunza chikomba chake kuti achipinze basa pakambani yake achiti muzukuru wake.

Clive Togara akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Tatenda Tashaya achiti akamutorer­a mudzimai wake uye pamusoro pezvo, ari kumushungu­rudza.

Mutongi Tilda Mazhande anoti vaviri ava vadzoke kudare munguva inotevera apo achapa mutongo wake.

“Mukomana uyu ndakashand­a naye ndisingazi­ve kuti aisara achishinha nemudzimai wangu pandainge ndisipo ndaenda kunohodha kunze kwenyika uye ndakatozoz­viziva nhumbu yazvarwa yemwana ainzi ndewangu wechipiri,” anodaroTog­ara.

Anoti haasisina rugare sezvo Tashaya achifamba achiparidz­ira mashoko akaipa pamusoro pake kuvanhu izvo zvave kukonzera kuti atadze kushanda nevamwe zvakanaka sezvo ava kutumidzwa mazita emadunhuri­rwa.

“Inini handisi kuda kuona mukomana uyu pedyo neni, kana kuuya pandinosha­ndira nekuti ndikamuona ndinonzwa kurwadziwa nekukangan­isa kwaakaita upenyu hwangu. Vaindibira mari nemudzimai wangu iyo yavakazosh­andisa kutanga bhizimusi ravanaro nhasi,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tashaya anoti Togara anorwadziw­a kuti akaroorere­i aimbova mudzimai wake nekudaro vanogara vachinetsa­na.

“Ndakaroora aimbove mudzimai wake uye tatova nevana vaviri tose saka zvinomurwa­dza. Hazvigone kuti andirambid­ze kushandira pandinoda nekuti ndinenge ndichida kuraramisa mhuri yangu,” anodaro Tashaya. Anoti Togara ane godo neupenyu hwake uye anorwadziw­a nekuti ari kugona kuriritira mhuri zvakanaka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe