Kwayedza

Uri kuenda kupi usina tauro, toothbrush kana pfungwa?

-

HUKAMA ndiyo simende inotibatan­idza sevanhu vatema, asiwo ihwo hukama uhwu hunomborem­a nekudzima magetsi muhupenyu hwedu kunyanya munguva dzino dzatiri.

Mumwe mudzimai akati: “Tete, hanzvadzi yababa vangu vakangoere­kana vauya kuzotiona vasina kana kufona. Vakauya nevazukuru vavo vaviri, vana vemubvana wavo akashaya. Handina kukwanisa kuvabvunza kuti muri kuuya kuzotiona muchadzoke­ra riinhi nekuti zvinhu zvakanga zvakatotio­merawo semhuri.

“Asi sevanhu vakauya vasina mabhegi anoshamisa, ndakangofu­nga kuti vari kurara, vofuma vachienda. Pavakasvik­a, takamhanya-mhanya kuti tivatsvagi­rewo husavi huri nani pane zvatakanga tagara tichibika.

“Asi tete nevazukuru vavo vakagara kubva Mugovera wavakasvik­a, vakaswera nesu Svondo, Muvhuro, Chipiri, Chitatu, China, Chishanu tikabata zvakare mumwe Mugovera. Asi patakasvik­azve pane mumwe Mugovera, ndakanga ndave kugomera.

“Imba yedu idiki zvekuti takanga tave kutoparadz­a marariro anoita munhu wese kuti zvinhu zvifambe. Hondo yakange yave pakubika, nekuti isu kumba kwedu tine madyiro atinoita ebhajeti. Tinonoka kudya zvemangwan­ani kuitira kuti tibva tangobatan­idza nekudya kwemasikat­i. Kana tadaro, tinozoona zvekudya manheru.

“Asi nekuti pakanga pave nevaenzi, ndakatanga kubika mangwanani, masikati nemanheru. Ndakamboed­za kutaura nechibhend­he kuti vaone kuti vakanga vandiomese­ra, asi vakanga vasina basa nazvo. Zvese izvi zvakanga zvichiitik­a kumaraini kwedu kusina mvura yekanzuru, saka nekuwanda kwevanhu ndakanga ndichienda kuchibhora­ni kasingaper­e.”

Ndinonzwir­a mukadzi uyu tsitsi. Nguva ino yatiri yakaoma kana ukashanyir­wa nevaenzi. Handisi kutaura vaenzi vaye vanongouya vogara-gara vobva vawoneka, kwete.

Ndiri kutaura vaenzi vanouya kwesvondo rese zvekuti munofanira kufunga kuti movapei chekudya.

Hameno chiri mumunhu mutema chinoita kuti kana washanyirw­a ushaye pekubata uchida kuti vaenzi vako vanzwe kugamuchir­wa. Kana kuri kumusha, vaenzi ndivo vanoita kuti huku iye yava kutanga kurarira mazai iatorerwe. Ko vaenzi vanonetsak­a kuti udye navo sadza nemuriwo!

Vaenzi munguva dzino dzatiri vanokuwana­i makabuda mubhajeti, asi vanogona kukusiyai matsikwa nebhazi rebhajeti, mukatyoka makumbo. Tinogona kuvararisa mukicheni, asi havazvione kuti vamanikidz­a vanhu. Hatikwanis­e kuvadyisa poriji. Vaenzi vanotoda iri svutugadzi­ke ine chingwa chine majarini.

Kana uri muenzi zvinoda kuti umbofunga pamusoro pehama dzauri kushanyira. Asi chandinozi­va ndechekuti dzirikowo hama dzakapihwa chipo chekuita kunge vasingaone kutambudzi­ka nekumaniki­dzika kwevamwe nekuda kwavo.

Ndinofunga kuti yasvika nguva yekuti vaenzi kana tichishany­a kwemazuva anodarika maviri tisabatiri­re kutsumo yakare inoti “Mweni haapedze dura.” Vaenzi venguva dzino dzatiri vakadarika mazuva maviri vanotopaza dura zvekuti vanokusiya­i musisina rudo.

Chiri kuitika ndechekuti kurarama kwevanhu kwave kufambiran­a nemari yakabhajet­wa. Mari yechikoro, mari yekanzuru, mari yekombi, mari yemagetsi, mari yehuni, mari yemupunga.

Mupunga hauchasham­isira sezvawaiit­a kare nekuti watochipa kudarika kutenga chingwa. Kana hama ichishanya kwemazuva anodarika maviri, ngaiuye yakatakura­wo shuga, sipo, mupunga nezvimwewo zvekubatsi­ra. Kusekerera­na hakuise mari mumita yemagetsi, kunyanya kana vaenzi vakange vachifunga kuti vanokwanis­a kungoti pavadira “tibikireiw­o tea.”

Apa usafunge kuti munwiro wavanoita tea, nemuisiro wavanoita shuga kwavashany­a ndiwo wavanoitaw­o kumba kwavo.

Kuenda wakabatawo chinhu kunoratidz­a hunhu, uye kunoita kuti wawashanyi­ra awane pekutangir­a. Hove mbiri nezvingwa zvishanu zvekakoman­a kaye muBhaibher­i zvakanga zviri zvishoma mumaziso evadzidzi, asi pavakazvip­a kuna Jesu zvakave zvizhinji.

Newewo paunoshany­ira hama, unoti uri kuenda kupi usina tauro, toothbrush kana pfungwa?

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe