Mamiriro erondedzero
ZVATATOTANGA kudai hatichina nguva yekutamba, tava kutopinda mubasa chairo. Sekutaura kwandakaita muchikamu chapfuura, mukati mezvirongwa zvedu muchange muine bandiko rerondedzero, naizvozvo tinoda kuti tiongorore kuti rondedzero chii.
Tichada zvakare kutarisa mhando dzerondedzero nekuti dzinonyorwa sei uye kuti dzakawanda sei. Zvakanaka kuti tigare tagadzira hwaro hwakanaka hwemanyorerwo erondedzero kuitira kuti pose patichadzinyora tinge tichitevedzera muronga chaiwo.
Rondzedzero chinyorwa chinotaura pamusoro wenyaya wakapiwa uye chine zvikamu zvine pfungwa dzinotevedzana dzichiiswa muzvikamu kudzamara hurefu hunodiwa hwasvika.
Rondedzero dzinonyorwa mumironga mitatu inoti nhanganyaya, mutumbi nemhedziso. Misoro yenyaya inogona kutaura pamusoro pezvinhu zvakaitika, zvawakaona, kana kuti zvawakanzwa. Munhu anogona zvakare kunyora achitsanangudza zvinhu zvaanoziva kana kurondedzera munhu waanoziva kana mhuka chaiyo.
Kana tonyora rondedzero tinofanirwa kuziva kuti pfungwa dzatinoda kushandisa hadzifanirwi kukanyaniswa asi kuti dzinofanirwa kumira dzega muzvikamu nekudaro panofanirwa kunge paine pfungwa huru muchikamu chega chega iyo inozoda kutsigirwa uye kupiwa mhedziso yakaringana.
Zvinoreva kuti chikamu chega chinenge chine pfungwa imwe chete iyo inoramba ichipuruzirwa nemashoko esimbaradzo. Izvi zvinoita kuti vana vasazobuda mugwara. Vanofanirwa kuramba vachidzengerera papfungwa huru iyoyo kudzamara chikamu ichocho chapiwa mhedziso yakaringana
Zvikamu zverondedzero izvi ndizvo zvinotibatsira kuti tiyere mwero werondedzero uyo usingapfuuri mazwi zana namakumi maviri. Kunze kwenhanganyaya nemhedziso huru, tinotarisira kuwana pfungwa huru nhatu dzine hochekoche takanangana nemusoro wenyaya uye nenhanganyaya.
Pfungwa huru nhatu idzi dzichatiburitsirawo zvikamu zvitatu izvo zvichavaka mutumbi werondedzero. Zvinobva zvareva izvo kuti rondedzero yedu kazhinji inokwana mwero wehurefu hwayo nezvikamu zvisingapfuuri zvishanu kazhinji.
Mafambisirwo anoitwa rondedzero anofanirwa kubatwa tichitanga kotoro kudai kuitira kuti kana todzinyora tigowanikwa tiri mugwara. Kana tichinge toziva manyorerwo anofanirwa kutevedzerwa tochiziva zvokunyora. Paya patiri kutaura nenyaya yenhanganyaya tiri kuti munhu ari kunyemudza muverengi pamusoro pezvaachazosangana nazvo muchinyorwa kwete kuti munhu anongokanda murwi wamazwi kunyanya wetsumo dzisingaenderane nezvichauya mumutumbi werondedzero. Ngaiite nzwisa yekuti uya ari kuverenga chinyorwa agare ave nekaruzivo kekuti achasangana nezvakadai mumutumbi. Hapafanirwi kuva nekupesana pakati penhanganyaya nezviri mumutumbi. Kazhinji vana vanongonakirwa nekungokanda tsumo senhanganyaya dzisina zvadzinoreva.
Kana dzaita tsumo dzasarudzwa kuita nhanganyaya, ngadzichiva dzichienderana nemusoro wenyaya. Muchikamu chinotevera tinotarisa mhando dzerondedzero idzo dzatinofanira kuziva uye kugona kudzitevedzera manyorerwo adzo.