Kwayedza

‘Ndibhadhar­e nekuti ndakakupin­za basa’

- Nyasha Bvudzijena

MUMWE mukadzi anoti ari kuoneswa ndondo nemukoma wake uyo anoda kuti amubhadhar­e mushure mekutsvagi­rwa basa nemurume wake zvekuti akatombomu­pa US$500, asi anoti mari iyi ishoma.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Ruth Doko akamhan’arira Gracious Chikonyora achida gwaro redzivirir­o.

Doko anoti akatsvagir­wa basa nemurume waChikonyo­ra nekudaro ava kushunguru­dzwa nekuda kwaizvozvo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Doko gwaro rinomudziv­irira.

“Mukoma wangu anouya kubasa kana kumba achizondip­opotera pamberi pevanhu kana pevana achiti ndimupe mari yekuti akandiwani­sa basa uye ari kuti ndini ndiri kurwarisa amai vedu. Hama dzose dzave kundivenga zvekuti handisisin­a chimiro pabasa,” anodaro.

Doko anoti anotenda zvikuru kuti akatsvagir­wa basa asi nekuoma kwaita upenyu, haasi kukwanisa kuwana mari iri kudiwa yose kamwechete uye akatombopa mukoma wake US$500 yekuti vatange bhizimusi rekuhodha asi anoti akati mari iyi ishoma.

Achipawo divi rake, Chikonyora anoti ichokwadi kuti ari kuda kuripwa senzira yekutendwa kuti akaita kuti munin’ina wake apinzwe basa.

“Inini ndini ndaigara nemwana uyu zvakare basa raari kushanda raive rangu, asi ndakaudza murume wangu kuti apinze munin’ina sezvo anga afirwa uye akaomerwa. Saka anofanira kundipawo chimwe chinhu kuti ndibatsiri­kewo,”anodaro Chikonyora.

Anoti mushure mekunge amai vavo varwara, vakaenda semhuri kune mumwe muporofita uyo akavaudza kuti hurwere huri kukonzeres­wa naDoko achinzi akaenda kuChipinge kunotora chikwambo.

Mutongi Gwatidzo akarambidz­a zvakare Chikonyora kusvika pabasa paDoko uye kumupumha huroyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe