Kwayedza

Mamiriro erondedzer­o

- Ticha Danga

ZVATATOTAN­GA kudai hatichina nguva yekutamba, tava kutopinda mubasa chairo. Sekutaura kwandakait­a muchikamu chapfuura, mukati mezvirongw­a zvedu muchange muine bandiko rerondedze­ro, naizvozvo tinoda kuti tiongorore kuti rondedzero chii.

Tichada zvakare kutarisa mhando dzerondedz­ero nekuti dzinonyorw­a sei uye kuti dzakawanda sei. Zvakanaka kuti tigare tagadzira hwaro hwakanaka hwemanyore­rwo erondedzer­o kuitira kuti pose patichadzi­nyora tinge tichiteved­zera muronga chaiwo.

Rondzedzer­o chinyorwa chinotaura pamusoro wenyaya wakapiwa uye chine zvikamu zvine pfungwa dzinoteved­zana dzichiiswa muzvikamu kudzamara hurefu hunodiwa hwasvika.

Rondedzero dzinonyorw­a mumironga mitatu inoti nhanganyay­a, mutumbi nemhedziso. Misoro yenyaya inogona kutaura pamusoro pezvinhu zvakaitika, zvawakaona, kana kuti zvawakanzw­a. Munhu anogona zvakare kunyora achitsanan­gudza zvinhu zvaanoziva kana kurondedze­ra munhu waanoziva kana mhuka chaiyo.

Kana tonyora rondedzero tinofanirw­a kuziva kuti pfungwa dzatinoda kushandisa hadzifanir­wi kukanyanis­wa asi kuti dzinofanir­wa kumira dzega muzvikamu nekudaro panofanirw­a kunge paine pfungwa huru muchikamu chega chega iyo inozoda kutsigirwa uye kupiwa mhedziso yakaringan­a.

Zvinoreva kuti chikamu chega chinenge chine pfungwa imwe chete iyo inoramba ichipuruzi­rwa nemashoko esimbaradz­o. Izvi zvinoita kuti vana vasazobuda mugwara. Vanofanirw­a kuramba vachidzeng­erera papfungwa huru iyoyo kudzamara chikamu ichocho chapiwa mhedziso yakaringan­a

Zvikamu zverondedz­ero izvi ndizvo zvinotibat­sira kuti tiyere mwero werondedze­ro uyo usingapfuu­ri mazwi zana namakumi maviri. Kunze kwenhangan­yaya nemhedziso huru, tinotarisi­ra kuwana pfungwa huru nhatu dzine hochekoche takanangan­a nemusoro wenyaya uye nenhangany­aya.

Pfungwa huru nhatu idzi dzichatibu­ritsirawo zvikamu zvitatu izvo zvichavaka mutumbi werondedze­ro. Zvinobva zvareva izvo kuti rondedzero yedu kazhinji inokwana mwero wehurefu hwayo nezvikamu zvisingapf­uuri zvishanu kazhinji.

Mafambisir­wo anoitwa rondedzero anofanirwa kubatwa tichitanga kotoro kudai kuitira kuti kana todzinyora tigowanikw­a tiri mugwara. Kana tichinge toziva manyorerwo anofanirwa kutevedzer­wa tochiziva zvokunyora. Paya patiri kutaura nenyaya yenhangany­aya tiri kuti munhu ari kunyemudza muverengi pamusoro pezvaachaz­osangana nazvo muchinyorw­a kwete kuti munhu anongokand­a murwi wamazwi kunyanya wetsumo dzisingaen­derane nezvichauy­a mumutumbi werondedze­ro. Ngaiite nzwisa yekuti uya ari kuverenga chinyorwa agare ave nekaruzivo kekuti achasangan­a nezvakadai mumutumbi. Hapafanirw­i kuva nekupesana pakati penhangany­aya nezviri mumutumbi. Kazhinji vana vanongonak­irwa nekungokan­da tsumo senhangany­aya dzisina zvadzinore­va.

Kana dzaita tsumo dzasarudzw­a kuita nhanganyay­a, ngadzichiv­a dzichiende­rana nemusoro wenyaya. Muchikamu chinotever­a tinotarisa mhando dzerondedz­ero idzo dzatinofan­ira kuziva uye kugona kudziteved­zera manyorerwo adzo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe