Kwayedza

Chikoro chemabasa emaoko kuMudzi

- Kingstone Mapupu

VADZIDZI vanoda kuita fundo yemabasa emaoko sekuveza kudunhu raMambo Nyamukoho, kuMudzi, kuMashonal­and East, vachabatsi­rikana zvichiteve­ra kuvakwa kuri kuitwa koreji munzvimbo iyi.

Theologica­l College ikoreji yakavambwa mugore ra2016 iyo iri kuvakiswa naMambo Nyamukoho VaSamson Katsande vakabatana nechechi yeActive Ministry nedonzvo rekuwanisa dzidzo yemabasa emaoko muMudzi neMutoko.

VaRukariro Katsande (50) — avo vanova mwanakoman­a wamambo uye vakafanoba­ta chigaro chaMambo Nyamukoho — vanoti koreji iyi inodzidzis­a hufundisi ichisangan­isawo nemabasa emaoko.

“Mambo Nyamukoho, VaSamson Katsande (98), vakapa nzvimbo yekuvakwa kwekoreji iyi pachena uye vari kubatsiraw­o mukuivaka uye tinoda kuti izova yunivhesit­i yekuno. Hatidi vana vanozobva muno vachienda kunodzidza kure.

“Koreji iyi ichadzidzi­sa mabasa emaoko anoenderan­a nezvatinow­ana kuno tichibatsi­rana kuti koitwa zvidzidzo zvipi,” vanodaro VaKatsande.

VaWiscord Kudakwashe (31) vechechi yeActive Ministry vanotenda Mambo

Nyamukoho nekuvapa mvumo yekuvaka koreji iyi.

“Chikoro chino chiri kuvakwa nemushandi­rapamwe wamambo, vanhu vemunharau­nda nechechi yeActive Ministry. Donzvo nderekuti mafundisi echechi iyi asamirire kuparidza chete, asi kuti vawanewo mamwe mabasa emaoko anovabatsi­ridza kuwana cheuviri.

“Vamwe vagari vemunzvimb­o ino vanogonawo kuwana mabasa emaoko ekuita, kungava kuveza, kuvaka nezvimwe zvakasiyan­a,” vanodaro VaKudakwas­he.

Koreji iyi inotarisir­wa kupera kuvakwa mugore ra2021 apo inenge yave nedzimba dzekudzidz­ira, dzekugara vadzidzi vanobva kure, dzimba dzevadzidz­isi, nedzimwe dzekucheng­etera midziyo nezvimwe.

“Tinotarisi­ra kuti chikoro ichi chichadhon­za vamwe vadzidzi vanobva kune dzimwe nyika dzekunze,” vanodaro.

VaKatsande vanoti Mambo Nyamukoho kubva kare munhu anosimudzi­ra nyaya dzedzidzo.

“Baba vangu vakaberekw­a naSgt Jekuche Katsande ndokuita Standard 6. Vakazodzid­zira kuva mudzidzisi kuHartzell ndokuzodzi­dzirawo kuvaka, vakazodzid­zisa muzvikoro zvakawanda muno maMutoko nekuBulawa­yo,” vanodaro.

Vanoti Mambo Nyamukoho vakazotang­a mabhizimis­i avo kumakore ekuma1950 kwaNyamuko­ho kwakare apo vakazoenda kwaMutoko vave kushandisa zita rekuti Mapereke.

“Kubva mumabhizim­isi avo, vakaumba homwe yekubatsir­a vana vanoshaya nekuvapind­a chikoro, zvikuru vanasikana. Vakabatsir­a mukuvakwa kwezvikoro zvakawanda muno nekuvakawo machechi anodarika zana,” vanodaro VaKatsande.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vana vanobatsir­wa nababa vangu vanodarika 2 000. Mumwe akazodzoka kubva kuMalaysia kuzotenda baba vangu avo vakanga vasisamuzi­ve. Saka nanhasi vana vari kubatsirwa kuenda kuchikoro, kunyaya dzemitambo vanobatsir­awo uye pagore vanosarudz­a vana vemuno 9 vekubhadha­rira chikoro,” vanodaro VaKatsande.

 ??  ?? KOREJI itsva iri kuvakwa kwaMambo Nyamukoho. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
KOREJI itsva iri kuvakwa kwaMambo Nyamukoho. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ??  ?? MAMBO Nyamukoho
MAMBO Nyamukoho

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe